Uncategorized

Kuchengetana makarambana

10 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Isabel Palasida —
VANHU vangakwanisa here kuramba vachichengetana mushure mekurambana? Kazhinji kana vanhu vachinge varambana, pane zvinhu zvakawanda zvinenge zvichida kugadziriswa.

Pane nyaya dzekupomerana kuti ndiyani akakonzeresa kurambana uku nenhau yekugoverana midziyo yavakashanda apo vaive vachiri muwanano.

Kana vaviri ava vakange vaine vana, pane nyaya yekuti ndiyani anofanira kugara nevana. Kumubereki ari kuchengeta vana, anenge ave kufanira kureva mendenenzi kune asiri kugara nevana wacho.

Kunyangwe kana pasina vana vakaitwa muwanano iyi nhau yekuchengetana inoramba iripo. Dare guru reHigh Court rinopa masimba kumubereki anenge ari kuchengeta vana kuti ange achiwaniswa mendenenzi nekuona zvakare kuti ndiyani akakodzera kuchengeta vana.

Kune dzimwe nyaya dzakadai seyaLocardia Karimatsenga apo akange ari kuda mari inoita US$15 000 yekuti achengetwe mushure mekurambana kwaakaita naMorgan Tsvangirai.

Mari yekuchengetana mushure mekurambana inomubatsira kuti ange achikwanisa kurarama zvakanaka asi pachine gakava rekuti zvinogoitika sei kana vanhu vachinge varambana.

Mutemo weSection7(1)(b) weMatrimonial Causes Act (Chpater 5:13) unopa kodzero yekuti vanhu vachengetane mushure mekurambana.

Pasi pemutemo wechivanhu zvinoonekwa sekuti ibasa remurume bedzi kuti ange achichengeta mhuri. Asi matare edzimhosva haana rusarura maringe nekuti ndiyani anofanira kuchengetwa nekuti anotarisa kumativi ose.

Zvisinei, nenhau yekuti mazuva ano madzimai mazhinji ave kushanda zvave kuratidza kuva nemusiyano nekuti vave vashoma vari kureva mendenenzi yekuti vange vachichengetwa.

Justice Manyarara pane mumwe mutongo wavakapa unoti mazuva ano zvave kunetsa kuti mendenenzi inge ichirehwa nemadzimai echidiki nekuti vazhinji vacho vanenge vachiri kushanda.

Asi madzimai akwegura ari muwanano anenge akashandira midziyo yewanano uye vasisina pekutangira zvinoita kuti vade kuchengetwa.

Vanoda kuziva zvakawanda pamusoro pekodzero dzavanhukadzi munogona kutibata veZimbabwe Women Lawyers Association (Zwla) panhamba dzeTollfree dzinoti 08080131 kana 0782 900 900.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>