Kuchengetedza zvasara pakurima

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Kuchengetedza zvasara pakurima

Kwayedza

. . .Zvinhu zvasarira ngazvibatwe zvakanaka nguva dzose

Ivan Craig —
KURIMA ibhizinisi nekudaro tinofanira kuchengetedza mari kuburikidza nekuchengetedza zvatinoshandisa. Murimi kana achitenga zvekushandisa mwaka wega-wega anofanira kutanga agara pasi achironga zvaanoda kurima neminda yacho uye mahekita acho (cropping programme).

Zvisinei, varimi vazhinji vanorasika pahuwandu hwezvinhu zvekushandisa vopedzisira vatenga zvakawandisa.

Zvinosarira ndizvo tinoda kuona muchinyorwa chino kuti zvinochengetedzwa sei.

Nzvimbo yatinochengetera inenge yakatarisirwa kunge iine zvinotewera; yakaoma, ichifefetera nekutonhorera, isinganayi mvura, isingapindi zuva uye isina makonzo.

Nzvimbo iyi inofanira kunge iine ruzhowa rwewaya kana zvidhinha nemusuwo unokiiwa kuitira vaya vanorarama nekuba.

Kana tichida kuchengetedza zvinhu pamusha kana papurazi, tinofanira kunge tichiziva zvinhu zvacho.

Kuziva zvinhu hazvidi kuti muzvizive nemusoro, munofanira kunge muine bhuku rakanyorwa zvose zvakasara.

Izvi zvinobatsira kuti tisarasikirwe nemari yekutenga zvimwe zvekushandisa zvakare, nekudaro zvinozadzikisa donzvo rekurima riri bhizinisi.

Zvinhu ngazvichengetwe zviri pazvo pazvo kuitira kuti tisazvisanganise.

Chimbotorai mienzaniso inokonzereswa nekusanganisa zvinhu, tomboti mune mbeu yechibage chichena nechekenya (yellow), makonzo ozvibatsira masaga acho ovhurika chosangana.

Zvakanaka ndezvekuti mbeu idzi dzine ruvara rwakasiyana saka munogona kugara pasi monhonga.

Nyaya iri pakuti mava kuita basa ramanga musingafaniri kuita rekunhonga mbeu.

Izvi zvava kutokudyirai nguva yekuita rimwa basa nemari yekubhadhara vashandi.

Ngatimboti masanganisa mbeu dzakasiyana asi dziri chena dzose, seZAP61 neZAP43, apa hamuna zvamunokwanisa kuita kunze kwekudyara zvakadaro.

Matovhiringa hurongwa hwese kana manga makaronga kuwana goho ramunenge makatarisira munogona kurishaiwa nokuti mbeu idzi dzakasiyana maitiro adzo – imwe irefu imwe ipfupi – zvorewa kuti imwe ichatadza kukura zvopa kuti goho ridzikire.

Tomboti fetireza yeCompound D iri pamwe chete neAmmonium Nitrate (top) zvotsemuka uku maendesa ivhu kunoongororwa moudzwa kuti munofanira kuisa Compound D pasi, imi mongoisa yakasangana iya muchiti D irimo, mashandiro ayo anotosiyana nekuti fetiriza iyi haichina zita, goho robva radzikira kana kuti chirimwa chenyu chinobva chatsva, bhizinisi riya roshaiwa maturo.

Tomboti mbeu iri pasi nemafetiriza pamwe chetepo nepeturu. Mishonga kana dhiziri chigubhu chimwe chete chovhurika, panoita batai batai nekuti zvakawanda zvichatota zvobva zvakanganiswa.

Hapana zvamungaite kunze kwekungorasa, bhizinisi roenda musango.

Zvinhu ngazviiswe pamatanda kana mapaletsi (palets) kuitira kuzvisimudzira kubva pasi (floor) uyezve musarongedze zvinhu zvakati kwati kwati nemadziro.

Mishonga yasara ngaigare mumagaba ayakabva nayo kuchitoro nezvinyorwa zvayo zvakakwana, kuitira kuti musazoshandisa mishonga isiriyo pazvirimwa. Mumwe maneja papurazi rekuNorton akazopisa 100ha yechibage aisa mushonga wesora wepost-emergency apo chainge chatomera nenyaya yekungorongedza zvisina kurongeka.

Kutanga kwemwaka ngatisangodyare mbeu tisina kuti dziongororwe kuti dzinomera here.

Torai murimisi wenyu weAGRITEX kuti akubatsirei kuongorora mbeu yenyu kuti iri kumera here, uyezve kana muine zvekushandisa zvava nema”dates” ava kusvika kwamvura yacheka makumbo, endai munobvunza vagadziri vazvo nema”batch number” vokutarisirai kuti zvinenge zvichiri kushanda here.

Nekudaro, varimi ndiri kuedza kuti kuronga zvinhu zvasara nezvatichatenga pazvo pazvo zvinobatsira kuti muimba iyi muite hutsanana.

Zvinhu ngazvirongeke nezvikwata nezvikwata kuitira kuti zvisasangane kana zvatsemuka uyezve ngaiite imba inofambika, ichitsvairika yogarawo yakachena.

Varimi ma”expiry dates” anogona kunge ari mberi asi kana musina kuchengeta zvinhu zvakana, mukana wekuti zvinotadza kushanda wakakurisa.

Nekudaro ngatichengetedzei mari neupfumi nekungobata zvinhu zvasarira mune zvakanaka.

Slogan yevarimi vazhinji inoti, “Murimi. . .rongeka, rongeka. . . murimi”.

Share This:

Sponsored Links