Kuchengetedzwa kwekodzero yemidziyo yewanano Part 11

19 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Rumbidzai Tawonezvi-Moyo —
ICHI chikamu chepiri chenyaya dzekodzero yekuchengetedzwa kwemidziyo yewanano inenge yakanyoreswa muzita remudikanwi wako. Muzvinyorwa zveZimbabwe Women Lawyers Association, nyaya yekutanga yakabudiswa mubepanhau reThe Herald nomusi wa10 Chivabvu gore rino. Nyaya iyi inowanikwa padandemutande rinoti <http://www.herald.co.zw/temporary-protection-of-rights-to-matrimonial-property-in-spouses-name/>.

Svondo rino tichaenderera mberi nenhaurwa yedu kuti tingakwanisa sei kuchengetedza midziyo yewanano kwenguva diki tichitarisa nyaya dzekunyoreswa kwemagwaro anochengetedza midziyo (Caveat), zvikuru sei midziyo yakaita sedzimba inenge iri muzita remudikanwi. Zvakakosha kuziva kuti Caveat ndeye nguva duku sezvo muridzi wemudziyo ndiye bedzi ane kodzero yekuita zvaanoda nayo.

Gwaro reCaveat pamusoro pemba:

Magwaro anochengetedza midziyo anogona kuitwa kunyangwe kumidziyo yakadai sedzimba. Magwaro aya anofanochengetedza midziyo kubva kumudikanwi asiri muridzi wayo kuti irege kutengeswa.

Magwaro aya anokwanisa kushandisika kana kune nyaya iri kumatare edzimhosva maringe nemidziyo iyoyo, zvikuru sei kana mudikanwi ave kuda kutengesa midziyo asi paine nyaya inenge iri kumatare pamusoro pekugovewa kwayo.

Somuenzaniso, John naChipo vari kuda kurambana kudare guru redzimhosva reHigh Court of Zimbabwe. Vane imba ine makamuri mana inova yakanyoreswa muzita raJohn asi inenge ichifanira kugoverwa pakati pevaviri ava apo vanorambana kudare iri.

Nyaya yekurambana ichiri mudare redzimhosva saka John anosarudza kutengesa imba apo dare risati rapa mutongo wekurambana kana kutsanangura magoverwo emidziyo.

Imba iyi isati yatengeswa, Chipo anonzwa nezvehurongwa hwaJohn hwekutengesa imba yewanano saka Chipo ane masimba ekunotora magwaro anodzivirira John kuti asatengesa midziyo apo vanenge vakamirira mutongo wedare reHigh Court. Chipo ane kodzero yekupa umboo hwekuti kana John akaenderera mberi nekutengesa midziyo anenge achikanganisa kodzero dzake dzekuti ange achiwana mugove wemba iyoyo. Nokudaro, dare rinopa magwaro anodzvivirira kutengeswa kwemidziyo iyoyo. Dambudziko remagwaro anodzivirira kutengeswa kwemidziyo yewanano ndere kuti murume kana mukadzi anogona kutengesa midziyo iyi zvisina ruzivo rwemudikanwi wake asi achizoziviswa izvi kana midziyo yave kuiswa muzita remunhu atenga. Izvi zvinoreva kuti mudikanwi anogona kuzongobvuma kutambira mari inenge yatengwa nayo midziyo iyi vobva vasainirana magwaro ekutengeserana. Zvese izvi zvinogona kuitika pasati pava nemagwaro anodzivirira kutengeswa kwemidziyo.

Zvinhu zvakakosha maringe nemagwaro ekuchengetedzwa kwemidziyo:

1. Magwaro anodzivirira kutengeswa kwemidziyo ndeenguva diki nekuti haarambidzi muridzi wemidziyo kuti ange achitengesa midziyo yake panguva yakatarwa. Magwaro aya anoshanda bedzi kana paine nyaya inenge ichiri kumatare edzimhosva.

2. Panofanira kunge paine nyaya iri kudare nokudaro kana pasina nyaya dzakadai sekurambana dzinenge dziri kumatare edzimhosva magwaro anodzivirira kutengeswa kwemidziyo haakwanisi kunge aripo.

3. Nekuda kwezviri pamusoro, magwaro anodzivirira kutengeswa kwemidziyo haakwanisi kushandiswa kudzivirira kutengeswa kwemba zvisina kutsigirwa kwakakwana. Pane imwe nyaya yekurambana kwemukadzi nemurume yakatora makore gumi nemashanu, gwaro redziviriro rakashandiswa kumisa kutengeswa kwemba asi nyaya yacho isina kupedziswa kwenguva refu. Dare rakazoona kuti vaviri ava vaida kushandisa dare kuti imba yavo isatengeswa nemumwe munhu wavanga vakakwereta vakatadza kubhadhara. Zvakaonekwa kuti iyi yaive nzira yekuedza kutiza chikwereti ichi. Izvi zvinoreva kuti magwaro ekudziviswa kutengeswa kwemidziyo aya haashande kana uchida kudzivisa kutengeswa kwemidziyo yako nemunhu waune chikwereti naye.

4. Kuve nemagwaro anodzivirira kutengeswa kwemidziyo hakurevi kuti wave muridzi wemidziyo iyoyo. Zvinongoreva bedzi kuti une kodzero yekuva nemidziyo iyoyo asi wakamiririra mutongo wedare.

5. Matare edzimhosva anotarisa zvakare kodzero dzemuridzi wemidziyo uyo anogona kudaro ari kuda kumbunyikidzwa kana anenge atengeserwa wacho. Asi vachitarisa mativi ese evanenge vatadzirwa.

6. Magwaro anochengetedza vari muwanano.

Zvisinei nekuti midziyo yewanano inenge yatengeswa zvine magwaro, dare rinotarisa zvakare kuti vari muwanano vawana migove yavo here asi paine mikana zvakare yekuti nyakutengeserwa ange achidzorerwa mari yake.

7. Magwaro anochengetedza midziyo anonyorwa sei?

Magwaro aya anowanikwa kumatare edzimhosva. Unokwanisa kutsvaga rubatsiro rwemagweta.

Sangano reZimbabwe Women Lawyers Association rinovimba kuti ruzivo rwamapakurirwa rwuchakubatsirai mukuviza nyaya dzemitemo maringe nekodzero dzenyu dzekuchengetedza midziyo yewanano. Takaona kuti kazhinji kacho madzimai ndiwo ari kunyanya kuita dambudziko rekurasikirwa nemidziyo yewanano apo vadikanwi vanoitengesa nerweseri nekuti kazhinji kacho ndivo vanenge vasina zita rakanyorwa pane midziyo. Zvakakosha zvakare kuti vanhu vange vachinyoresa midziyo mumazita avo kuti zvionekwe kuti ndivo varidzi vayo apo vanoenda kumatare edzimhosva.

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected] <mailto:[email protected]>, kufona panhamba dzeHotline dzinoti 0782 900 900 kana dzeToll-free 08080131.

Share This:

Sponsored Links