Kuchengetedzwa kwekodzero yemidziyo yewanano

12 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Rumbidzai Tawonezvi-Moyo —
SANGANO reZimbabwe Women Lawyers Association (ZWLA) rakakurukura zvakadzama munguva yadarika munyaya dzakabuda mubepanhau reThe Herald pamusoro pekugovana midziyo yewanano.

Muhurukuro idzi makabuda zvakawanda kusanganisira kuti ane zita rinenge rakanyoreswa mudziyo ndiye muridzi wawo uye ane mvumo yekuutengesa.

Zvisinei, izvi hazvireve kuti kodzero dzemumwe ari muwanano hadzifanire kunge dzichicherechedzwa. Chinyorwa chino chichaongorora pamusoro pekuti mutemo weDomestic Violence Act Chapter 5:16 (DVA) ungashandiswe sei kuchengetedza kodzero dzemudziyo yewanano inenge yakanyoreswa muzita remumwe.

Mutemo uyu wakadzikwa kuti pange paine kuchengetedzwa kweavo vanosangana nedambudziko remhirizhonga yemudzimba kuburikidza nekupihwa gwaro rinonzi Protection Order kudare reMagistrates Court.

ZWLA iri kuona kuti vanhukadzi vakawanda havadi kutsvaga rubatsiro pasi pemutemo uyu nekuda kwezvikonzero zvakasiyana zvinosanganisira kuzotyisidzirwa nemurume anenge amhan’arirwa.

Zvisinei, ZWLA inokurudzira vose vakasangana nedambudziko remhirizhonga yemudzimba kuti vange vachichengetedza kodzero yemidziyo yavo yewanano mune zvinotevera:

i) Kuchengetedza kuti midziyo iyi isaparadzwe zvine hutsinye mukati pasi pechikamu chesection 3(h) chemutemo weDVA;

Pane dzimwe nyaya dzinoitika dzekuti mumwe anokwanisa kugunun’una achiti aparadzirwa mudziyo wake newaanenge ari muwano naye nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. Muenzaniso wekuparadzwa kwemidziyo zvine hutsinye mukati ndeunotevera:

Chipo naMaxwel vakaroorana vachigara vose kuWarren Park. Pose pavanonetsana, Maxwell anopwanyira midziyo yemumba mekubikira yakasiyana pasi kana kushandisa tsvimbo yekutambisa gorofu kupwanya mahwindo nemagonhi.

ii) Kuchengetedzwa kuti usarambidzwe kushandisa midziyo yewanano pasina chikonzero chakati tsvetere pasi pechikamu chesection 3(j) chemutemo uyu.

Muenzaniso ndeunotevera:

Sipho naJabu vatadza kuwirirana zvachose muwanano yavo saka ndokubvumirana kuti vachirambana zvavo. Jabu anoshevedza mufakazi kumba kwavo obva apa Sipho gupuro.

Anobva ati Sipho anofanira kubva pamba apa mukati memazuva manonwe nekuda kwekuti imba iyi yakanyoreswa muzita rake.

Chipo anoenda kuMagistrates Court opihwa Protection Order pasi pemutemo weDomestic Violence Act 5:16 kuitira kuti Jabu asamubvise nechisimba pamba apa.

Izvi hazvireve kuti Sipho acharamba achigara pamba apa, asi kuti Jabu haangakwanise kuti amubvise pasina kugovewa kwemidziyo kunenge kwaitwa kuburikidza nemutongo wedare. Jabu haakwanise kubvisa Sipho pamba apa nechisimba nekuda kwekuti imba iyi iri muzita rake chete.

iii) Kuchengetedzwa kubva kune kutengeswa kwemidziyo yemuwanano kuti isangotengeswa zvisina tsarukano pasi pechikamu chesection 3(k) chemutemo uyu.

Muenzaniso ndewekuti Jabu anoda kuroora mumwe mukadzi apo muchato wake naSipho unenge wadamburwa. Anoda mari yekuti atange upenyu hutsva saka anobva aronga kutengesa imba yaanogara naSipho kuitira kuti kana agovana mari naye obva atenga imwe imba yekugara nemudzimai wake mutsva.

Sipho anobva azvinzwa kuti ndizvo zviri kurongwa naJabu obva akumbira gwaro reProtection Order kudare kuitira kuti Jabu asatengese imba iyi. Dare rinobva raona kuti uku kutengeswa kwemudziyo zvisina tsarukano uye kuti unofanira kuonekwa kuti wogovewa sei usati watengeswa. Zvakakosha kuziva pamusoro pemutemo weDomestic Violence Act 5:16:

Protection Order inogona kutorwa pakati pemurume nemukadzi vari muwanano pasi pemitemo yewanano inoti Marriage Act 5:11, Customary Marriages Act 5:07 neavo vanenge vakaroorana vachigara vose pachivanhu.

Mitongo inenge yaturwa kuburikidza neDVA ndeye nguva duku, hairambe iripo.

ZWLA inoda kusimbisa kuti nyaya yekuti kana midziyo yewanano yakanyoreswa muzita rumumwe, hazvireve kuti mumwe wacho haana chekuita nayo.

Tinokumbira kuti muverenge chinyorwa chesvondo rinouya zvakare kuti muzive zvakawanda pamusoro pekuchengetedza kodzero dzenyu dzemidziyo yewanano.

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>