Kuda hondo kwaKuda

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
MHENENGURO yekudyidzana kwemusoro webhuku nerungano:

Musoro webhuku iri unotsigirwa nevatambi vakasiyana-siyana. Kuda kufarira chinhu. Muhondo zvinhu kana zviitiko zvaiwanikwa munguva yehondo yeChimurenga. Kupinda kunoita Kuda muhondo yeChimurenga achirwira rusununguko rweZimbabwe kunoratidza kuti akanga aine rudo nehondo.

Musoro webhuku uyu unorevawo kuda hondo zvisinei nekuti ndiani ari kunzwa kuida. Povho inenge ichiratidzawo kufarira hondo yekusunungura Zimbabwe kuburikidza nekutsigira magandanga akanga achirwa nevavengi. Vapambepfumi vakanga vachidawo hondo kuti varambe vachitonga nyika yeZimbabwe zvinoonekwa nekurwisa vatema kuti vasatorerwe nyika kubva mumaoko avo. Mamwe magandanga akanga achifarirawo hondo yeChimurenga chaizvo zvinoratidzwa nekuzvipira kwawo. Zvese izvi zvinoratidza kuti musoro webhuku iri unotsigirwa nenzira dzakawanda kwazvo.

Hezvinoi zvimwe zvinoburitsa musoro wenyaya:

Kuda anoratidza kufarira zvehondo paanorega kuenda kuzvidzidzo zvake achienda kuHighfields netsoka uko vainochema mukuru wezvematongerwo enyika anove Chitepo akanga aparara mutsaona yemotokari. Kuda akachengeta miko nemirairo yese yavainge vaudzwa kuti vazotevedzere zuva iri nyangwe vamwe vavo vasina kuzvikoshesa. Izvi zvinoratidza chido chake chekutsigira zvinangwa zvehondo pamwe chete nevatungamiri vayo.

Vakomana vaviri vanosangana naKuda muchitima achienda kwaMutare paanenge achibva kuchikoro vanoratidza kuti vakanga vada zvehondo izvo zvainzwikwa nenyaya dzavaitaura. Kuda anoratidza kutsigira hondo paanobva kuchikoro achisvika magandanga aive mudunhu ravo aine hurongwa hwekutakura mapango newaya dzaida kuvakiswa kipi ndokubatsirana nevamwe vachinokanda zvinhu izvi mudhamhu. Mushure mekunge Kuda abatsirana nevamwe kurasa waya dzekipi anotanga kunzwa kuda hondo zvakanyanyisa. Anotaura achiti, “Pamazuva matatu iwayo ndakanga ndadzidza zvakawanda nezvehondo. Ini pachangu mweya wangu wakanga wapindwa nepfungwawo yekuda kuenda.” P.26

Kuda anoenda kuMozambique achisiira chikoro panzira achinoita zvidzidzo zvehondo zvinoratidza kuzvipira kwake munyaya yekusunungura Zimbabwe.

Kusavhunduka zvitunha kunoitwa naKuda kechipiri mushure mekunge aona vanhu vazhinji vainge vafa pakapiswa dzimba dzavo nemoto. Izvi zvinoratidza kuti akanga ashinga semunhu aida kurwa hondo.

Kuda anoita shungu dzekurwa hondo paanoona vamwe vezera rake vaine pfuti vakachengetedza motokari yavaifamba nayo kuenda kuMozambique. Anonzwa shungu dzekuda kudzidzirawo kurwa hondo.

Kusarudzwa kwaKuda achienda nevamwe kukamba 2 kwavaizonodzidziswa hondo kunoita kuti afare chose sezvo akanga ave kunopinda muhondo chaimo. Kudzidziswa kwese kunoitwa Kuda zvehondo nemamwe magandanga akaita saKadiki, Kandege naGidi kunoratidza kuti akanga ane chido nehondo.

Zita raKuda rekuzvarwa naro ainzi Kudakwashe Zaranyika asi tinonzwa achitora zita remuhondo rinoenderana nemusoro webhuku pamwe chete nechido chake chekurwa hondo achizviti Kuda Hondo.

Matambudziko ese ainge asangana naKuda muZimbabwe kubva panguva yaaive kuchikoro kusvika ave kumusha kwavo akaita kuti ade hondo zvakapfurikidza. Anotsanangurira Komuredhi Kadiki kuti akanga agara achida zvehondo kubva kare chaiko asi achishaya nzira dzekuti apinde muhondo.

Kushingirira kumhanya, kudzidzira pfuti, kudzidza zvese zvematongerwo enyika nekufamba nzendo refu netsoka kunoitwa naKuda kunoratidza kuti munhu akanga akazvipira kurwa hondo kubva kumavambo kusvika kumagumo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey