Kudyara chibage chekugocha muchando

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Kudyara chibage chekugocha muchando

Kwayedza

Mudhumeni Mukuru John Basera

CHIBAGE chekugocha ibhizimisi rinoitwa nevarimi vachiitira kuvandudza mari papurazi inozoshanda kuhoresa vashandi, kutenga zvibatiso, mishonga, mafetireza nembeu vachigadzirira Zhizha. Tikaisa mari inopfuura churu nemazana maviri ($1 200) inodiwa pahekita imwe chete, tinokwanisa kuwana mari inodarika zviuru zvishanu kana zvinomwe ($5 000 – $7 000) pahekita imwe chete iyoyo kana tagona kuchirima.

Saka zvakakosha kuziva marimirwo unoitwa chibage chekugocha uye nemhando dzembeu dziri kudiwa pamisika.

Seed Co Mudhumeni Mukuru inobatsira varimi nehunyanzvi hwekurima. Muhurukuro yesvondo rino tichabata zvinhu zvine chitsama zvinoita kuti tikwanise kurima chibage chemuchando, chinoburitsa miguri yakakura inozvitengesa yoga pamusika. Pakupera kwezuva tinoda kuti varimi vawane pundutso inobatika kubva pamari yavanenge vaisa pahekita imwe chete.

Pakupedzisira, tichabatawo nezvemisika yechibage chinyoro.

KUGADZIRA MINDA:

Tarisiro ndeyekuti kune vanoda kudyara muna Chikunguru kana Nyamavhuvhu, pari zvino takatopedza kugadzirira minda. Kana musati maita izvi, tinokukurudzirai kuti muzviite nekukurumidza, tichimhanyidzana nenguva tizobata mitengo yakanaka pamusika.

Ngatipindei nemagejo tozopinda nemadisc tozoisa maroller kuitira kururudza minda yedu kusvika mavhinga ose apwanyika.  Tinokwanisa zvakare kugadzirira minda nemapadza tichichera makomba akadzama zvakakodzera.

NGUVA YEKUDYARA:

Chibage chekugocha chinodyarwa chero nguva asi kazhinji hachidi kurohwa nechando chakanyanya nekuti chando chinoderedza kukura kwemiguri uye chinogona kupisa chibage, kunyanya chichiri pamuzera mudiki. Saka varimi ngwarirai muzive mazuva anowanzouya chando paminda yenyu.

Kune vari kumatunhu akakwirira (Highveld), chando chakanyanya chinowanzorova kupera kwaChikunguru. Ipapo ndipo patinokurudzira varimi kuti vadyare chibage chavo. Chibage chekugocha chinofanira kudyarwa kubva musi wa25 Chikunguru asiwo zvakakosha kuti murimi azive nzvimbo yaanorimira ari, kunyanya kuziva panowanzouya chando chakanyanya. Aziva izvi, ava kugona kuronga mazuva ekudyara chibage chake ochinzvengesa kubva kuchando chakanyanya.

Chimwe chibage chekugocha chinokwanisa kudyarwa pakati peZhizha munaKukadzi naKurume. Ichi ndicho chinozobuda mumunda muna Chikumi kana Chikunguru. Kune varimi vari kuLowveld, chibage chekugocha tinokwanisa kuchidyara chero nguva, nemhaka yekuti kunopisa uye hakunyanyi kuita chando chakanyanya.

MHANDO DZEMBEU DZIRI KUDIWA KUMISIKA:

Seed Co  ine  mhando dzine chitsama dziri kuchemerwa zvakanyanya pamisika yechibage chinyoro. Idzi dzinosanganisira Nzou SC 727 neNzou SC 719. Mbeu idzi vanodzitumidza zita rekuti “Cassa Banana” nekuti dzinokwanisa kugara kwemazuva akawanda dzabuda mumunda uye dzinotapira. Dzinopa miguri yakareba uye yakaenzana, inokwana mugrade rekutanga (A). Zvichienderana nenzvimbo, mhando idzi dzinotora mwedzi mitatu kana mina nechidimbu kuti titange kukohwa chibage chinyoro.

Pambeu dzeShumba, SC 637  inopa chibage chichena uye miguri yacho yakareba zvinoyevedza mutengi. Chibage ichi chinotapira zvakare. SC 608 inonzi “Fire Cracker” pamusika nekuti inoputika zvakanaka, zvinoyevedza. Mbeu yeSC 608 inopa miguri yeruvara rweyellow (Kenya). Zvakanyanyonakira mhando dzeNzou, Nhumba neMbizi hadzikurimidzi kuoma, zvinopa murimi mukana wakanaka wekutengesa chibage chake. Zvichienderana nenzvimbo, mhando idzi dzinotora mwedzi mitatu kana mina kusvika pakukohwa.

Pambizi pane mbeu  dzinoti SC 529 neSC 533. Dzinotapira uye dzinoburitsa miguri yakanaka chose. Uyu mupanda unokwanisa kutora mwedzi mitatu kuti titange kukohwa zvichienderana nenzvimbo yatinorimira.

Patsoko pane mbeu inonzi SC 403 inodiwa samare pamusika. Yakanakira kuti inotivirira chirwere chemitsara uye ichitambirwa zvakanaka pamusika. Panewo mbeu ye402, inoburitsa miguri yeyellow mihombe chose asiwo dzimwe nguva inoita dambudziko rekukurumidza kuoma.

Pambeu iyoyi yeSC 402, tinokurudzira varimi kuti vaidyare vachiziva kuti vane musika wekutengesa chiri poripotyo (ready market). Mwedzi miviri nechidimbu kana mitatu tinenge tava kutokohwa mbeu dzemumupanda weTsoko.

MIBVUNZO YESVONDO RINO:

1. Zvakakosherei kugadzira minda uye zvibatiso zvipi zvatingashandisa?

2. Ndedzipi mbeu dziri kudiwa pamisika yechibage chinyoro?

Tumirai mhunduro pa: 0714 200 007 kana 0772 413 184

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>