Kudza baba namai vako!

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Kudza baba namai vako!

Kwayedza

SVONDO rino tine imwe nyaya yemukadzi anoti atambudzwa nenyoka iyo inomuita mukadzi, kumuyamwa nekupinda mudumbu make ichitamba-tamba irimo. Mukadzi uyu anoti akasvika pakurambana nemurume wake nekuda kwedambudziko iri. Ari kupomerawo vabereki vake achiti vane chekuita nezviri kuitika kwaari. Nekune rimwewo divi, vabereki vake vari kuramba nyaya yavari kupomerwa iyi vachiti mwanasikana wavo uyu ngaadure chokwadi chekuti ipfambi yemakoko.

Sekutaura kwevabereki vake, vanoti mukadzi uyu anogona kunge akaroyiwa nemadzimai evarume vaanodanana navo kana kuti naivo varume vacho nekuda kwekurwadziwa nemari yaanenge avadya kana kuvazunza semuzhanje wepamhararano.

Mukadzi uyu anoti vabereki vake vari kuramba kufamba naye kuti abatsirwe padambudziko rake iri, mashoko anonzi nababa naamai vake manyepo. Asika, pachivanhu mwana haatenderwe kunanga vabereki huroyi nekuti akadaro imhosva kana kuti ingozi inotoda kuripwa.

Saipapa, baba vemukadzi uyu vanoti vanoda kuripwa nembudzi avawo amai vake vachida mombe nembudzi zvekuti akavananga. Izvi zvinoreva kuti mukadzi uyu akatozvisikira moto muziso nekupumha kwaari kuita vabereki vake.

Nyaya dzakadai dzinokonzera kugeda-geda kwemeno mumhuri kana kutosvika pakuti iparare. Hongu, kune vamwe vabereki vanogona kushereketera vana vavo asi havazi vose vane pfini dzakadai vanoda kupedzisira vachinzi ihuku yazvidyira mazai ayo.

Mwanasikana uyu ane humboo hwakazara here pamusoro pezvaari kureva? Shuviro yevabereki vazhinji ndeyekuti vana vavo vave neupenyu hunoyemurika. Semaonero edu, kana pachinge paita dambudziko rakadai, zvakanaka kuisa misoro pamwe chete pakurigadzirisa kwete kunakurirana nyoka mhenyu. Umbimbindoga pakadai apa haushande nekuti munhu achaenda oga kun’anga kana kumaporofita onoudzwa mashoko ekuti anopesana nehama kweupenyu hwose.

Idzowo n’anga nemaporofita vanoda kungwarirwa zvavanotaura nekuti nyika yazara nevanyegeri. Havazi vose vari pachokwadi chekuda kubatsira veruzhinji. Tinodaro nekuti kune dzimwe n’anga nemaporofita enhema vari kutungamidza mari mberi uye vanoita mano-mano nemashiripiti anosiya mhuri dzapesana.

Baba kana amai kana vakanzi varoyi vanoramba vari vabereki vako chete. Asi munhu unofanira kumbozvibvunza kuti kana vabereki vako vakamurera kusvikira ayaruka, ichi chido chakadini? Nhasi uno ndipo povozokuroya, kuti wadini?

Semaonero edu, veruzhinji vanofanira kunzvera zvakadzama nyaya dzakadai vasati vapumha vabereki vavo huroyi nekuti zvakafanana nekuzvizora mhiripiri mumaziso.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>