Kudzidzira mabasa kwakanaka – Vana

15 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Kudzidzira mabasa  kwakanaka – Vana

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
VANA vechikoro vanoti vari kudzidza zvakawanda pamusoro pemabasa avanogona kuita mune remangwana panguva iyo vanoshanyira makambani akatsaukana sezviri muNew Curriculum kunyangwe zvazvo kumwe kwacho vachizombunyikidzwa.

Kwayedza svondo rapera yakaita hurukuro nevana pamusoro pemafambiro ari kuita dzidzo yavo zvichitevera kuvharwa kwezvikoro.

Ben Mugari (15), uyo anodzidza paMushumbi High School, kuGuruve, anoti chirongwa cheNew Curriculum chakanaka sezvo chiri kuvapa mukana wekuti vapinde mumaindasitiri vachiwana ruzivo pamusoro pemabasa akasiyana.

“Ini pachangu ndaitya kupinda mumakambani asi ndakaona kuti hamutyise sezvo kumwe kwacho tichitotambirwa zvakanaka.

‘‘Imwe ongororo yandaiita yaive yekumaruwa ndakanangana nenyaya dzekuchengetedzwa kwenharaunda.

‘‘Saka ndaifanira kunosangana nemadzishe nemasadunhu eko kuti ndinzvere kuti marara vanoachengetedza sei kuti nharaunda dzisave nehuchapa.

“Zvechokwadi, neshungu dzangu ndakapinda mumaruwa ndikakurukura nemadzishe nehudiki hwangu asi vaindipa chiremera. Ndakawana zvose zvandaida saka ndinoti New Curriculum inodyara zvivindi neruzivo kuvadzidzi,” anodaro Mugari.

Mashoko ake anotsinhirwa naViolet Bevi uyo ari kuita Form 3 paRoosevelt Girls High School, muHarare, achiti zvakakosha kuti vana vave neruzivo pamusoro pemabasa avanogona kuita mune remangwana.

“Zvatiri kuita zvakanaka nekuti mukufamba tinoonana nevakuru vemakambani, tichidzidza zvakawanda zvatisingawane mumabhuku edu,” anodaro Bevi.

Kuchiti Arshley Tsunga ari kuita Form 3 paRoosevelt Girls High School zvakare anoti vanasikana vari panyatwa yekumbunyikidzwa nenzira dzakasiyana panguva iyo vanoenda kumaindasitiri vachiita zvidzidzo zvavo.

“Mabhindauko ekuita ongororo aya kumaindasitiri akakosha zvikuru mudzidzo yedu asi mumaindasitiri atiri kupinda umu pamwe tinotambirwa zvakanaka asi kumwe kwacho tinosangana nevanhu vakuru vakatsveruka zvekuti vanogona kupedzisira vave kutimbunyikidza.

‘‘Vamwe vanenge vava kutoda kuripwa kuti vatipe ruzivo rwavo saka nekuda kwekuti vana vechikoro vanenge vasina mari uye ruzivo, vanogona kuwira mumiromo yemakarwe voguma vamitiswa,” anodaro.

Kundai Madzivadondo, uyo ari muForm 1 paCheunje High School, kwaMurehwa, anotiwo kunyangwe zvazvo vari kudzidza zvakawanda, vari kushaiwa mari yekuita zvose zvinodiwa apo vanenge vachifamba mumaindasitiri vachi- zidza.

“Zvakanaka zvatiri kuita asi vazhinji tiri kuomerwa nekushaya mari dzekufambisa nezvimwe zvinodiwa uye zvimwe zvatinenge tiri kunzvera tinogona kuzvishaya mumakambani macho nekuti mamwe anenge akatoomerwawo nekushaya zvekushandisa,” ano- daro.

Share This:

Sponsored Links