Kudzivirira kutapurirana hiv

21 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Kudzivirira kutapurirana hiv

Kwayedza

Kuna Chiremba

Ndiri murume ane makore 52 okuberekwa nevana vatatu avo vose vayaruka.

Kubvira mwedzi waZvita 2016, ndiri kugara ndichinzwa mashoko ari pamusoro pekudzvirira kutapurirana utachiona hutsva hweHIV (Closing The Tap of new HIV Infections). Semubereki, ndinonzwa kushushikana kana ndikafunga kuti zvichida mumwe wevana vangu angangotapurirwa HIV.

Ndapota nditaurireiwo zvakazara pamusoro penyaya yekudzivirira kutapurirana utachiona hutsva.

Ndlovu

MHINDURO:   

Kuna VaNdlovu

Ndinotenda nekuve kwenyu mubereki anoda kuziva zvakawanda. Zvisinei, kudzvirira kutapurirana utachiona hutsva hweHIV hakuitike kune vechidiki chete.

Kunyangwe vanhu vakuru vanofanira kuita sarudzo yekuzvidzivirira kubva mukutapurirwa utachiona hutsva kana kutapurira vamwe.

Ndapota verengai zvinotevera kuitira kuti imi pamwe chete nemhuri yenyu mudzivirire kupararira kweutachiona hweHIV.

Kudzivirira kutapurirana utachiona hutsva hweHIV:

Utachiona hutsva huchiri kutapuriranwa zvinova zvinhu zvinoshungurudza zvikuru. Izvi zvinoreva kuti panofanirwa kushandwa nesimba kuitira kuti pasave nekutapurirana utachiona hutsva panosvika gore ra2030.

Ichi ndicho chikonzero Zimbabwe yakave nedingindira rinoti, “Closing The Tap of new HIV Infections”. Dingindira iri pamwe nelogo zvakauya mushure mekushanda pamwe chete kwemapoka akasiyana.

Zvinowanikwa muWorld AIDS Campaign Logo:

Ruoko:

Ruoko chiratidzo chematanho ari kutorwa mukurwisa kupararira kweutachiona hutsva hweHIV ayo anosanganisira:

kuongororwa utachiona hweHIV

kudzivirirwa kwekutapurirwa kweutachiona kubva kuna amai kuenda kumwana asati aberekwa

kushandisa makondomu

kuzvipira kuchecheudzwa kwevanhurume

kusava nerusaraura kune vari kurarama neutachiona

mhirizhonga kwete

kutora matanho ekudzivirira njodzi yekutapurirwa utachiona (pre exposure prophylaxis)

Pombi yemvura (The Tap):

Pombi inobuda mvura iyi chiratidzo chekunobva utachiona hutsva hweHIV uho hunofanirwa kudzivirirwa kuchishandiswa matanho ari muchiratidzo cheruoko.

Madonhwe emvura:

Madonhwe emvura anomirira utachiona hutsva hweHIV.

MATANHO MAKURU EKUDZIVIRIRA HIV ARI PALOGO

Danho rekutanga:

Kuongororwa HIV

Kuongororwa utachiona hweHIV rimwe rematanho makuru ekudzivirira kupararira kweHIV.

Zvakakosha kuti munhu azive paamire maringe neHIV.

Mamiriro eutano hwemunhu anoita kuti ange achiziva matanho ekutora mukuzvidzivirira kubva kuutachiona. Kana munhu ari HIV negative, anofanira kurega kuita nyaya dzepabonde kana kuti oshandisa makondomu uye nekutendeka kumudikani mumwe chete anenge ari HIV negative kuitira kuti arambe ari negative.

Kana munhu ari HIV positive, anofanira kunwa mapiritsi emaARVs.

Danho rechipiri:

Kushandisa makondomu

Kuramba munhu achishandisa makondomu uye nenzira kwayo inzira yakakosha zvikuru mukudzivirira kutapurirana zvirwere zvepabonde, kusanganisira utachiona hweHIV.

Makondomu anobatsira zvakare mukudzivirira zvimwe zvirwere zvakaita seZika and Ebola. Kushandiswa kwemakondomu echirume neechikadzi nemazvo nguva dzose kunodzivirira zvakare kubata pamuviri.

Danho rechitatu:

Kudzivirira kutapurira utachiona kubva kuna amai kuenda kumwana asati aberekwa.

Kutapurirwa kweutachiona kubva kuna amai kuenda kumwana kunoitika panguva yekubata pamuviri, nguva yekusununguka kana pakuyamwisa.

Iyi ndiyo nzira huru iyo vana vanowana nayo utachiona hweHIV.

Kutapurirwa kweutachiona kubva kuna amai kuenda kumwana kunodzivirirwa nekushandisa chirongwa cheOption B Plus apo madzimai anenge akazvitakura anopihwa mapiritsi enguva ndefu emhando yemaARVs zvisinei nemamiriro anenge akaita CD4 count yavo.

Danho rechina:

Kuzvipira kuchecheudzwa kwevanhurume:

Kuchecheudzwa kwevanhurume kubviswa kwechikanda chepamberi panhengo yesikarudzi. Chikanda chepamberi ichi chine njodzi huru yekubatira utachiona hweHIV.

Kuchecheudzwa kwevanhurume kunodzikisawo mukana wekutapurirana utachiona hweHIV pakati pemunhurume nemunhukadzi nechikamu chingangosvika 60 percent.

Masangano eWHO neUNAIDS anoti mwongo wekurwisa kupararira kweutachiona hweHIV unosanganisira zvinotevera:

kuongororwa utachiona hweHIV

kushandiswa nemazvo kwemakondomu evanhukadzi nevanhurume

kurapwa kwezvirwere zvepabonde

kurudziro yebonde rakadzivirirwa

Danho rechishanu:

Kubvisa rusarura

Kubvisa rusarura kune vanorarama neutachiona hweHIV kunoita kuti vakwanise kutsvaga rubatsiro vakasununguka uye kuti vabude pachena nemamiriro avo.

Izvi zvinoita kuti zvinangwa zvegore ra2020 zvekuti chikamu che90 percent chevanhu vanorarama neutachiona vange vave kuwana mapiritsi emaARVs zvinge zvichizadziswa.

Danho rechitanhatu:

Mhirizhonga kwete

Mhirizhonga inoita kuti pave nekuwanda kwenyaya dzekutapurirwa kweutachiona hweHIV kumadzimai nevanasikana nekuda kwemafungiro anoitwa nevamwe vanhu. Vanhukadzi vasina utachiona vane mikana yakapetwa kaviri kuwana HIV kune varume vanawo.

Nemamiriro akaita miviri yevanhukadzi, vane mukana mukuru wekutapurirwa HIV kuburikidza nebonde rekumanikidzwa. Vanhukadzi vanotya mhirizhonga havakwanise kuzvidzivirira kubva mukutapurirwa utachiona:

Havana simba rekutaura zvavanoda pamusoro pebonde rakadzivirirwa kana kuramba bonde, havaongororwe utachiona hweHIV uye vanotadza zvakare kunorapwa kana vachinge vave neutachiona.

Danho rechinonwe:

Kusanduka kwehunhu nemafungiro

Kusanduka kwehunhu nemafungiro kwakakosha zvikuru mukudzivirira  kupararira kweutachiona hweHIV.

Zvimwe zvinofanirwa kuti vanhu vakurudzirwe kusandura hunhu nemafungiro avo ndezvinotevera:

kuve nevanhu vakawanda vekuenda navo pabonde

kusashandisa makondomu zvakanaka

kupinda pabonde nevanhu vemazera akasiyana

kusaenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi

kupinda pabonde munhu asati abva zera

kuzviona seusiri panjodzi yekutapurirwa utachiona hweHIV

kusazvipira kwevanhurume kuti vachecheudzwe

Ndinoda kutenda zvakare nemubvunzo wenyu wandinovimba kuti mhinduro yacho haina kubatsira imi nemhuri yenyu chete, asi nevamwe vaverengi.

Chiremba

Share This:

Sponsored Links