Kufunda handi mapepa bedzi

25 Sep, 2015 - 04:09 0 Views
Kufunda handi mapepa bedzi

Kwayedza

MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mugabe vanoti dzidzo yemuZimbabwe inofanirwa kuvandudzwa kuitira kuti ifambirane nezvinodiwa munyaya dzebudiriro yeupfumi hwenyika sezvinangwa zveZim-Asset. President Mugabe vakataura mashoko aya svondo rapera muHarare apo vaivhura zviri pamutemo musangano wezvedzidzo, weEducation Conference and Expo 2015. Tinotsigira mashoko aPresident Mugabe aya zvikuru, ekuti budiriro yevanhu venyika ino munyaya dzedzidzo inofanirwa kuonekwa nekusimukira kweupfumi hweZimbabwe.

Zimbabwe ndiyo nyika iri pamusoro muAfrica yose pakuva nevanhu vanogona kunyora nekuverenga. Naizvozvo, izvi zvinofanira kuonekwawo mukusimukira kweupfumi hweZimbabwe.

Nguva pfupi yadarika, bazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari rakaita chirongwa chaive chakananga kuvandudza dzidzo, cheCirruculm Review, kuitira kuti zvinodzidzwa zvinge zvichienderana nezvinodiwa pamwe nezvinotarisirwa kana vadzidzi vazopedza chikoro vave kumabasa.

Izvi zvakakosha zvikuru nekuti fundo haifanirwe kuve yekungozvirova dundundu munhu achiti ndakadzidza asi dzidzo yacho isingaenderane nezvinodiwa mukusimudzira upfumi hwenyika. Magwaro efundo asina chaanobatsira nacho haana basa.

Nekudaro zvidzidzo zvakaita seMathematics neScience zvinofanira kususukidzwa mberi nekuti ndizvo zviri kufambirana nenguva.
Yeukai kuti hatisi kuti mitauro yerurimi rwaamai iraswe. Zvidzidzo izvi zvinokwanisa kususukidzwa pachishandiswa rurimi rwaamai seShona. Nyika dzakaita seChina neJapan dzinozviita zvichifamba.

Pamusoro paizvozvo, Hurumende iri kukoshesawo zvidzidzo zvemabasa emawoko sezvo vadzidzi vachikwanisa kuwana raramo kubva mazviri mune remangwana. Kubva nyika ino ichiwana kuzvitonga kuzere mugore ra1980, Hurumende iri kushanda nesimba kuchikamu chedzidzo nedonzvo rekuona kuti wose anoda kufunda awana mukana wacho.

Dzidzo yakakosha zvikuru nekuti ndiyo nhaka yeupenyu, isingakwanise kutorwa nemumwe munhu uye kupa munhu fundo kwakafanana nekumupa chairauro chekuti araure hove oga pane kumirira kupihwa.

Hurumende iri kuramba ichitora matanho akasiyana ekusimbaradza fundo. Mamwe ematanho aya hurongwa huchangobva kuitwa hwekuti vabereki vanokwanisa kubhadharira vana vano mari dzekunyora mazamanishoni kana kuti bvunzo pashoma nepashoma.

Iri idanho rinofanira kurumbidzwa zvikuru nekuti kune vamwe vadzidzi, vangave veForm 4 kana Form 6, nguva yadarika vaisiira chikoro panzira mushure mekunge vashairwa mari dzekuti vanyore bvunzo.

Izvi zvinoreva kuti hapasisina chikonzero chekuti vamwe vabereki vacheme-cheme nekuda kwekubhadharira vana vavo mari dzekunyora bvunzo.

Vabereki vanofanira kutora mukana uyu vobhadhara mari iyi pashoma nepashoma semawaniro avanenge vachiita kwete kuzoda kumhanya-mhanya nguva yapera. Hurumende yakatora danho iri nechinangwa chekurerutsira vabereki zvichitevera kuoma kwenyaya dzeupfumi munyika nekudaro zvakadai izvi zvinoda kutendwa zvikuru. Kunzi munhu akafunda handi kungopakatira magwaro bedzi. Zviri mumapepa iwayo ngazvionekwe nezvinoitwa nemuridzi wawo mumabasa kuti nyika isimukire.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>