Kugadzirira bvunzo

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Kugadzirira bvunzo

Kwayedza

exam
Ticha Danga

VANHU vakasvika mudunhu mavange vachitarisirwa vanowana vari kuvatambira vakagadzirira zvose zvingafadza nekubatsira vaya vavari kutambira. Panogadzirwa twokudya twunhapitapi twakaringana kana twokutambisa twemhando yepamusoro. Saka isu tiri kuti mauya mauya tanga takakumirira nezvese zvamungada kushandisa kuti gwaro rechinomwe riendeke uye tinoshuvira kubata mhosho dzose dzingave zvipingaidzo pakudzidza nekuzonyora bvunzo dzenyu.

Tinoda kuti tigare taziva kuti pepa redu reShona richange richida kuti tizive chii kuitira kuti tigoita dzokorodzo dzine ungwaru. Mapepa edu maviri aya anodaidza zvakasiyana.

Tine pepa rekutanga iro rinowanikwa riine zvikamu zvitatu zvinoda kudzidzwa. Kunoti chikamu chekutanga chenzwsiso, icho chinogona kupinda ruviri kana rutatu, ndicho chine nyaya.

Zvinoreva kuti mwana anofanirwa chaizvo kugona kuverenga.
Haangofaniri kungogona kuverenga asi kunzwisisa zvaanenge averenga kusvika pakugona kutaura nyaya yaaverenga nemazwi ake uye kupa pfupikiso.

Kune hunyanzvi hunotodzidzirwa kuti mwana akwanise kunge ogona kuverengera nzwisiso. Mwana anofanirwa kuziva kuti ndima yenzwisio inoverengwa rutatu.

Kekutanga unenge uchingomhanya hako kungonzwa kuti nyaya ndeyei (browsing) kechipiri uri kuda kuziva kuti chii chakazoitika mundima kozoti kechitatu apo unenge woda kuziva mhinduro saka unoda vatengesi (clues) vanokunongedzera kumhinduro. Kana woverenga kepiri chibva wangoverenga nemibvunzo yacho kuitira kuti paunopedza mumusoro munenge mava nemaranga ranga.

Pakuverenga ketatu vatengesi vanenge vatobuda kare vachiratidza nekunongedza mhinduro.
Nekuti iri ipepa rekutanga harinetsi kana kutambudza nekuti mhinduro dzinenge dziripo. Chako kusarudza yakakodzera ichibva mundima.
Tabuda chikamu chemutauro tinopinda muchikamu chezvirungamutauro. Pazvirungamutauro panobvunzwa zvakasiyana siyana. Mwana anofanirwa kunge achiziva tsumo dzake, madimikira acho, nyaudzosingwi, fananidzo, fananidzosiri kana zvipauro.

Nemhaka yekuti hatizivi zvinenge zviri mupepa tinofanirwa kudzidza zvose izvi nehudzamu.
Zvino nemhaka yekuti zvakawandisa, tinofanirwa kutochama nekusunga kuti dzisimbe.

Pano neapo vanokandawo mazita, angava emhuka nevana vadzo kana ezvinhu zvakasiyana.
Zvorevazve kuti rimwe bandiko rakakura rinoda kudzidzirwa.

Pepa repiri (Paper 2) ndiro rinodonhedzwa zvobodzwa nevana vazhinji. Iri bandiko rinoda vana vaya vanoziva rondedzero nenzwisiso. Kurondedzero kunokunda vaya vanotaura zvirunga mutauro zvedi kwete vanonjobera. Unofanirwa kuziva kuti chikamu chinovakwa sei uye kuti ubate mbariro dzepfungwa dzemukwenyi ungadini.

Unofanirwa zvakare kuziva kuti rondedzero yako inoda mutauro upi (verb tenses). Chikuru kuedza kufadza ari kukwenya pepa kuti akupe goho rakapfuura vamwe vese kubva Zambezi kusvika Limpompo.
Ziva zvakare kuti rondedzero inopinda chikamu chekutanga inenge isina kana mhosho.

Kana iri nzwisiso yasiyana neiya yekutanga nekuti iya yekutanga (Paper 1) ine mhinduro. Iyi ndeyekunyora zvirevo zvako zvizere nekudaro zvibodzwa zvinotanhaurwa chero mhinduro yako iri yechokwadi. Nokudaro kudzidzira kuvaka zvirevo kwakakosha kupfuura zvose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey