Kugadzirira mwaka wezhizha

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Kugadzirira mwaka wezhizha

Kwayedza

TINOKUCHINGAMIDZAI zvakare varimi pano paSeed Co Mudhumeni Mukuru. Tese tinoziva kuti muZimbabwe, kurima ndiwo musimboti weupfumi hwedu. Zvauri musimboti zvava kutoda kurongeka kwakanyanya kuvarimi. VeMeteorological Services avo vanoona nezvemamiriro ekunze vari kutarisira kuti Zhizha richange riine mvura yakawanda saka pari kudiwa gadziriro dzakasimba tikohwe pakuru gore rinotevera. Naizvozvo, tinoda kutaura nezvegadziriro yeZhizha riri kutevera.

Kubudirira kwemurimi kunobva mukurongeka kwake mwaka usati watanga. Nguva ino ndiyo yakanaka kugadzirira zveZhizha riri kutevera. Chirimwa chipi chandingarima mwaka uno?

Uyu mubvunzo wakakosha kwazvo, ungapindurika munzira dzakasiyanasiya. Tinorima kuti tiwane chikafu chedu chekudya, chekupa zvipfuyo uye chekutengesa. Kana torima chikafu chokudya tava kutarisana nezvirimwa zvakaita sechibage, mapfunde, soya bhinzi, nzungu, nyemba, bhinzi, miriwo nezvimwe zvakawanda.

Kana wafunga kurima muZhizha, chibva waziva mhando yembeu yekurima inoenderana nenzvimbo yaunorimira. Tanga kutoronga iko zvino! Kuziva mhando yembesa yaurikuda kurima ndihwo hwaro hwekutanga kurongera Zhizha zvozotipa kuti tizive magadziriro evhu, ma”inputs” ekutenga nezvimwe zvakakosha.

Ndogadzira munda wangu sei?

Varimi tinofanirwa kugadzira minda yedu mvura isati yatanga kunaya kuiitira kuti tidyare nemvura yekutanga. Izvi zvakanakira kuchengetedza hunyoro uye mashanga nehuswa zviorere zvoita mupfudze zvirimwa zvochikura zvakanaka. Tarisiro ndeyekuti pari zvino tava kutotanga kugadzirira minda yedu kuti tidyare zvirimwa zveZhizha zvinosanganisira chibage, soya bean, nyemba, mapfunde, sugar beans nezvimwewo.

Kugadzirira minda kunosanganisira kunyudza magejo kana maripper kusvika pahudzamu hunoita mita chaiyo. Tapedza kupinza gejo kana ripper toteera nedisc tichiputsa mavhinga tozouya neroller yekururudza ivhu redu.

Mombe negejo zvinokwanisa kutibatira basa iri zvakanaka kune varimi vasina matarakita. Kunewo nzira yava kukurudzirwa ye”conservation tillage” kana kuti “zero/minimum tillage”. Neiyi nzira tiri kuchengetedza mashanga anosara patinokohwa anozoshanda kuita semupfudze, kuchengetedza hunyoro uye kubata mhodzi dzemasora kuti asamere. Nenzira iyi hatibvumidzwe kupisa mashanga anosara patinokohwa!

Kuongororesa ivhu nekushandiswa kweLime:

Tangai kutora ma”sample” evhu remumunda wenyu kuti riongororwe kuvava kana kutapira (pH) kwaro uyezve huwandu hwechikafu hurimo nehunodiwa zvichienderana nechirimwa chamunoda kurima. Kuongororesa ivhu kunoitwa pachena kune vemakambani anotengesa mafetereza neveResearch and Specialist Services, Soil Chemistry Department. Ichi chidanho chakakosha pagadziriro dzeZhizha. Tsvagai ruzivo maringe nekutora ma”samples” kubva kune veAgritex kana kubata Seed Co Mudhumeni Mukuru. Kana taziva kuvava kana kutapira kwevhu redu (pH), tava kuziva zvakare huwandu hwe”lime” inoda kuiswa kugadzirisa kuvava kwevhu. Zvirimwa zvakasiyana zvinoda kuvava kwevhu kwakasiyana.

Musvondo rinotevera tichabata nyaya yembeu dzatingarima kunzvimbo dzakasiyananezvimwe zvekugadzirira mwaka. Seed Co Mudhumeni Mukuru anobatika panhare idzi 0772 413 184/0731 413 184. Mubatei munzwe zvakawanda maringe negadziriro dzeZhizha.

MIBVUNZO:

1. Zvakakosherei kuongororesa ivhu rako murimi?

2. Tinoisa lime kana zvaita sei? Yakakosherei muvhu?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey