Kugamuchirika sekodzero yakakosha kwevanhu vakaremara

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Isabel Palasida —
APO bazi reutano nekurerwa kwevana rakatanga chirongwa chekuti vanhu vaongororwe chirwere chegomarara pachena, zvaisanganisirawo mudunhu reHarare.

Vanhukadzi vemazera akasiyana vakatora mukana uyu ndokuongororwa gomara panguva iyo vanhu vakawanda vainge vasingakwanise kuenda kuzvipatara nemakirinika nekuda kwekudhura kwemari yaidiwa kuti vaongororwe pamwe nekuoma kwezvinhu munyika munyaya dzeupfumi. Chinhu chose chinowanikwa pachena chinogamuchirwa neveruzhinji.

Annie (harizi zita rake chairo) rimwe zuva akasvikawo pane imwe nzvimbo munguva yemangwanani achitarisira kubatsirwa sevamwe vanhukadzi.

Kamuri yaiongororerwa vanhu yaingove imbawo zvavo ine michina pamwe nemibhedha yakasimukira. Munhu aitokwira pachituru kuti akwanise kusvika pamusoro pemubhedha uyu apo aizorara kuti aongororwe.

Pakasvika mukana waAnne, iyo ndiyo imwe yenguva yaakanzwa kunyara zvikuru muupenyu hwake sezvo aifanira kukwira pamubhedha uyu.

Zvisinei, haaikwanisa kuti akwire pamubhedha uyu sezvo pakange pasina kugadzirwa nenzira yekuti munhu akaremara mitezo saiye ange achikwanisa kukwirapo, aive nhetamakumbo achifamba newheel chair. Vashandi vepanzvimbo iyi vakange vasina zvakare kumbofunga kuti vangasangane nedambudziko rakadai.

Vasati vafunga kuti vangaite sei, mumwe mukoti akabva ati, “Saka tingaite . . .” Asi asati apedza kutaura Annie akabva ati, “Ndaida chaizvo kuti ndiongororwe gomarara remuchibereko, asi zvisinei, ndinokwanisa hangu kuongororwa remuzamu.”

Dambudziko raAnnie harina kumbosiyana nerevamwe vanorarama nehurema hwakasiyana.

Nekuda kwezvavari muupenyu hwavo, vanoda pekugara pakakodzera pamwe nezvinhu zvekushandisa zvinoenderana navo.

Chisungo chepasi rose chinoona nezvekodzero dzevakarema, cheConvention on the Rights of People with Disabilities (CRPD), chinoti zvakakosha kuti vakarema vawane pekugara pakakodzera zvinoreva kuti pavanogara vakasununguka, vachifara sevamwe vasina kuremara mitezo.

Chisungo ichi chinokurudzira zvakare vashandirwi, vanoona nezvekushandiswa kwezvinhu zvakaita sezvifambiso nevanoshanda neveruzhinji kuti vatore matanho akakodzera ekuvandudza ingave mitemo, maitiro kana zvivakwa kuitira kuti vakarema mitezo vasasangane nezvimhingamipinyi zvinokwanisa kunge zvichigadziriswa.

Izvi zvinoreva kuti vakarema havafanire kusangana nematambudziko kana vachida kuenda kumabasa, kuzvikoro, kukwira zvekufambisa kana zvimwewo zvinhu.

Vanofanira kuita zvavanenge vachida zviri nyore sezvinotarisirwa mukurarama kwevanhu. Panyaya yaAnne, Hurumende yaifanira kutora matanho anoita kuti akwanise kunge achiongororwa gomarara remuchibereko sechido chake.

Zviri pachena kuti nemaitiro akadai, Anne akashandisirwa rusarura nekuda kwekuti hapana kutsvagwa nzira dzekuti ange achibatsirika pakuti aongororwe gomarara remuchibereko.

Maringe nemafungiro aya, Anne anofanira kutevedzera zvinenge zviripo sekuti anonzi “simuka” okwira pamubhedha.

Zvainge zvakafanira kuti kudai bazi reutano nekurerwa kwevana rakatora matanho ekuti vakaita seAnnie vange vachibatsirikawo pazvirongwa zvakadai nedonzvo rekuenzanisa mikana pakati pevanhu vakasiyana.

Bumbiro remutemo wenyika yeZimbabwe (Section 3(e) Section 3(f) rinoti vanhu vose vakaenzana.

Section 3(2) (i)(ii) inoti ibasa reHurumende nemapazi ayo ose kuona kuti kodzero dzevakaremara dzacherechedzwa.

Section 53 yebumbiro remutemo iri inorambidza kuitirwa hutsinye kana kubatwa nedzimwe nzira dzisina kufanira kwemunhu wose.

Kushaikwa kunoitwa nevanhu vakaremara kuti vange vaine pekugara pakakodzera, inenge ichitori nzira yekuvasarura pakati pevamwe.

Vanhukadzi vazhinji vakarema mitezo vanosangana nematambudziko ekumbunyikidzwa panyaya dzine chekuita nepabonde, zvikuru pakushandisa zvekufambisa zveveruzhinji izvo zvisina kugadzirwa nenzira yekuti vange vachizvishandisa zviri nyore. Kazhinji, vanhurume vanopedzisira vatoita zvekutakura vanhukadzi vakaita seAnne kuti vakwanise kupinda mungave mubhazi kana kombi uye pakuita izvi vanenge vachibata nhengo dzavo dzemuviri dzakavandika.

Sangano reZimbabwe Women Lawyers Association rinokurudzira Hurumende kuti itore matanho akakodzera ekuona kuti kodzero dzevakaremara dziri kuzadziswa zvizere sekuti vawane pekugara kuburikidza nekudzika mitemo inoita kuti kodzero dzavo dzinge dzichicherechedzwa pose pavanenge vari sezviri mubumbiro remutemo wenyika.

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900/0776 736 873/0785 023 840 kana dzetoll-free 08080131.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey