Uncategorized

Kugarira mawoko hakuna chimuko

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
Kugarira mawoko hakuna chimuko Nyeyai Muringazuva

Kwayedza

VECHIDIKI vekuMahuhwe, kwaShe Chitsungo, kuGuruve, vari kukunduka nekuzvishandira kuburikidza nesangano ravakaumba rekuita mabhindauko anosanganisira kuhodha nekutengesa zvinhu zvakasiyana.Kwayedza svondo rapera yakashanyira dunhu iri ndokuita hurukuro nevechidiki avo vanoti kugarira mawoko hakuna chimuko.

“Seboka revechidiki tine shungu yekudya cheziya zvinova zvinoderedzawo nyaya dzehumbavha. Saka takaumba boka ratinodaidza kuti Mahuhwe Fleamarket Association iro ndiri sachigaro. Tinoita mabhindauko ekuhodha tichitengesa zvinoita kuti tikwanise kurarama nemhuri,” anodaro Roshick Mumamuchena (24).

Anoti dzimwe nguva vanombobatsirwa nebanga reAgribank nemari yezvikwereti asi vari kuchema kuti kudai vawanawo vatsigiri vakawanda kuitira kuti vavake muzinda mukuru wekutengesera une hutsanana.

“Iko zvino takangovakawo shedhi yakapfirirwa nehuswa zvekuti kana moto ukanzi watanga nhasi, zvinhu zvedu zvose zvinoparara. Mari yatinotora kumabhanga ishoma nekuti tinenge tichitya kuti tikatora zhinji tinogona kuzotadza kubhadhara uye vemabhanga vacho vanototanga vatarisa upfumi hwauinahwo kuti vakupe mari.

“Tinodawo kuvaka muzinda wakakura wekutengesera unokwana munhu wose nekuti pari zvino takatsitsirirana panzvimbo imwe chete,” anodaro.

Muboka ravo, anodaro Mumamuchena, mune vasikana nemadzimai vari kutsigirwa nesangano reCampaign for Female Education (Camfed) iro rinorwira kodzero yedzidzo yemwanasikana pamwe nebudiriro yake.

“Camfed ndiyo imwe iri kutibatsira zvikuru nekuti ine vanasikana nherera vemuno avo yakabatsira nemari yechikoro saka iri kuvatevera mushure mekupedza chikoro kuti ione kuti raramo yavo iri papi. Nokudaro iri kubatsira vanasikana ava nemari yekuita mabhindauko akasiyana,” anodaro.

Nyeyai Muringazuva (27) wekwaSabhuku Mumbamuchena, uyo ari kubatsirwa neCamfed, anoti upenyu hwake hwapunduka nekuda kwerubatsiro rwesangano iri.

“Ini ndiri mwana akakura achirerwa naamai vega saka vainetseka kuwana mari yechikoro asi ndaigona zvikuru. Nokudaro ndakapinzwa chikoro nesangano iri kubva paForm 1 kusvika 4. Mushure medzidzo, vari kunditsigira nemari yekuhodha mbatya idzo ndinotengesa pamusika zvichideredza nzara nehurombo,” anodaro.

Anoti mubhizimusi ravo vari kusangana nematambudziko ekushomeka kwemari yekuhodha uye kubirwa nemakoronyera panguva yekuhodha nepakutengesa.

Mai Silence Machakwa (32) vanotiwo vave nemakore matanhatu vachiraramisa mhuri yavo nemari yemusika.

“Kuburikidza nemusika, ndiri kukwanisa kuendesa vana vangu kuchikoro uye ndakavaka imba paGrowth Point.

Dambudziko riri muno ndere kushomeka kwemakasitoma nekuti vanhu vazhinji vari muno havashandi, saka kutenga hembe zviroto kwavari, vanotofunga kudya bedzi. Makasitoma mazhinji taisiawana apo vatengi vedonje vaiuya muno, zvino nekusanaya kwemvura, bhizimusi redonje rakaparara,” vanodaro.

VaIshmael Mashapure, avo vanova mumiriri wevechidiki munzimbo iyi zvakare vari Youth Officer weWard 15, vanoti vechidiki vemunharaunda vane mikana mikuru yekuita mabhindauko kana vakawaniswa rutsigiro rwakakwana.

“Vechidiki muno vanochema nenhau yemabasa nekuti vazhinji vakapasa muzvikoro asi zvitupa vave kuchengetera mumapiro nekuda kwekuti nyika haina mabasa.

‘‘Nekuona dambudziko iri, takaumba boka iri kuti vawane pekutangira vachitengesa mbatya nezvekudya kuti vararame uye tine shungu yekuti vange vachidarika apa.

“Rimwe dambudziko ndere kusabata zvakanaka kwemasaisai eterevhizheni neredhiyo nekuti tiri munzvimbo yakaderera nekudaro tinorasikirwa nenyaya dzeruzivo nemashoko kana kuti nhau dzebudiriro dzinoitika munyika,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links