Kugarisana neMudikani ane hiv iwe usina

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Kugarisana neMudikani ane hiv iwe usina

Kwayedza

NDIRI musikana ane makore 24 ekuberekwa ari kutaririsa kuroorwa. Takaenda kunovhenekwa ropa redu senzira yegadziriro yekuti tinge tichiroorana nemukomana wangu ndipo pakaonekwa kuti ane utachiona hweHIV ini ndisina.

Izvi zvakandirwadza nekuti mukomana uyu ndakanga ndiine tarisiro yekuti aizova murume kwaye tichizova nemhuri yedu asi zviroto zvangu zvave kuratidza kuti hazvizi kuzozadzikiswa.

Ndoita sei manje?

Torambana here? Handidi kufa neHIV, ko ndingagara naye sei ndisingazviise parumananzombe rwekutapurirwa HIV? Tinozokwanisa here kuita vana pasina kutapurirana HIV?

Kune ari kushushikana

Ndinokutenda zvikuru netsamba yawakanyora uchitsvaga mazano uye ndinokukorokotedza zvakare nekubatanidzwa nemudikani wako.

Ndinokutendai zvikuru nedanho ramakatora rekutanga kuenda kunovhenekwa utachiona hweHIV musati maroorana uye kubudirana pachena kwamakaita maringe nezvakabuda kubva muongororo.

Izvi zvinobatsira kuti munge muchironga remangwana rakajeka. Ongororo yamakaitwa inobatsira zvikuru kuti vaye vanenge vavhenekwa vakaonekwa vasina utachiona vange vachiramba vasina zvichitevera kushandisa nzira dzedziviriro dzakasiyana apowo vanenge vaonekwa vaine utachiona vachikurudzirwa kuti vange vachizvichingetedza kuti vararame kwenguva ndefu uye zvine utano kuburikidza nekutora mishonga yemaAnti-Retroviral Drugs (ART) nekukasika.

Kuvenekwa utachiona kunokurudzirwa, zvikuru sei kamwe chete pagore, zvichienderana nekuti munhu uri panyatwa zvakadii.

Kune vachiri kuyaruka, kuvhenekwa utachiona kwakakosha zvikuru musati maroorana nekuti kunobatsira kuti muronge remangwana rakajeka.

Zvinhu zvinowanikwa kuti muhupenyu unogona kusangana nezvinoshungurudza nekuti zvimwe zvinhu hazvizofambi nenzira yaunenge uri kutarisira kuti zvinge zvichiita. Ndinokukurudzira kuti munge muchienda kunopangwa mazano. Zvisinei, kuva neutachiona hazvirevi kuti wava kufa, kwete. Handikukurudziri kuti unge uchirambana nemudikani wako nekuda kwekuti ane utachiona bedzi.

Munogona kuenderera mberi nerudo rwenyu nekuti muhupenyu zvinoitika kuti mumwe anowanikwa aine utachiona hweHIV asi mumwe asina. Mamiriro ezvinhu akadai aya anodaidzwa kunzi Sero – Discordant Couple uye izvi zvinoitika nechikamu che12 percent kureva kuti kune pavanhu 12 mukati mezana vari kurarama neutachiwana hweHIV.

Ndinovimba kuti machiremba ari muzvipatara zvakasiyana nemakiriniki vane ruzivo rwekubata nyaya dzakadai uye vachakupanga mazano nemazvo.

Chekutanga mudikani wako anoiswa pamishonga yemaARVs inova yakanakira utano hwake nehwako zvichibatsira kuti muderedze mikana yekutapurirana HIV nekudzivirira zvimwe zvirwere zvinouya nekuda kwekuderera kwemasoja emumuviri zvakadai serurindi.

Ndinokukurudzira kuti unge uchikurudzirawo achava murume wako uyu kuti ange achinotora mishonga yemaARVs nekukasika.

Kechipiri, kunyangwe usina kunyora mutsamba yako kuti mave kuita zvepabonde here, ndinokukurudzira kuti munge muchishandisa dziviriro yekondomu nemazvo pese pamunoita bonde.

Ndinotiwo kurukurai muri vaviri maringe nenyaya dzekudzivirira HIV uye kurera mhuri muine nyanzvi dzezveutano.

Zvakakosha kuti muronge mhuri kuitira kuti mukwanise kudzivirira kutapurirwa kweutachiona hweHIV kumwana wamuchabereka. Zvese izvi munobatsirwa nemachiremba ari pedyo nemi kuti muzive nezvemazuva amunoronga nezvepamuviri zvichibatsira kuderedza mikana yekutapurirana utachiona pakati penyu uye nekumwana.

Imwe nzira yekudzivirira utachiona ndeyekuti iwe mudzimai asina utachiona unge uchitorawo mishonga yemaARVs senzira yekudzivirira kutapurirwa HIV. Nzira iyi inodaidzwa kunzi Pre-Exposure Prophylaxis (PeEP) uye inokurudzirwa kumaSero-Discordant Couples. PrEP inokurudzirwa kana pachinge paine mikana yekutapurirwa HIV, zvikuru sei kana muri kuedza kuita mwana. Kana muchiita bonde risina dziviriro munogona kushanyira chipatara kana kuti kiriniki iri pedyo nemi kuti munzwe zvizere maringe nenzira iyi.

Ndinokushuvirai ramangwana rakajeka mukuronga mhuri newanano yenyu.

Share This:

Sponsored Links