Uncategorized

Kugocha kunoda kwaamai . . .

07 Aug, 2014 - 14:08 0 Views

Kwayedza

KANA zvinhu zvave kuitika maitikiro azviri kuitika aya, ndipo paunotanga kuburitsirwa magwaro matsvene, woudzwa kuti tave kurarama mumazuva okupedzisira. Vamwe vangaone Zimbabwe sechitsuwa, zvokuti kana vozhamba nezvavari kusangana nazvo vanofunga kuti kumwe vari kudya rinopisa.

Vamwe vari kuti sei Zimbabwe yakave pakati penyika shoma shoma dzisina kukokwa kumusangano wavatungamiri veAfrica nemutungamiri weAmerica, VaBarack Obama.

Kukokwa hakupedzi nhamo dzamuinadzo. Kumwe munokokwa kuti mutakure mimwe mikwende pamusoro peyamunenge muinayo, kunyanya pari paruzhinji pamunobvuma zvimwe zvinhu musina kunyatsofunga. Zvimwe zvibvirano zvinopindwa pasina mufungo wokuti tinowanei mazviri.

Zvakaipeiwo kumbozvibvunzawo kuti sei Africa ichiramba iri parukusha rwenyika dzakabudirira, dzinonzi naambuya vangu “vadyi vezvavanhu savaumbi vehari”?

Africa ndiyo ine zvese zvavari kuda, asi unoona ichitenderedzwa sepwere kubva kuFrance, Japan, European Union nhasi yave kuAmerica. Ko Africa ichakokawo nyika idzi rinhi, ichishandisa zvaiinazvo?

Ndiri pakati pokunyora, pakabuda mashoko anosuwisa okuti kuSouth Africa kwandengeneka, kudengenyeka kwainzi kwakonzera rufu rwomunhu mumwe chete, uyewo kuri kundengeneka kwakanobata nyika dzinosanganisira Swaziland, Botswana neMozambique.
Vamwe vanoziva nyaya yacho nokuti makore apfuura Zimbabwe yakabatwa-batwa kuMozambique kwandengeneka.

Zvisinei, chiitiko chinofanirwa kubata Zimbabwe nokuti takavakidzana neSouth Africa nedzimwe nyika dzakasangana nedambudziko iri, uyewo zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri munyika dzakatikomberedza, kunyanya muSouth Africa.

Chiitiko chakaitika vatungamiri venyika idzi vari kumusangano kuWashington, DC. Vane hana nhete hatizivi kuti vakazokwanisa kumedza nhaurwa dzapamusangano uyu here.

Zvimwewo ndezvokuti tsaona dzomumigwagwa dziri kuramba dzichiwanda. Tisati tatanga zororo ramagamba, vanhu vanodarika makumi matatu vatoshaika mutsaona dzakaipisisa dzomumigwagwa. Zviri kuenda kupi?

Ndege dziri kudonha kana kudonhedzwa kune dzimwe nyika. Kana iri Malaysia Airlines vanhu vave kutofunga kuti pane chinodaro. Kupera kwesvondo ndege yavo yetatu yakapotsa yabonderana neimwe ndege kuAustralia, pasina mwedzi mishanu paita tsaona dzatora vanhu vanopfuura mazana mashanu.

Saka rega kufunga kuti Zimbabwe iri yega munyaya idzi. Chinoshamisa mabatirwo azvinoitwa nenyika dzakazvipa masimba okutonga vamwe.
Nyika yeRussia yakatemerwa zvirango zvoupfumi neAmerica neEuropean Union ichinzi ndiyo inotsigira vapanduki vakadonhedza ndege yokuMalaysia munyika yeUkraine.

Kugocha kunoda kwaamai, kwomwana kunodzima moto. Dai America nenyika dzomuEurope dzaitemerwa zvirango pamusana pehondo nenhamo dzavakonzeresa munyika dzakafanana neLibya, DRC, Rwanda, Somalia, Kenya, Mali, Nigeria, Algeria, Tunisia, Egypt, Iraq, Afghanistan nedzimwe, dai vasisagone kufema. Asi vanozviti vane sando dzavo. Toona kunowira tsvimbo nedohwe.

Gungano rokuAmerica rakaitikawo zvizvarwa zvokuPalestine zviri kuurawa kunge mapete nemasoja enyika yeIsrael. Pasina nguva, vanhu vanosvika 2 000 vange vaurawa, uyewo 10 000 vakuvadzwa, zvimwe zviuru nezviuru ndokusara zvisisina pokugara kana zvokushandisa zvine kodzero sokutarwa kwazvakaitwa nesangano reUnited Nations rionoona nezvekodzero dzavanhu. Zvizvarwa zvomuGaza zvave kunge mhuka dziri muchizarira.

Iriko Gazaland mumusha weHighfield, musha uzere namazita anobva kudunhu reMiddle East kana kuti muBhaibheri: Canaan, Egypt, Jerusalem nedzimwe. Saka, munombozvifungawo here, kana kuti ndezvavo?
Kudzoka patatangira, vakawanda kunyanya mumakereke vanotsenga rurimi panyaya dzeIsrael.

Vamwe vanokudzora kundima yomuBhaibheri Mwari vachiudza Abhurahama kuti: “Ndicharopafadza vaya vanokuropafadza, uye ani naani anokutuka ndichamutuka.” (Genesisi 12:3)

Indima inotyisa vazhinji iyoyi ndosaka kuurawa kwavanhu vePalestine zvichiita kunge zvakakodzera. Ndokupi kunonzi vatevedzani vasiri vemba imwe chete vazvondane nokuurayana?

Unobvunzawo kuti rudo rwakadzidziswa naMambo Jesu runopinda papi, uyewo nyaya yokuda muvengi wako nokumunamatira inozouya sei kana pasingapihwe mikana?

Vamwe vari kutiwo zviitiko zvisinganzwisisiki zvave kunongedza kudzoka kwechipiri kwaJesu Kristu. Zvinyorwa zvokuna Mateo 24 ne25 ndizvo zvinopihwa somuenzaniso. Hamheno, nokuti vane chokwadi ndiNyadenga.

Share This:

Sponsored Links