Uncategorized

Kuita mari nemadhiri emabhidhiri

17 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
NDIRI kudzidziswa nemumwe mufundisi anonzi Kyle Idleman. Mashoko ake akandidzidzisa kuti tinourayiwa nemunhu anonzi inini. Iwewe uri kuverenga ndiwe inini wacho anoti: Inini ndiri kuda kuita mari nemadhiri emabhidhiri, Inini handinzarwo, Inini manje, kudya machunks?, Inini chaiye kugariswa kumashure?

Mhoro inini. Iwe neni tinozivana kubva kare kwazvo. Iwe neni tisu vaye vakanzi tine hushamwari hwemukombe nechirongo, bhandi nebhurugwa.

Ndine vanhu vakawanda vandakawirirana navo sechingwa nemajarini, asi kuwirirana kwangu navo hakusvike pakuwirirana kwangu newe inini. Iwewe neni tiri muguri nechibage.

Kana ndikanyatsotarisisa kumashure kwatabva tese, handinyare kutaura kuti ndakaedza kukubata zvakanakisisa, kukupinza mu5-star hotel yehupenyu. Kutaura chokwadi ndakakuitira zvinhu zvinoratidza kukuda nguva dzakawandisa zvekuti handicharangarira kuti kaive kangani.

Ndakakuita nhamba hwani pane zvese. Pataikura ndaiita kuti iwe unge uri pamberi nguva dzese. Ndaiita kuti unhonge nyama yakakura kudarika dzimwe. Ndaiita kuti uwane keke pabirthday rako rega rega.

Kana pataive kuchikoro, ndaicherechedza tunhu tudiki twawaifarira, uye ndichibva ndakuitira. Inini, ndinozviziva kuti wakangogara uchida kuonekwa nekuonererwa, saka ndaiita zvese zvinokwanisika kuti uwane zvese zvawaida.

Kana nanhasi uchiri kuda kuti vanhu vakuone, saka ndiri kuita zvese zvinoita kuti vanhu vanyatsokuona. Iko zvino nekuuya kwakaita Facebook neWhatsApp, ndave kunyatsoratidza vanhu kuti uri simbi. Ndinongoisa mapikicha ako akanaka chete. Vese vanokuona vanofunga kuti denga rako riri pano pasi.

Wati wamboona here macomments evanhu paFacebook? Nyangwe zvinhu zvako zvisiri kufaya kana kuti wakaomerwa — handiregere vanhu vachizviziva nekuti isecret yedu. Ndinoedza zvakanyanya kuti ugare uchifara.

Ufunge zvako, kukufadza kwakanga kuri nyore mazuva aye awaive kamwana uchinzi “uyu haaite.” Ndaipopota zvekudambura waya nekupupa furo kumuromo ndichikugadzirisira zvinonetsa.

Asi nekufamba kwenguva, ndakatanga kutsvaga dzimwe nzira dzisiri dzekudambura waya. Iwewe waida kuramba uchizviunganidzira zvinhu — asi uchiita sekuti hauna basa nezvinhu. Kunyepedzera kusada zvinhu kunonetsa nekuti iwewe unoda zvinhu kunge kombi.

Nekuda kwako zvinhu, wakatora zvikwereti. Zvawakanga uchiita zvinoratidza kuti wakanga usina basa nezvinhu zvinenge kubhadhara zvikwereti nezvaizogona kuzoitika nekuda kwekusabhadhara zvikwereti. Ndine vanhu vazhinji vandakatuka ndakakumiririra, asi iwe ukasandiudza kuti kutuka ikoko kunogona kuzondinhuhwira semadororo ehuku manyoro. Hauna kundiudza kuti zvandinenge ndataura hazvibve sepamuviri.

Inini ndinokuda. Asi handingarambe ndichikuraramira. Waigara uchingonditi kana ndikakufadza nguva dzese, neniwo ndinozogara ndichifara. Asi unozivei? Hazvisi nyore uye hazvina kuchipa. Hazvina kumbobvira zvakandirerukira, saka ndave kuparadzana newe. Tungamira tifambe, asi handina chokwadi kuti unoziva nzira uye ndingavimbe newe kuti unoziva kwauri kutiendesa. Une nharo, uye uri kuramba uchiti unoziva kwatiri kufanira kuenda, asi ini sekuona kwangu hapana kwauri kutiendesa.

Ufunge zvakoka, ndatarisa kuti ndezvipi zvimwe zvandingaite ndikaona kuti zviri nani kuti nditsvage imwe nzira. Nzira yandasarudza inhete kwazvo, uye haisi nzira inofambika nyore. Zvakarewo, havasi vazhinji vanosarudza nzira iyoyi.

Asi nzira iyi yandasarudza inoendesa kuhupenyu husingaperi.

Zvino zvavepo ndezvekuti pandasvika handigone kukunyepera. Handigone kuti ndiende newe nenzira yandasarudza iyi nekuti sezvakaimbwa naLeonard Dembo — “Zvaunoda handizvigone” saka chisara zvako. Inini, ndipo pawaperera pano.

Wako, Inini

Share This:

Sponsored Links