Kukaringa nyama yetoki

18 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Kukaringa nyama yetoki

Kwayedza

NYAMA yetoki kana kuti garakuni inonzi yakakosha zvikuru kuutano nekuti ine mapuroteni uye haina mafuta akawanda sedzimwe nyama.
Svondo rino Mai Munyaradzi Hasani vekuChiredzi vanodonongodza mabikirwo enyama iyi.
Zvinodiwa:
Nyama yetoki – unogona kuita yekutenga kana kuuraya woga; hanyanisi, garlic, munyu, remani, majarini nemhiripiri.
Mabikiro:
Kana waita garakuni rekuuraya woga, bvisa musoro urase woriundura pamwe nekurigeza kusvikira rachena. Chibvisa zvemukati woisa hanyanisi dzakachekwa, mhiripiri nemunyu mukati.
Zorera imwe sauti nechekunze pamwe negarlic.
Zora zvakare majarini pamutumbi waro, wosvinira muto weremani panyama.
Wozodii?
Chigadzira moto wemarasha zvakaita sepabraai stand woisa garakuni ipapo. Siya riibve nemoto mushoma kuti risatsve.
Kana raibva, rinoonekwa nekutsvukirira kunze uye mukati munosanduka ruvara muchitsvukirirawo.
Kana zvadai, chibura wocheka-cheka nyama yako kuti inyatsooma. Nyama iyi unogona kuidya nesadza remhando yaunoda kana chimweyo chikafu chakaita semachipisi.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey