Kukurukura hunge wapotswa

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Kukurukura hunge wapotswa

Kwayedza

Catherine Murombedzi
UHU ndihwo hutsinye hunopfuura kuroya, kana kuba kurinani.Muimbi wemuno wechidiki Progress Chipfumo akawedzera izwi rake mukumhura vanobata vana chibharo nechimbo chine mazwi anotevera:
Kubata mwana wako chibharo

Kurepa mwana wako here?

kubudira dikita mwana wako

kufemeruka pa . . .

Baba bhoyi ndichambofamba

sarai muchengete mwana

ndokusara kubata chibharo mwana wako

ko ini wanga wandishaya here?

Vanochema vanochema vana ava.

Chokwadi vanochema vana ava. Munhu wese anenge abatwa chibharo, zvisinei nezera anochema. Ndakanangana nevana, zvakaonekwa kuti  vanoshungurudzwa nekubatwa chibharo nehama, mubereki kana muvakidzani. Pano neapo vanobhinywawo nevanhu vavasingazive asi mhomho zhinji inoitwa chimhukutira mudumba imomo.

Mwana ane makore gumi nemashanu okuberekwa uyo watichapa zita rekuti Cathy bedzi akataura zvinopisa tsitsi nekubhinywa kwaakakura achiitwa navanasekuru hanzvadzi dzaamai vake.

Cathy anoti akakurira kumusha kwaChitakatira kwaMutare uko aidzidza achigara naambuya vake mushure mekushayika kwevabereki vake.

“Ndakakura ndichigara nambuya mai vamai sezvo vabereki vangu vakashaya ndiine makore mashanu okuberekwa.

Ndakatanga chikoro ndava nemakore gumi sezvo kwaive mutunhu uye ndaive ndisina tsamba yekuzvarwa (birth certificate) iyo inodiwa kuchikoro. Ndakazowana tsamba iyi apo vanopa mabirth vakauya mudunhu redu mbuya vakaenda neni. Takaita mazuva matatu tichidzokera apo tainzi huyai nechino, huyai nechino asi zuva rechitatu,  kuburikidza neshungu dzambuya neni, takadzokera nazvo zvese birth ndikapihwa. Iri ndiro zuva randisingakanganwi muhupenyu hwangu. Mbuya vakandipa rimwe zita pamusoro kuti Shingai uye nanhasi ndinoshinga muzvose,” akadaro Cathy.

Mwana uyu, uyo anoti akatsanangura makuriro ake misodzi inoyerera kunewe muteereri, akazotaura kuti akakura achibhinywa nehanvadzi dzaamai vake mbiri.

“Anasekuru hanzvadzi dzamai vaiti kana mbuya vasipo vaindipindira mumba umo ndairara nambuya vakabata banga vondibhinya vaitoita majana kundibhinya. Vaiti ndikaudza mbuya kana mumwe munhu vaindiuraya kana kuzondidzinga pamusha. Vaiti uri nherera unoenda kupi?” akataura nezwi raive nekurwadziwa.

Cathy anoti akazotorwa nemuninina waamai vake rimwe zororo.

“Mainini vanogara kuMbare vakanditora muzororo remuna Nyamavhuvhu sezvo vaive vabatsirwa. Vaida munhu aivabatsira basa sezvo vainge vaitwa oparesheni pakusununguka. Ndiri muMbare imomo ndatumwa kunotenga nyama, ndakasangana nevanhu vaiita mutambo ndikamira kuti ndinzwe. Pamutambo uyu ndakanzwa kuti kubatwa chibharo imhosva uye munhu anofanirwa kumhan’ara. Ndakabva ndaenda pamotokari yevanhu ava yaive yakanyorwa kuti MSF avo vakanditeerera,” akadaro.

Cathy anoti veMSF havana kumira vakabva vaenda naye kukiriniki yavo iri muMbare makare inobatsirwa vanenge vakabhinywa.

“Ndakaendeswa kukiriniki pakarepo uko ndakavhenekwa vakaona kuti ndaive ndabhinywa kakawanda. Mainini vangu vakanotorwa vakaziviswa.

“VeMSF vakati ndaive ndatsemuka muchibereko ndakabva ndatanga kurapwa. Mainini vakati mhosva iyi hayaipererapo, ivo nemurume wavo vakabva vadzika kumusha uko vakanozivisa mbuya. Kutaura kuno sekuru vakuru vakasungwa asi vamwe vacho vanonzi vakatiza vakaenda kuMozambique,” akadaro Cathy.

Cathy anoti veMSF vakazomusanganisa nevamwewo vana vainge vakabatwa chibharo vakakunda dambudziko iri.

“Ndakatanga kudzidziswa kuti yainge isiri mhosva yangu uye kuti ndaizokwanisa kuenderera mberi muhupenyu.

VeMSF vakaita kuti ndisangane nevamwewo vana vanorarama neutachiona hweHIV veboka rinonzi Zvandiri Positive vekuAvondale. Ndakarapwa ndikapora uye mainini vakabva vaudza ambuya kuti vaizenge vonditsvagira nzvimbo yechikoro muMbare. Parizvino ndava kudzidza paChitsere uye Zvandiri Positive yava mhuri yangu yechipiri,  ndinoendako mugovera wega-wega. Mbuya ndinovaona pazororo reKisimusi,” akadaro Cathy.

Mapurisa eZimbabwe Republic Police Victim Friendly Unit vanoti mugore ra2013, vana 2 400 vari pasi pemakore 18 okuberekwa vakabhinywa kubva muna Ndira kusvika muna Gunyana.

Mugwaro iri ravakaburitsa vanoti chikamu chinosvika 41 percent chevana chakabhinyiwa nevavakidzani uye 27 percent vakabhinywa nehama idzo dzaive dzasiyiwa dzakachengeta vana ava.

“Vana vanobhinywa mumba kana nevavakidzani uye vanotyisidzirwa kuti vasataure,” mapurisa akazivisa.

Kuvana, ndinoti kune kwekuturira naizvozvo taurira mudzidzisi wako, mapurisa kana munhu wese uyo unovimba naye angave hama kana mutorwa.

Share This:

Sponsored Links