Uncategorized

Kumwe kurwara: Dr Mazhandu

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

NYANZVI inoona nezvemashandiro epfungwa, Dr Fungisai Mazhandu, avo vanova psychiatry registrar kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanoti chirwere chepfungwa chinogona kubata mamwe madzimai anenge akazvitakura vasati vasununguka kana kuti vachangopedza kubara mwana nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Dr Mazhandu, avo vanove zvakare sachigaro wesangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights (ZADHR), vanoti mamwe madzimai akazvitakura anosangana nekushungurudzika mupfungwa zvakanyanya.

“Mudzimai anogona kunge agara achirwara nepfungwa nechekare asati azvara asi vamwe vanorasika njere mushure mekusununguka nekuda kwemarwadzo kana kuti vanogona kunge vagara vakadaro zvichizokomba mushure mekubara.

“Kumwe kwacho kurwara nepfungwa kunogona kubva kumarwadzo akanyanya avanosangana nawo panguva yekusununguka kana kuti kushungurudzika kwavanoita nekuda kwekuwandirwa nemabasa ekurera mwana kana pakutakura nhumbu chaiko,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Pakadai, madzimai anofanira kuwana vehukama vanovabatsira mukuchengeta mwana nekuita mamwe mabasa epamba kuti vakwanise kuwana nguva yekuzorora mushure mekusununguka. Kurasika kwenjere uku kunogona kuonekwa mukati memwedzi mitanhatu kubvira pazuva rekusununguka.”

Dr Mazhandu vanotizve kana mudzimai achinge apara mhosva inguva yakadai, panenge pave kuda magwaro ekwachiremba ayo anozoendeswa kumatare edzimhosva kuti paonekwe kuti apara mhosva pfungwa dzake dzakagadzikana here kana kuti kwete.

Vanokurudzira vanhu kuti varapise vavanofungira kuti varwere vepfungwa nekukasika.

“Zvikuru kumadzimai anenge ari kutanga kusununguka, tinoona paine dambudziko iri nekuti vamwe vanenge vachishaya rutsigiro rwemhuri.

“Vazhinji vacho vanenge vasingatozivi kuti mwana anoyamwiswa sei, kudya kana kugezeswa saka vanofanira kutsigirwa zvakanyanya,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links