Kunaka kunoita nhopi

09 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Kunaka kunoita nhopi

Kwayedza

Zviri muGapu
SVONDO rino Mbuya Veronica Vhurumuku (62) vekuMasvingo vanotsanangura mabikirwo enhopi yemashamba kana kuti mafere. Nhopi kudya kunonaka zvikuru kana kuchinge kwabikwa nemazvo uye kune zvakunazvo zvakakoshera muviri. Kubva nakare, vamwe vanhu vaitorarama nenhopi, zvichienda nekuti yabikwa sei.

Zvinodiwa:

Tenga mashamba kana kutora awakarima wega.

Sesa mashamba uchibvisa rukanda rwekunze. Chiageza wozoacheka kuita zvidimbu zvidiki uchibvisa mhodzi. Kana wapedza, chifashaidza mashamba mushambakodzi kana poto.

Wozodii?

Kana achinge aibva, mona mashamba aya uchiisa twuupfu twushomanana. Isa shuga nedovi zvakaringana womona zvakare.

Siya zvishinyire wozopakura.

Nhopi yemashamba inodyiwa yakadaro asi ivawo nemvura yekunwira-nwira kana zvimwewo zvinwiwa padivi.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhare dzinoti 0713 411 281.

Share This:

Sponsored Links