Kungurutsai dhiramhu tinamate

24 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
PANE murume aitamba mutambo wetsiva kuWest Africa. Murume uyu aive asingakurirwe nemunhu upi zvake waairwa naye. Munhu wese airwa naye aipedzisira ave chituta, asisazive zvaari kuita. Nguva zhinji munhu waanenge achirwa naye, zvese narefuri vaipedzisira vave kusaluta nekutevera mumashure memurume uyu.

Chaishamisa ndechekuti vanhu vainge vauya kuzoona mutambo wetsiva uyu, vakanga vasingabvunze kuti chii chiri kuitika. Dzimwe nguva, naivowo vanhu vanenge vauya kuzoona vaipedzisira vakotsiriswa nemishonga yemurume uyu.

Svondo rakapera Kwayedza yakataura kuti kune muporofita ari kurwa nenyama neropa, asi iro Bhaibheri richiti hondo yenyu haisi yenyama neropa. Muporofita akataurwa neKwayedza ari kuita kuti vanhu vadonhe ozotanga kufamba pamusoro pavo achivatsika-tsika.

Pamwe pacho anokungurutsa dhiramhu chairo rine vanhu pamusoro pavanhu.

Zvichiri zvaMwari here? Chii chinenge chichiitika kana muporofita achimboba mweya yevanhu, vanhu vosara vave zvigubhu zvedoro zvakarasirwa parutivi pemugwagwa zvisisina chinhu, asi zvichingoramba zvakanyorwa kuti Super 1 litre?

Mweya yevanhu vanotsikwa naGomani ava pavanopinda mu“comatose” inenge iri kupi, ichiitei? Ko sei Gomani achigona kukonzera hurema muvanhu — achivaita mapofu, mbeveve nehumwe hurema hwakasiyana-siyana? Isimba ramwari upi raari kuda kuratidza? Chinangwa chiri chei? Hakusi kushamisira here nesimba risingazivikanwe?

Ko Jesu haana here kungotaura kuti, “Talitha kumi,” musikana akanga afa akamuka. Kuitisa vanhu mapofu, mbeveve nezvimwe zvakadaro zvinopesana nezvakauyira Jesu panyika.

Ko Gomani akaita vanhu mbeveve nemapofu asi iye obva angodonha ofa, vanhu ivavo vanozoita sei?

Zvekupinda nemadhiramhu muchechi zvinoreveiko? Dhiramhu harisi bhaibheri, uye vanhu havaponeswe nekutsikwa-tsikwa nekutsokodzerwa.

Jesu akataura kuti, “Baba, vanatsei neShoko renyu, Shoko renyu ndiro zvokwadi.”

Chechi haisi sekasi inonzi circus pachirungu. Sekasi ndiyo ine vanhu vanoita mashiripiti, vanhu vachishamisika. Chechi yaMwari inoita zvakataurwa naJesu kuti tiite.

Mufundisi, kungurutsai Shoko ritsitsirire vanhu, vanhu vabve kuchechi vaine mbonje dzekunzwa Shoko rinoponesa mweya yavo, kwete kuvatsika nebhutsu dzenyu.

Bhaibheri rinoti Jesu akaona vairwara akavanzwira tsitsi, haana kuvaitira zvidobi nezvidavado.

Jesu wandakaverenga ndikaziva haana kuti kuvanhu vairwara imbotangai maona firimu rehupenyu hwenyu.

Ko kana iye muporofita akakuratidza munhu akakuroya anenge achida kuti uzoitei neruzivo irworwo? Hapana chimwe chaanenge achidyara kunze kweruvengo, kupesana, kuparadza nekuita kuti vanhu vatsvage kutsividza.

Asika, Jesu haana kumbotanga hondo, zvekuti nyangwe pakachekwa nzeve yaMarikosi naPeter, akaidzosera pakare. Nyangwe mapositori anoimba kuti, “Kwakatanga tsitsi nerudo, ndokuzouya kunamata.”

Ndakanzwa vanhu vanoenda kuchechi yekunotsikwa-tsikwa vachiti vakaratidzwa zvinhu zvakaitika nezvichazoitika muhupenyu hwavo. Asika, kana ndikaratidzwa murume achazondiroora, nemari yandichaita, nedzimba dzandichazotenga — Jesu ari papi muzvinhu izvozvo?

Chakauyira Jesu panyika kwakanga kusiri kuti tigozove nemari, mabasa, dzimba, mota, fashoni nezvimwe zvatinokoshesa. Jesu akauya panyika kuti tive nehupenyu husingaperi.

Ko zvino ivo vanoratidzwa zvichauya muhupenyu hwavo ava, sei vasiri kuratidzwa mugumo wemweya yavo?

Jesu akaramba humambo hwenyika ino nekublin’a kwahwo paakahupihwa naSatani. Satani chaaida kuti Jesu amunamate. Kana nesu Jesu akatiyambira pamusoro pezvinhu akati, “Munhu achagobatsirwa neiko kana awana nyika yese asi orasikirwa nehupenyu hwake?”

Anodyarira nyama, achakohwa kuora! Tsvagai Jehovha achawanikwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey