Uncategorized

Kungwarira njodzi

08 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

NJODZI dzagara dzichiitika kubva kare uye ndokusaka vanhu vachiona njodzi sedzinoitika nekuda kwaMwari senzira yekuranga kutadzwa kunenge kuchiitwa.

Zvisinei, pane budiriro yavepo pamusoro pekunzwisisa kuti njodzi chii, sei dzichiika uye kuti dzingagadziriswe sei. Njodzi dzinokanganisa magariro evanhu munharaunda pamwe nekudzosera shure budiriro yeupfumi hwenyika. Njodzi pachezvadzo munongedzo wekusamira zvakanaka kwezvinhu zvinoita kuti pave nekuperevera kwematanho anenge aripo panguva iyoyo pakudzivirira njodzi idzi.

Njodzi dzinotorwa semaitikiro ezvinhu zvinokanganisa magariro evanhu, upfumi hwenyika pamwe nenharaunda.

Njodzi idzi dzinogona kuve dzinokonzerwa nemaitiro evanhu akaita semishonga kana kuti chiutsi chinobva kumaindasitiri, kumigodhi, kuzvifambiso nemamwe mabasa anoitwa nevanhu.

Njodzi dzinongoitikawo dzoga dziri patatu. Kune dzinokonzerwa nemamiriro ekunze zvakaita senzara pamwe nemafashamu emvura.

Kune dzimwe zvakare dzakaita sekundengendeka kwenyika pamwe netsunami. Pamusoro pezvo, kune dzimwe njodzi dzezveutano dzakaita sezvirwere zvinobata vanhu, zvipfuyo kana zvirimwa.

Nharaunda inogona kukanganisika nekuda kwenjodzi dzinoitika mukurarama kana kuti nemaitiro evanhu kana kuti zvose. Muenzaniso wakanaka ndewekusanduka kwemamiriro ekunze.

Sezvo njodzi dzichiitika pasina kugadzirira kwakakwana, zvakakosha kuti patorwe matanho ekudzivirira. Matanho aya anofanirwa kuramba achivandudzwa njodzi isati yaitika, painotika uye mushure mekunge yaitika.

Njodzi isati yaitika:

Pane matanho mana anofanirwa kutorwa njodzi isati yaitika.

(a) Kuita ongororo yezvinhu zvinogona kukonzera njodzi. Izvi zvinosanganisira zvingaitwa panguva yenjodzi.

(b) Matanho ose angatorwa kudzivirira njodzi iyi pasina kuita musiya paduku.

(c) Matanho angatorwa kuitira kuti njodzi isanyanye kukanganisa mamiriro ezvinhu uye izvi zvinosanganisira kudzikwa kwemitemo inobatsira mukuita izvi.

(d) Matanho anotorwa kugadzirira njodzi iyi ayo anosanganisira ruzivo, chenjedzo kune veruzhinji pamwe nekuzivisa vanhu njodzi yave pedyo kuitika. Izvi zvinoda ongororo yakasimba yemamiriro ezvinhu kuitira kuti veruzhinji vaziviswe nezvenjodzi nguva ichiripo.

Kana njodzi yaitika:

Matanho anofanirwa kunge achitorwa kuchengetedza upenyu, kudzivirira kutambudzika nekubatsira avo vanenge vawirwa nenjodzi.

Njodzi yapera:

Panofanirwa kutorwa matanho ekubatsira vawirwa nenjodzi kuti vakwanise kuenderera mberi neupenyu hwavange vachirarama.

Muchidimbu, kungwarira njodzi kutora matanho ekugadzirira nguva ichiripo kuti pasave nekukanganiswa kwakanyanya kwemamiriro ezvinhu uye nezvingaitwe mushure menjodzi.

Yeukai chichemo chedu ndechekuti, ivai vanhu vakanaka, dzivirira njodzi!

Share This:

Sponsored Links