Uncategorized

Kunokorwa tsoka chii?

08 May, 2015 - 00:05 0 Views
Kunokorwa tsoka chii?

Kwayedza

TSIKA yekushereketa kuburikidza nekunokora ivhu repanenge patsika tsoka yemunhu, iro rinozogadzirwa nemishonga nechinangwa chekuda kumurwarisa kana kumupa rushambwa, inonzi yakagara iriko kubvira nakare.

VaBonface Katerere, avo vanova chiremba wechivanhu kuUzumba, vanoti mishonga yakadai iyi yaiwanzoshandiswa kare-kare vanhu vachiedzana masimba nekuitirana godo.

“Mishonga yakadai yaiva yakawanda kare asi izvozvi yava mishoma. Munhu anonokorwa ivhu repanzvimbo yaanenge atsika ronogadzirwa nemishonga inopa hurwere hwakasiyana. Izvi zvakangofanana nekuiswa chipotswa kana kuiswa mamhepo,” vakadaro.

VaKaterere vanoti vamwe vanoshereketa, avo vavanotora sevaroyi, vanoenda kunokanga ivhu rinenge ranokorwa iri murwaenga vachiteketeraa zvavanoda vozonoriisa pane imwe nzvimbo izvo zvinobva zvaita kuti munhu anevhu rakanokorwa atange kurwara.

“Ivhu iri rinogona kuiswa mugona kana kuti munyanga zvoreva kuti munhu anokorwa tsoka uyu anenge ava kushandiswa kunyangwe mudivisi rekurima chairo. Apa anenge achishandiswa usiku mumabasa anosanganisira kusakura muminda nezvimwe achizongofuma akaneta asi asingazive kuti ari kusevenzeswa.”

VaKaterere vanoti kune n’anga nemaporofita vanopa vanhu mishonga yakadai.

“Munyaya yemishonga iyi, vamwe vanhu vave kushereketa mazuva ano. Zvakafanana nekuti ukaona hembe yako kana chimwe chipfeko chabvaruka usachikande mubhini, mugomba kana musango nekuti vamwe vanoshereketa vachikuziva, vakazviona vanotora vonozvishinhirira. “Unotogona kupenga kana kuita rombe, saka muchinzwa vakuru vachiti pisai madhumbu enyu kana kunokanda mumvura padziva rakadzika wosungirira matombo kuti zviende,” vakadaro.

Vanoti pasichigare nhembe kana kuti tsakane ikange yabvaruka vakuru vaiikanda mubako kana mumadziva makuru kuti pasawane aizozvitora uye vaiita izvi vachityira kushereketerwa.

Mukuru wesangano rinomirira maporofita nen’anga, reZimbabwe National Practictioners Association, VaFriday Chisanyu, vakatsinhira mashoko aya vachiti vanhu vanonokora vamwe tsoka vanenge vaine chinangwa chekuvakuvadza.

“Kunokorwa kwevhu retsoka, hazvina mhosva kuti wakapfeka shangu ine hiri yakaita sei, mushonga unongobata chete. ‘‘

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey