Kunonoka kunyoresa pamuviri kunokonzeresa

22 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

cathrineSANGANO reNational AIDS Council (NAC) rinoti kunonoka kunyoresa kusikero kwemadzimai akazvitakura kuri kukonzera kuti vana vamwe vaberekwe vaine utachiona hweHIV mukore uno.

Mune zvakabuda muHarare Province muchidimbu chekutanga chegore, NAC inoti zvakaonekwa kuti mamwe madzimai anozoongororwa ropa mimba yatorwadza kana kuti vatosununguka kare.

Sangano iri rinoti zvinoratidza kuti dzidziso inodiwa kumadzimai akazvitakura kuti vanzwisise kukosha kwekunyoresa kusikero paine nguva.

“Dzidziso iri kudiwa kumadzimai akazvitakura kuti vanyorese kusikero paine nguva uye kuti vazive kuti kana vachinge vaonekwa vaine utachiona hweHIV ivo nemwana vane mukana mukuru wekubatsirwa nechirongwa chinodzivirira kutapukira kweutachiona kubva kuna amai kuenda kumwana ari mudumbu kana anezenge azvarwa achiyamwa mukaka waamai wemuzamu,” yakadaro NAC.

Zimbabwe ine chirongwa chinozivikanwa kunzi Option B+ icho mudzimai akazvitakura akawanikwa aine utachiona anobva aiswa pamushonga wemaARV kwehupenyu hwose.

Hazvinei kuti CD4 Count yavo yakamira sei. Chirongwa ichi chinopawo baba mukana wekubva vapinda pachirongwa chekunwa maARV kweupenyu hwose kana vaonekwa vaine utachiona hweHIV zvakare.

Provincial AIDS Co-ordinator weHarare VaAdonija Muzondiwona

vanoti zvikonzero zviri kuita kuti madzimai anonoke kunyoresa kusikero zvinosanganisira kushaya mari.

“Kusikero kunobhadharwa mari uye takatarisa muno muHarare i$25 asi mari iyi inoshayikwa zvekuti amai vanozoenda kukiriniki mimba yarwadza kana kutoberekera kumba chaiko,” vakadaro VaMuzondiwona.

Ndakaita rombo rakanaka rekutaura nemumwe mudzimai aive akazvitakura uyo akaramba kuti zita rake riburitswe.

Mudzimai uyu anoti aitya zvikuru kuongororwa ropa naizvozvo nhau yekushayikwa kwemari ingavepo asi kune munhu akaita saiye akatonyoresa kare asi haadi kuongororwa ropa.

“Ini ndakanyoresa sikero pamuviri paine mwedzi miviri. Nhau yekuongororwa ropa ndaneta nekuinzwa inoparidzwa musi wega- wega uyo ndinoenda kusikero. Ko zvinomanikidzwa here? Handidi hangu kuongororwa ropa nekuti ukatsvaga makudo mugomo unoawana,” akadaro.

Zviri pachena ndezvekuti mudzimai uyu anotya uye kuti dzidziso ine pairi kutadza kuzadzisa. Anotya kuti ko ndikaonekwa ndiine utachiona betsero yacho inonyatsoshanda nemazvo here? Apa panenge poda madzimai akapinda pachirongwa akabereka vana zvigwindiri zvisina utachiona kuti achisimudzira ndima iyi kusikero. Pasina izvozvo kungotaura kwamukoti chokwadi munhu anoramba nekuda kwekutya.

MuZimbabwe mune masangano akawanda ari kushanda nemadzimai akazvitakura kuti utachiona husabatire kumwana. Rimwe remasangano aya ndere Elizabeth Glaser Peadiatric AIDS Foundation. (EGPAF). Sangano reEGPAF riri kushanda pamwe nebazi rehutano nekurerwa zvakanaka kwevana mumakiriniki nemuzvipatara zvakapararira muZimbabwe zvekuti kunzvimbo dzavasakura zvinoonekwa kuti dzidziso yafamba.

Madzimai akazvitakura hapana chekutya kunze kwekushaya ruzivo nekuti zvava kukwanisika kuti amai vane utachiona hweHIV vabereke mwana asina utachiona uhu.

EGPAF inotarisira kuti vana vari pasi pe5% vaberekwe vari ivo vanenge vaine utachiona hweHIV. Asi vanoti zvinotokwanisika kuti kushaikwe mwana anoberekwa aine utachiona hweHIV kana amai vakanyoresa sikero pamuviri pasati papfuura mwedzi mitatu.

Hakuna amai vanoda kurera rufu mumawoko rubatsiro ruchiwanikwa.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey