Kuongorora tupukanana pafodya

05 May, 2017 - 00:05 0 Views
Kuongorora tupukanana pafodya

Kwayedza

Yvonne Mutava —
TUPUKANANA twakasiyana – kusanganisira makonye netumwe tunozivikanwa nekuti cigarette beetles – tunodya fodya zvakanyanya kunyangwe zvazvo turi tudiki apo inenge yakachengetwa isati yaiendeswa kumisika kunotengeswa.

Tupembenene utwu tunodya mashizha efodya nembeu yezvimwe zvirimwa zvadai sedonje zvisinei kuti tunofarira kudya mashizha efodya nekuti ane shuga yakawanda.

Murimi anofanira kuona kuti mushedhi kana kuti nzvimbo yaari kuchengetera fodya yake yakatsvinda, ogeza midziyo yaanoshandisa, kupenda chidziro nependi chena uye kushandisa mushonga wekuuraya tupembenene kuburikidza nekuuisa munzvimbo yaanenge akachengetera fodya yake.

Pamusoro pezvo, murimi anokwanisa zvakare kupisa mamwe mashizha ose efodya anenge asina basa paanenge aisarudza kuitira kuti tupembenene tushaye pekuhwanda.

Kune vamwe varimi, yatove tsika yekushaya hanya nemadhirihora avo apo pavanenge vapedza kupisa fodya sezvo vanenge vave kufunga zvekunotengesa chirimwa ichi kumusika chete.

Havana ruzivo rwekuti tupembenene tunodya zvose-zvose zvinosanganisira mashizha efodya, huruva nezvimwe zvakasiyana.

Tupukanana tune njodzi huru kufodya inenge yapiswa tunosanganisira makonye anozivikanwa nekuti caterpillar nekudaro varimi vanofanira kuongorora fodya yavo kuitira kuidzivirira kubva kuhudyi uhu.

Kuonekwa kwedandadzi (spider webs) zvakare pafodya chiratidzo chekuti pane hudyi nekudaro murimi anofanira kufirita nzvimbo inenge iine chirimwa chake.

Makonye paanenge achifamba pasi kana kumadziro kazhinji anenge aine tsvina, ayo anenge akura anohwanda mumitswi yechidziro kana mudenga chairo umo anobereka mamwe akawanda.

Tupukanana utwu tunochimbidza kukanganisa fodya zvinoita kuti zvinetsa kutuparadza nekungofirita chete nekudaro varimi vanofanira kungwarira zvikuru pavanochengetera fodya yavo nekuti vanogona kurasikirwa negoho rose.

Kana murimi achiongorora makonye aya, anogona kushandisa “magnifying glass” kana “flashlight” nekuda kwekuti tupukanana utwu tunofanira mwenje.

Kana tuchinge twaonekwa turimo, fodya yose inofanirwa kufugidzwa kana kuvharwa yobva yafiritwa kuitira kuuraya nemazai acho.

Varimi vanokudzirwa zvakare kushandisa waya yerudzi rwewire mesh pamahwindo nemagonhi kuitira kudzivirira tupukanana kuti tusapinde pavanenge vakachengetera fodya yavo.

Zvakadaro, zvinoitwa nemurimi munharaunda yaanorimira zvinobata-bata munhu wose nekudaro kana murimi akarega kutema madzinde aanenge akatanha fodya yake, zvinoreva kuti fodya yevamwe vose vanenge vari munharaunda iyoyo iri panjodzi.

Kana fodya ikawanikwa iine tupukanana kumisika inotengeswa chirimwa ichi inoiswa payo yoga yobva yafiritwa uye muridzi wayo ndiye anobhadhara muripo wekuifirita.

Izvi hazvikanganisi murimi uyu chete asi kuti zvinokanganisawo kutengeswa kwechirimwa ichi zvakanaka sezvinotarisirwa.

Zvakadai, kashoma kuti midziyo inenge isisina basa iraswe nevarimi, kazhinji inochengeterwa mumadhirihora umo inoita tsvina zvoita kuti zvive nyore kuti tupukanana tuwane pekuberekera.

Tupukanana utwu – utwo tusina njodzi kuvanhu, pasi pemutemo wePlant Pest and Diseases (Plant and Alternative Hosts) Order of 1976 tunonzi tunofanira kuziviswa kune vekubazi reHurumende rinoona nezvekurima nekuti tunokanganisa pamwe nekuparadza fodya yakawanda.

Share This:

Sponsored Links