Kuongororwa gomarara rezamu kwakakosha

28 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Kuongororwa gomarara rezamu kwakakosha

Kwayedza

Lovemore Makurirofa —
MUMASVONDO adarika, takapa ruzivo pamusoro pegomarara remuchibereko neredundiro. Svondo rino tiri kupangana mazano pamusoro pegomarara rezamu, iro riri kubata vanhu zvakanyanya mazuvaano.

Iri igomarara rinotangira mumacell ezamu, padundundu pamwe nemuhapwa.

Kuvanhukadzi, gomarara iri rinowanzotanga mutumachubu tunofamba nemukaka kuenda kunyatso pamwe nekunogadzirwa mukaka (lobules).

Uwandu hwevanhu vari kubatwa negomarara iri hwawanda zvikuru mazuvaano kubvira kumakore ekuma1970’s nekuda kwezvikonzero zvakasiyana izvo zvinosanganisira mararamiro ave kuita vanhu akaita sekunwa doro, kuputa fodya nekudya chikafu chine mafuta akawanda.

Vakawanda havazive kuti vanhurume vanogona kubatwa nechirwere chegomarara rezamu.

Murume mumwe chete anogona kubatwa nechirwere ichi pavanhukadzi 100 vanenge vaine gomarara rezamu.

MuZimbabwe, gomarara rezamu riri panhamba pechipiri pazvirwere zvemhando iyi zvinobata vanhukadzi verudzi rwechitema uye rinotevera gomarara rechibereko.

Sangano reZimbabwe National Cancer Registry rinoti gomarara rezamu raive nechikamu che12.5% pazvirwere zvose zvemakomara kuvanhukadzi vechitema mugore ra2013.

Sangano iri rinoti zvakare chikamu che7% chevanhu vakafa nekuda kwezvirwere zvegomarara panguva imwe chete iyi.

Zvakakosha kuti munhu avhenekwe gomarara nguva iripo kuitira kuti ange achibatsirwa.

Njodzi yegomarara rezamu:

Ongororo yakaitwa inotaridza kuti kune vamwe vanogona kubatwa negomarara kudarika vamwe nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Zvikonzero izvi zvinosanganisira nharaunda inogara munhu.

Zvimwe zvikonzero ndezvinotevera:

◆ Une makore anodarika 40 ekuberekwa here?

◆ Mumhuri memyu mune nhoroondo yekurwara negomarara rezamu here?

◆ Kana wakatanga kutevera (kuvanhukadzi) usati wasvitsa makore 12 ekuberekwa uye ndokuzoguma ura wave nemakore 55 uri panjodzi yekubatwa negomarara iri.

◆ Kuputa fodya zvakanyanya nekunwa zvinodhaka (kunwa mabhodhoro edoro anodarika maviri kana uri munhurume uye rimwe chete pazuva kuvanhukadzi)

◆ Kudya chikafu chine mafuta akawanda nefibre shoma

◆ Kuve nemuviri wakafutisa kana kukurisa zvisina tsarukano

◆ Kusabereka kana kuita mwana wekutanga wave nemakore 30 okuberekwa

◆ Wakambobatwa negomarara kune rimwe remazamu ako

◆ Kugara uchinzwa kushungurudzika

Kudzivirira gomarara rezamu:

Zvirwere zvegomarara, kusanganisira remuzamu, zvinokwanisa kudzivirirwa kuburikidza nekudya zvinovaka muviri pamwe nekuita mitambo inosimbisa muviri.

Zvinokurudzirwa kudya chikafu chisina mafuta, shuga nemunyu wakawanda uye kusadya chikafu chinotengwa chakagadzirwa kare kuti chidyiwe (processed foods).

Veruzhinji vanokurudzirwa kudya zvakaita semichero, miriwo, nyama yehuku neyehove pamwe nekugara vachiita mitambo yekusimbisa miviri.

Doro rinofanira kunwiwa riri shoma uye kana zvichibvira fodya ngairege kuputwa zvachose.

Zviratidzo zvegomarara rezamu:

Zviratidzo zvinowanzoonekwa kuomarara kana kuzvimba pedyo nezamu kana muhapwa.

Kana munhu akaona zvaasinganzwisise anokurudzirwa kuenda kunovhenekwa kwachiremba nekukasika.

Ngwarira zvakare zvinobuda panyatso dzako pamwe nekusanduka kweruvara rwepazamu nenyatso sezvo kusanduka kweruvara uku kunogona kunge chiri chiratidzo chegomarara.

Zvimwe zviratidzo zvigona kusanganisira kuvaviwa, kunzwa kupisa pamazamu kana nyatso, kuona wave kungoperezeka muviri zvisina tsarukano nekupota uchinzwa chando.

Zvisinei, zvimwe zvezviratidzo izvi zvinogona kunge zvichikonzerwawo nezvimwewo zvisinei nechekuita negomarara. Enda unoona chiremba wako kana waona zvausinganzwisisi zvave kuitika kwauri.

Kuongororwa gomarara rezamu:

MuZimbabwe zvinokurudzirwa kuti munhu atange azviongorora ega inonzi iyo pachiRungu Breast Self-Examination (BSE) sezvo mapundu anenge ari pazamu kana minyatso nguva zhinji achitanga kuonekwa nadungamunhu.

Kana gomarara rikaonekwa nguva ichiripo, zviri nyore kuti munhu ange achibatsirwa nekudaro zvakakosha kuti munhukadzi agare achiongorora mazamu ake.

Vanhukadzi vanenge vave kutevera vanokurudzirwa kuti vaongorore mazamu avo mukati memazuva matatu kana mashanu vapedza kutevera.

Varumewo vanofanira kutsvaga zuva ravanoongorora mazamu avo.

Gomarara rikaonekwa richiri kutanga zvinoita kuti chiremba akwanise kupa murwere mishonga inoshanda nesimba.

Zvaunofanira kutarisa kana uchizviongorora gomarara rezamu:

◆ kuomarara kwenyatso kusingarwadze kana kukurisa kwetsinga

◆ kuita tumapundu kana kuti rash isinganzwisisike panyatso kana pazamu

◆ kuramba uchirwadziwa mukati mezamu

Zvekuongorora panyatso:

◆ kuburitsa zvausunganzwisise zvaita seropa nepanyatso

◆ kuita tumapundu kana kuti rash panyatso nenzvimbo yakatenderedza nyatso

◆ kuomarara kusinganzwisisike kwenyatso

◆ kuzvimba kana kurwadza kwemuhapwa

Zvaunofanira kuita kana uchizviongorora gomarara rezamu:

1. Mira pamberi pechiringiso, woongorora mazamu ako ose sekuti hapana zviri kubuda panyatso here nezvimwe.

2. Wakatarisa muchiringiso, isa mawoko ako kugotsi wodzvanyirira musoro pamawoko. Izvi zvinobatsira kuti ukwanise kuona kana paine shanduko pakukura kwemazamu ako sezvo mhasuru dzinobva dzapinda mukati.

3. Dzvanyirira mawoko ako pamabvi wokotama wakatarisa pachiringiso uchiendesa mapendekete nemagokora mberi. Izvi zvinobatsira zvakare kuti ukwanise kuona kana pane zvisina kumira zvakanaka pamazamu ako.

4. Gara uchiongorora kuti hapana zviri kuburitswa nenyatso dzako here pamwe netumapundu twausinganzwisise pamazamu.

◆ Lovemore Makurirofa anoshanda saInformation, Research and Evaluation Officer kusangano reCancer Association of Zimbabwe

Share This:

Sponsored Links