Uncategorized

Kuparidza simba reweti yegudo

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

naIgnatiusMabasa —
HUPENYU hune tsika yekubheurira marara ahwo pachivanze chako iwe uchangobva mukutsvaira. Kuitawo here ikoko? Pakadai ndipo paunonzwa hasha zvekuti kana ari munhu unomuudza kuti, “Uri imbwa yemunhu!”

Kana iwe ukasiya marara iwayo achiramba achibheurirwa pachivanze chako, anopedzisira aungana kuita churu.

Pakupedzisira newewo unenge wave kunhuhwidza vanhu.

Saka muHarare mune vanhu vanobvuma kuti weti yegudo ine simba zvekuti vanotoburitsa mari vachiitenga! Kupenga zvakunoita dzimwe nguvaka!

Kubvisa mari inokwana kutenga 2 loaves dzechingwa uchitenga manyepo! Hodoo sekera svoto mwana waPururudzayi, nekuti chokwadi manyepo haana kuchipa.

Iyo weti yegudo inozivikanwa nani kuti ndeyegudo? Iye anonochingidzira weti iyoyo haasi gudowo here? Hazviite kuti unochingidzira weti yezvirombo iwe ungoriwo zvako Mbudziyadhura kana Penzurayatyoka.

Isu tinoziva nhubu dzana hwindi dzinoitira weti muzvigubhu zvinenge zvapera zvinwiwa vobva vanozvirasira parank. Weti yenyu yamuri kutenga muchiti ndeyegudo haisi weti yana hwindi here? Haa, vanhu semaiwo nekuti mamwe madhiri anonhuhwa.

Chete munhu wese zvake akasununguka kutenga zvaanoda nemari yake. Ndizvo zvinoita kuti varungu vati, “Benzi nemari yaro hazviwirirane, zvinogara zvichirwa.”

Kune vanhu vanotumwa nehupenyu kuti varasire mabhini muhupenyu hwako, uye chinoita kuti varambe vachidzoka nemamwe marara anoshevedza nhunzi muhupenyu hwako ndechekuti vanoziva kuti haufunge. Kungogamuchira zvese zvese zvinouya nevese vese ndizvo zvinoita kuti hupenyu hwako husemese nekuti hauseme.

Ndicho chikonzero uchizongoti une munyama. Ungaregere sei kuita minyama iwe uchitenga weti inonhuhwa? Weti netsvina ndezvekuchimbuzi.

MuZimbabwe mave kuda Mwari uye akati, “Kana vanhu vangu vanodaidzwa nezita rangu, vakazvininipisa, vakanyengetera, vakatsvaga chiso changu, vakatendeuka kubva panzira dzavo dzakaipa, ipapo ndichavanzwa kubva kudenga uye ndicharegerera chivi chavo uye ndichaporesa nyika yavo.”

MuZimbabwe maita vaparidzi vevhangeri risiri redenga, asi reweti, uye chinoshamisa ndechekuti kune vari kutotevera vaparidzi vezvinonhuhwa asi iro shoko raMwari rakachena uye rinopa hupenyu husingaperi riripo.

Vana Moses nevana veIsiraeri vaive vakafanana nesu pakusaziva Mwari. Vaigara munyika yaive nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana ainamata vamwari vakasiyana-siyana. Vamwe vaivimba nezvinhu zvakasikwa naMwari zvekuti vaitoita nharo kuti zuva, mhepo, mvura, ivhu, miti nezvimwe zvakadaro zvaive nesimba rekupedza matambudziko avo. Asi nyangwe zvazvo vaidai, chokwadi chekuti kuna Mwari wamasimba ose, iye Musikavanhu, Samatenga chaizivikanwa mumwoyo yavo, asi chokwadi ichi chaidzikatidzwa nekuda kwekutadza.

Chokwadi chiripo ndechekuti hana ine zvivi haidi kunamata kuna Mwari mumwe chete wechokwadi, asi ukati weti yegudo inoshanda, weti iyoyo inobva yapembedzwa zvekuti ichatopedzisira yave kunzi varimi tengai, ifetiraiza yemhando yepamusoro!

Ityai chechi dzave kungomuka sehwiza dziri kuyedza kutiza moto wechirimo. Mwari pavanoti, “Usava nevamwe vamwari kunze kwangu,” vari kuti usaterere nyangwe vanoparidza simba reweti yegudo. Zvakarewo vari kukuudzai kuti musangoti chero chinhu chamanzwa chinobatsira. Zvimwe zvinhu zvinoda kufunga, kwete kungowira mazviri sesadza riri kupinda mukanwa.

Hama dzangu, weti yegudo iweti, haisi mushonga. Mwana wamai, munhu ari kutengesa weti yegudo haapedze matambudziko ako. Mwari haasi zvese zvese, ruponeso harwusi manyepo. Mwari havasi chero chinhu changounzwa nevanhu vari kutsvaga mari.

Weti yegudo haibatike zvekumhanya. Asi kana wazoiwana usazoti handina kukuyambira.

Share This:

Sponsored Links