Kupfuya nyuchi kune mari

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
Kupfuya nyuchi kune mari Varimi vakakurudzirwa kuti vavandudze mabasa avo nekuitawo mamwe mabhindauko akaita sekupfuya nyuchi

Kwayedza

Daphne Machiri
VARIMI vanosvika 810 vakapiwa zvitupa nguva pfupi yadarika mushure mekudzidziswa kupfuya nyuchi nedonzvo rekuti vavandudze mabasa avo nekuita mabhindauko akasiyana paMount View Training Centre, kuMarondera. Zvidzidzo izvi zvakaitiswa nemapazi matatu eHurumende anoti revechidiki, kuvandudzwa kwemabasa nekusimudzirwa kwehupfumi, rezvemabhizimisi madiki nebazi rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro akabatana nesangano reForestry Commssion.

Vachitaura pachiitiko ichi, munyori mukuru mubazi rezvemabhizimisi madiki, Mai Evelyne Ndlovu, vakati zvakakosha kuti varimi vaite mamwe mabhindauko emawoko izvo zvinoenderana nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika cheZim-Asset.

“Bhizimisi rekupfuya nyuchi rakanaka chaizvo nekuda kwekuti rinokwanisika kuitwa nguva nenguva zvakare harina kuwandirwa richiunza mari nekukasika. Kupfuya nyuchi kukohwa mari nekusimudzirawo hupfumi hwenyika mune zvemabhizimisi madiki,” vakadaro.
“Mabasa emawoko akanaka chaizvo anounza chouviri kumhuri asi anoda kuwana ruzivo sezvaitwa izvi pano paMount View.”

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mumiriri weMarondera East mudare reNational Assembly Cde Jeremiah Chiwetu vakati vanotambira chirongwa chekupfuya nyuchi nemufaro sezvo chichasimudzirawo vanhu vemudunhu ravo. “Chirongwa ichi chinoenderana necheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika cheZim-Asset uyewo chichawanisa vagari vemunharaunda mabasa,” vakadaro Cde Chiwetu.

“Huchi zvakare hunobatsira panyaya dzeutano nekudaro tinotambira chirongwa ichi nemawoko maviri.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey