Uncategorized

‘Kurara nechitunha kushinha’

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
‘Kurara nechitunha kushinha’ MARTHA Reid

Kwayedza

MARTHA Reid

MARTHA Reid

Daphne Machiri
NYANZVI munyaya dzezvechivanhu dzinoti kazhinji kacho, munhu anopinda pabonde nechitunha anenge akaromba. Izvi zvinotevera nyaya yemumwe murume wekuMufakose, muHarare, uyo anoti akashereketa pabonde nechitunha chemudzimai wake. Asi hazvireve kuti Kwayedza inoti sekuru vekuMufakose ava vakazviita nekuda kwemishonga yakaipa sezvo ivo vachiti vakazongopatika “vatopedza, vatozviita”.
VaPatrick Kapfunde (40), vekuMt Darwin avo vanozikanwa nekuti Sekuru Bhaureni, vanoti kurara nechitunha imhiko dzinopihwa vanhu vanoromba.

“Izvi hazvinei netsika dzemarudzi, munhu wose anoda kuzviita anoita nekuda kwekuromba achida pfuma yekuita mari kana kutora mari nemushonga.

“Kazhinji kune avo vanorara nezvitunha zvemadzimai avo kana zvevarume vavo haisi nyaya yerudo asi kuti imhiko dzavanenge vave kuzadzikisa dzavakapihwa pekutanga vachiromba. Vanonzi kuti mhepo kana mweya yetsvina isazosimuka kuvatevera kana mufi aenda vanofanirwa kurara nezvitunha zvevadikani vavo,” vakadaro Sekuru Bhaureni.

Asi kune vamwe vanoti kurara nechitunha inzira yekuzadzikisa rudo.
“Munhu kana afa anenge ave kutorema, hapana kunakirwa. Kunyangwe vaye vanoti kuzadzisa rudo hakuna zvakadaro. Hapana chavanonzwa nekuti munhu anenge atonhora,” vanodaro.

Mbuya Martha Reid (54), avo vanova murapi wechivanhu kuChitungwiza vakatsinhira vachiti kurara nechitunha kushereketa.
“Kazhinji zvinowanzoitwa nemarudzi akaita sevekuMalawi, kuvaShona kwakanga kusina. Asi vamwe vanogona kunge vave kuzviita nenyaya dzekuda kupfuma kana kuve hurudza vachiromba mishonga yakaipa.

“Vamwe vanhu vanoda kuzviita vasingazive kuti zvinozovadzokera zvovakanganisa. Ini semurapi ndinosangana nazvo zvekutoti matare edu anotitaurira kuti izvi zvakomba siyanai nazvo,” vakadaro Mbuya Reid.

Vanoti munhu anenge aromba mishonga yakaipa akafanana neuyo anorarama muhutapwa.
“Kana waromba unenge wave kurarama muhutapwa hwemhiko dzaunenge wakapihwa.

“Hakuna rudo rwunozadziswa nguva yekupedzisira, munhu kana afa hapana chichanzwikwa, hapana ropa rinomhanya kana chauchanzwa iwe wacho mupenyu,” vakadaro Mbuya Reid.

Kwayedza inongonzwa kuti kune dzimwe tsika dzinokurudzira kuti murume kana mudzimai afirwa nemudikani wake, anofanirwa kushereketa nechitunha chake chisati chavigwa senzira yekuonekana kwevaviri ava.

* Vaverengi vanoziva nezvetsika iyi tiudzei kuti zvinombofamba sei panhare dzinoti: +263 714 200 007.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey