Kurarama neutachiona hwehiv

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
Kurarama neutachiona hwehiv

Kwayedza

Catherine Murombedzi
CHIREMBA mukuru vanoremekedzwa Dr Timothy Stamps avo vanove Patron wesangano reZimbabwe HIV/Activists Union Community Trust (ZHAAUCT) vanoti kuderera kwaita huwandu hwevanhu vari kubata utachiona hweHIV hutsva munyika ino chinhu chinofadza.

Vanoti izvi zvakonzerwa nemushandirapamwe wehutungamiri hwenyika, masangano anoshanda nebazi rehutano nekurerwa kwakanaka kwevana, madzisahwira mundima iyi, kuzvipira kwevanhu veZimbabwe uye shanduko muhunhu hwevanhu kana tichienzanisa nemakore makumi maviri apfuura.

Dr Timothy Stamps vanoti Zimbabwe inobvumirana nezvisungo zvinonyoreranwa nenyika zhinji pasi pesangano reUnited Nations Declaration of Commitment zvinozivikanwa nekuti UNGASS Declaration uye chibvumirano chegore ra2011 chehutungamiri chinonzi Political Declaration on HIV/AIDS.

Vanoti nyika ino inobvumirana zvakare negwara rekushingaira kuda kupedza utachiona hweHIV hutsva kumadzimai nevana reGlobal Plan towards Elimination of new HIV infections, Maputo Plan of Action uye Maseru neBrazzaville Declarations zvinoratidza kuti Zimbabwe yakazvipira kupedza kutapurirwa kweutachiona hutsva hweHIV.

Zvakadaro, Dr Stamps vanoti vanoshushikana nehuwandu hwezvirwere zvepabonde izvo zvakasvika pa53 000 mugore rakapera muguta reHarare.

Mashoko aya ezvirwere zvepabonde akaziviswa naVaAdonija Muzondiona vanove National Aids Council Provincial Co-ordinator mupurovhinzi yeHarare muna Zvita gore rapera.

“Muguta reHarare vanhu vanosvika 53 000 vakarapwa zvirwere zvepabonde uye pahuwandu uhwu 6 000 vainge vakamborwara kare vakarapwa kutaura kuti vainge vapamha kubatwa nezvirwere zvepabonde zvakare,” vakadaro VaMuzondiona.

Izvi, vakadaro VaMuzondiona, zvinotaridza kuti vamwe vanhu havasi kushandisa dziviriro uye muguta rine vanhu 1,6 miriyoni huwandu uhwu hungave husiri hwakakwana nekuti vamwe ndevanozvirapa kumba vamwe kudzin’anga vamwe kunanachiremba vavo avo vasingazoburitsi nhau idzi pachena.

“Izvi zvinorakidza kuti vanhu vari kupinda pabonde vasina dziviriro uye huwandu uhwu hunogona kunge husiri chokwadi chizere nekuti vamwe vanozvirapa vega, vamwe kun’anga uye vamwe vanoenda kunanachiremba vavo avo vasingaburitse nhau dzevarwere vavo pachena,” vakadaro.

Zvakadaro, Dr Stamps vanoti huwandu hwezvirwere zvepabonde uhu hunovhundutsa uye vechidiki avo vanonyanyoita bonde vezera riri pamakore gumi nemaviri kusvika makumi maviri nemana okuberekwa vari kuwanikwa vari ivo vane huwandu muzvirwere zvepabonde pamwe neutachiona hweHIV hutsva.

“Kwava nedambudziko idzva reutachiona husingadaire mushonga uye kuvhenekwa kwedambudziko iri kuchiri kumashure zvekuti kune vanhu vakatowanda vasiri kuzivikanwa kuti mushonga wemaARV wavari kushandisa hauchaenderana navo,” vakadaro Dr Stamps.

Dr Stamps vakapedzisira nekuti vatori venhau vasaneta kuburitsa nhau dziri pamusoro peHIV/AIDS nekuti vakarara nezamu mukanwa vachiti zvaita mangwana tinoyeuka bako taniwa.

Share This:

Sponsored Links