Kurima chibage chemunyorondega

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views
Kurima chibage chemunyorondega

Kwayedza

Mudhumeni Mukuru Ivan Craig
MUZVINYORWA zvadarika takarairidzana marimirwo ebhinzi nemaringazuva. Izvi zvirimwa zvinoda mhepo netumbuyu twuri mumhuri yenyuchi kuitira kuti mukume (pollen) ubviswe pane mukono uchiendeswa pane mukadzi. Ndizvo zvinopa kuti zvirimwa zviwane gohwo repamusoro.

Kuti gohwo ritikurei kuzvirimwa izvi, munokurudzirwa kuisa mikoko yenyuchi inokwana kuita mishanu kusvika pamisere pahekita (5-8 bee hives/ha). Izvi zvinowedzera gohwo nezvikamu zvinosvika gumi nezvishanu muzana (15%).

MUNYORONDEGA:

Munyorondega zvinoreva kuti ndimi bedzi varimi vashoma munenge muine chibage chinyoro munharaunda. Chibage ichi chinorimwa zvakati siyanei nechimwe chese.

Muchinyorwa chino tinoda kudzidzisana kuti munyorondega unorimwa sei. Kana tichirima munyorondega tiri kurimira miguri yekutengesa iri minyoro saka haidi fetiriza yakawandisa seyechibage chekukohwa chaoma.

Ino ndiyo nguva yekurima munyorondega kuitira kuti chiibve tichingoda kupinda muchando. Asi munofanira kunge muine mvura yekudiridzira kuti chizosvika, panguva iyi.

Chibage cherudzi urwu chinobhadhara zvakanaka nokuti chinenge chiri chishoma. Munoda mbeu inoita 20kg pahekita. Mbeu inofanirwa kunge iri yemwaka mupfupi-pfupi kana kuti mupfupi – Tsoko kana Mbizi – asi kana muchirima kunzvimbo isina chando munogona kurima henyu chero yemwaka murefu seShumba kana Nzou.

Munokurudzirwa kudyara mbeu inozviriritira kuchirwere chemaize streak virus (MSV). Mbeu inofanirwa kupfekedzwa mushonga weMSV chero ichizvidzivirira kuitira kuti chibude chakachena.

Munoda fetiriza yepasi inokwana kuita 150kg pahekita muvhu rakasimba ne200kg pahekita muvhu rejecha. Kubva pamutsara kuenda pamutsara munoda kupesanisa masendimita 90 kubva pagomba rembeu kuenda pane rimwe uye masendimita 30 kana 40. Izvi nobatsira kuti mbesa dzikure dzichiwana kudya kwakakwana, mwando wakakwana, zuwa rakakwana uye dzichifefeterwa nemhepo yakakwana inobva yabvuma zvekutipa miguri yakakura zvekare isinganetse kutengesa nemutengo wakanaka.

Ngatiedzei kuisa fetiriza yepamusoro chibage chiri pamasvondo matatu ekumera. Pachinosvika pamasvondo mana toisa mushonga werukonye (stalk borer). Onai chinyorwa chemasvondo apfura chine nzira dzakasiyana dzekuuraya rukonye.

Munda ngaugare vakachena pamwe nenzira dzose dziri mumunda nedzakatenderedza. Chibage chinofanira kuti kana chichingooma rurebvu, totanga kuchitarisira kuti chava pedyo nekutengeswa, nekudaro munofanira kugadzirira nekuti chinogona kusimba zvekutadza kuzotengeseka.

Kune avo varimi vefodya, tarisai masora ari kumera mumunda moabvisa. Ivhu ngariende kunoongororwa kuti rakamira sei motenga mafetiriza anoenderana nezvamunenge marumwa nzeve.

Fodya ngaityorwe yakafanana kuitira pakuibika ibude yakafanana. Tengai masaga nguva iripo. Ino ndiyo nguwa yekusima miti pamwe nekukohwa mbeu yehuswa. Rimirai mishanga yefodya pasi mogadzirira minda yenyu kune chirimwa chiri kutevera chakafanana negorosi.

Nguva yekunaya mvura ndiyo inowanda zvirwere kuzvipfuyo zvakawanda. Dhibhisai zvipfuyo zvenyu kamweche pasvondo pamwepo nekuisa girizi rezvikwekwe (tick grease) munzvimbo dzakavandika, modhoza muchidzipa mvura yekunwa yakawanda uye yakachena. Musarega dzichinwa mvura yekungojenga.

Kana sora rekufura riri shoma, edzai nepamunokwanisa kuvedzera nesora rekutenga zvose nemablocks.

MAKWIKWI:

Mubvunzo wesvondo rino unoti:

Mbeu yemunyorondega inokurudzirwa kudyarwa ndeyakaita sei?

Nyorerai mhinduro pafomu riri pazasi motevedza zvinodiwa.

 

Share This:

Sponsored Links