Kurima chibage muzhizha neSeed Co

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Kurima chibage muzhizha neSeed Co

Kwayedza

Philip Matombo

KURIMA nderimwe remabhizimisi riri kupa pundutso kumhuri dzakawanda munyika yeZimbabwe. Chikafu chinonyanya kudyiwa munyika yedu (staple food) isadza, kunyanya rechibage.Ukarima chibage haushai kwekutengesera kunyagwe chakawanda sei sezvo nyika ichipedza mari yakawanda kutenga chibage mhiri kwemakungwa zvinowa zviri kukonzera kushaikwa kwemari munyika.

Kurima chibage kunobhadhara samare kunyanya tikarima tichiwana mukoho wakakura, sevarimi tine mukana wekuti tikashandisa $1 000 pahekita tinogona kuwana $1 950 kusvika ku$5 070 ndokunge semurimi wawana 5t kusvika ku13t pahekita watengesa kudura renyika nemutengo we$390 patani.

Izvi zvinoreva kuti tikashandisa dhora rimwe tine mukana wekuwana $2 kusvika ku$5. Mashoma mabhizimisi ari kubhadhara zvakadai. Nekurima kwechimanje-manje,  chibage hachichanetsi kurima, kunyanya kana semurimi ukarongeka woshandisa vakuwasha wanosakura wakarara zvako kumba, maHerbicides, nembeu dzakauchikwa zvemhando yepamusoro dzinobva kukambani yenyu yeSeed Co.

Kutanga gore rino ngativei nehudokwadokwa hwekurima chibage tigute senyika tigozowanawo kutengesera kune dzimwe nyika zvataiita kare. Tikasaita mari nechibage hatichazoita zvakare tichitarisa rubatsiro nemutengo watiri kubhadharwa neHurumende yedu patani.

Ivhu nemwaka:

Tinokukurudzirai kuti muchingopedza kukohwa muongororese ivhu renyu kunana mazvikokota kuitira kuti murape ivhu nenguva maringe nekuudzwa kwamunenge maitwa. Chibage chinorimika muvhu rakasiyana-siyana asi chinonyanya kupa mukoho wakakura muvhu gobvu uye rinofambisa mvura zvakanaka.

Chibage chinoda mvura inopfuura 500mm mumwaka, goho rinonyanya kuderera kana chibage chikashaiwa mvura pachinotumbuka zvinoreva kuti kana tiine madiridziro tinokukurudzirai kuti mukurumidze kudiridza panguwa iyi kana mvura yambotiza kwemazuva anodarika vhiki.

Kuisa fetereza:

Huwandu hwefetereza hwatinoisa muchibage chedu hunoti siyanei maringe nechikafu chagara chiri muvhu redu saka tichiti ivhu ngariongororwe uye kuti tinoda mukoho wakadii pahekita. Kana uchida kukohwa pakuru unoisawo fotereza yakati wanda.

Izvi zvinotiratidza kuti kana tichida kukohwa pakuru tinofanira kutenga nekuisa fetereza yakawanda muminda yedu asi  ndinodzokororazve . . . ivhu redu ngariongororwe nana mazvikokota totevedzera zvavanenge vatikurudzira

Madzinde mumunda (plant population):

Goho rinobvawo pakuti tine madzinde atinokurudzira here pahekita sevauchiki. Pahekita panopinda 36 000 kusvika ku60 000 madzinde zvichisiyana nekuti warima mbeu ipi uye tinotarisira mvura yakadii mumwaka. Mbeu dzeTsuro neTsoko dzinopindawo madzinde akawanda kwozotiwo mbeu hombe dzakaita seNzou neShumba madzinde edu anodererawo. Saka tinokukurudzirai kuti mubatsirwe nevarimisi veSeed Co vari munzvimbo dzamunobva

Nguwa yekudyara:

Tinotarisira kuti murimi akangwara akatorimisa paanoda kudyara chibage chake kuitira kuti panongonaya mvura yekutanga anobva adyara sezvo pari ipo patinowana mukoho wakakura. Kune vane matoro (vlie soils) nemadiridziro, kana mvura yemudenga ikanayawo inodarika 50mm, tinokukurudzirai kuti mudyare muna Gumiguru (October). Kana tisina madiridziro nguva yakanaka kudyara ndemuna Mbudzi  sezvo mvura ikatanga kunaya  haizomira kwenguva yakareba. Tikanonoka kudyara tinorasikirwa negoho .

Mhando dzembu:

Kambani yenyu yeSeed Co yakakuuchikirai mbeu dzechibage dzakanaka samare dzine mukoho unoshamisa uye dzinotivirira muzuva nekumira mumunda zvekuti ukadziraira haudi kudzirega. KuRegion 1 ne2  tinokukurudzirai kuti sarudzo yenyu yekutanga pambeu iNzou SC727 kana SC719 kwozotevera Shumba SC637, SC627, SC633 kana itsva ine maprotien akawanda kupfuura mbeu dzedu dzose SC643. Mbizi SC529 inokwikwidzawo zvakanyanya.

Mbeu idzi dzose dzine mukoho unodarika 10t pahekita saka isu veSeed Co nyanzvi pakuuchika mbeu takasakura tikazunza, kwasariremi varimi kuti muite zvadzinoda mokohwa pakuru, mofa zvenyu nemari nekuguta.

Semurimi, ukadyara 2kgs yembeu dzose idzi, une mukana wekuwana masaga 10 kusvika ku20 ari ma50kgs. Saka mubvunzo wangu woti, tinoita nzara sei varimi kana vamwe vachizvigona?

Hapana chinorwadza sekusunza pamba kana senyika saka ngatirimei tigute, vana voenda kuzvikoro totenga mota dzatinoda nyika yedu irege kurasikirwa nemari pakutenga chibage kunze kwenyika. Torima mbeu dzeSeed Co nekuti hadzikurasisei  nekuti . . . Kuti Seed Co ndokuti mbeu . . . Kuti mbueu ndokuti Seed Co.

Share This:

Sponsored Links