Kurima fodya harisi dambe

23 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Kurima fodya harisi dambe

Kwayedza

Buhle Nkomo —
“Pandakada kuve murimi wefodya, ndakasiya basa rangu randaiita ndokubva ndave murimi akazara,” vanodaro Mai Linda Manyore (54) vanove murimi wefodya kuKaroi.

“Mari yandaiwana kubasa yakange isingakwane uye semubereki ndaishuwirawo kuendesa mwanasikana wangu kuyunivhesiti yepamusoro. Ndakafunga zvekusiya basa kuti ndigoshanda pamwe chete nemurume wangu papurazi. Ndaizvinzwa kuti pane zvakawanda zvaifanirwa kuitwa kana tikashanda tose papurazi,” vanodaro.

Mai Manyore vakashandisa kutenda kuti vasiye basa ravo iro raivapa raramo vachive murimi wefodya panguva iyo vaive vasingazive kuti remangwana ravo raizomira sei.

“Mwanasikana wangu parizvino ari kuita dhigirii rezvekurima. Ndine vamwe vana vana, vaviri vacho vari kuchikoro chebhodhingi,” vanodaro vachinyemwerera.

“Regai nditi kuti murimi arambe achirima fodya ibasa guru uye chirimwa ichi chinoda hunyanzvi pamwe nekugara chichiongororwa zvakanyanya.

Kubva mukurima kwangu fodya, ndakaona kuti uve murimi anobudirira unofanira kutanga nemahekita mashoma uchiongorora chirimwa chako zvakanyanya kusvika pakupera kwemwaka.

“Ndinowana ruzivo rwemarimirwo akanaka kubva kune murume wangu uye anove nyanzvi. Ane ruzivo rwakadzama rwekurima fodya, chibage nezvimwe zvirimwa.

“Kubva kumahekita angu maviri efodya ndinogara ndichikohwa makgs anodarika 5 000 echirimwa chemhando yepamusoro. Mari yepamusoro yandakawana yaive $5.30 pakg,” vanodaro.

Mai Manyore vanoti kunze kwekuwana mari yekushandisa nemhuri, kurima fodya kwavabatsira zvakare zvikuru mukuvandudza zvivakwa zvepapurazi pavo.

“Ndakwanisa kutenga chigayo che20 horse power chekugayisa chibage negorosi kuitira kutsigira bhindauko redu rekuchengeta huku nekuti handidi kutenga chikafu chadzo kumwe. Ndakatengawo zvakare gejo remhando yeWessex nekugadzirisawo zvibhorani zvakange zvisisashande,” vanodaro.

Mai Manyore mumwe wevarimi vakawanda vechidzimai vari kukwanisa kurarama nekurima fodya.

Mai Alice Chihumbwa, (32) vekupurazi rekwaChidakwa kuKaroi vakatangawo kurima fodya muna 2010 uye vari kukwanisa kuraramisa mhuri yavo nekurima.

“Ndinorima fodya nekuti ibhizimusi rinopa mari. Kurima fodya kwandisumudzira semunhu wechidzimai. Ndinoshandisawo mari yandinowana mukurima fodya mukusimudzira bhizimusi rangu rekutenga zvinhu kunze kwenyika ndichitengesa,” vanodaro Mai Chihumbwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndinokurudzira vamwe vanhukadzi vari munharaunda kuti vashandise mawoko avo kuitira kuti varongere remangwana ravo kuburikidza nekurima. Kurima fodya kwasandura hupenyu hwangu zvikuru. Vana vangu vanoenda kuzvikoro zvepamusoro, hupenyu hwemararamiro angu asanduka uye ndine rori yangu diki pamwe neimwe mota yemhuri. Ndinokwanisa kuzviitira madanha andinoda pamwe nevadikanwi vangu. Munguva pfupi iri kutevera ndichange ndichitenga tirakita.

“Ndinokurudzira vamwe varimi kuti vaende kumisangano inenge ichidzidziswa pamusoro pezvekurima uko vanopanana mazano zvakare,” vanodaro Mai Chihumbwa.

Kambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) pamwe neTobacco Research Board (TRB), vakabatana neAgritex, vari kupa zvidzidzo kuvarimi pachena pamusoro pemarimirwo akanaka efodya.

Varimi vanokwanisa zvakare kuzvironga muzvikwata zvevanhu 20 kana kudarika voshevedza veTIMB avo vakasununguka zvikuru kuti vazovadzidzisa pachena zvakare apo panenge paine chikafu nezvinenge zvichishandiswa kuvadzidzisa.

Kuti munzwe zvakawanda ridzai nhare kumahofisi eTIMB panhamba dzinoti 08677004624/6, 0772145166/9, 0279-22082/21982, 025-3439, 067-24268/29246, 0277-2700, 064-7280 ne0271-6772.

Munogona kutibata pamanhamba eToll Free zvakare anoti 08006003 / 0731999999 / 0712832804.

Kana padandemutande rinoti: [email protected]

Share This:

Sponsored Links