Kurima fodya kune pundutso

25 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Kurima fodya kune pundutso

Kwayedza

Buhle Nkomo —
“Ndine hurongwa hwekutenga sitendi kuMarondera ndigovaka imba yandagara ndichishuvira uye ndichatenga motokari yangu kubva kunze kwenyika yekutakurisa zvirimwa zvangu gore rino,” anodaro Kelvin Foya (34), anove murimi wefodya wekuMagunje mushure mekuona gwaro rine mari yaari kuwana apo akatengesa chirimwa ichi.

Kubva mukutengesa kwaakaita mabhero 155, Foya akawana $30 000 inova mari yakapeta katatu pane yemwaka wadarika.

“Kurima fodya ndiyo nzira yakanaka yekufamba nayo. Ndinofara kuti kushanda kwangu nesimba kwave nepunduko. Apo mitengo yakanaka mwaka uno, mhando yefodya yangu yakawedzerawo kunaka zvakare,” anodaro Foya.

Mabhero aya ose airema 10 163 kgs uye akatengwa nemari inobvira pa$1.25 kusvika $4.99 pakg apo mari yepakati nepakati yaive $3.12.

“Ndakarima mahekita mana nemvura yekudenga, parizvino ndatengesa fodya yangu yakati wandei uye ndichiri neimwe zvinoreva kuti ndichawana imwe mari zvakare,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Kubva pamakore mana andarima fodya, ndinoti mwaka uno ndiwo wandawana goho guru zvikuru.”

Foya anoti budiriro yake pakurima fodya yakavepo nekuda kwekuti anogara ari papurazi uye achiongorora zvikuru makurire anenge achiita chirimwa chake mwaka wose pamwe nekutevedzera nzira dzinodiwa pakurima achishandisa bhuku rakadhindiswa neveTobacco Research Board (TRB).

“Pakatanga mwaka, ndakazvipira kuti ndinge ndichishanda nesimba pamwe nekuona kuti fetereza nezvose zvinodiwa zvaiswa pazvirimwa. Zvakange zvisiri nyore sezvo mwaka waive nemvura yakawandisa zvakakonzera kuti kumwe kudya kwezvirimwa kwaive muvhu kunyudzwe kwakaita senitrogen nekudaro ndakatozotenga masaga efetereza 45 eCalcium nitrate kuitira kudzoreredza kurasikirwa kwandaive ndaita kudya kunodiwa nevhu uku.

“Kuwanda kwemvura uku kwakaitawo kuti fodya mashizha ayo aite ruvara rweyellow asi mushure mekunge ndaisa Calcium Nitrate, mashizha aya akadzokera paruvara rwawo rwakasvibirira zvakare. Mvura yainaya yakaita zvakare kuti sora ringe richikura nekudaro ndakashandisa mari yakawanda, kwete mukutenga fetereza chete asiwo nemushonga wekuuraya sora.

“Ndakarima mumunda mushure mekunge mvura yekutanga ichangonaya. Nekuda kwemamiriro ezvinhu, mari yandakashandisa mubasa iri yakazowanda sezvo pakutanga ndaive ndaita mariji (ridges) kuitira kufambisa mvura kana ichinge yawandisa asi ndakazoaparadza paisakurwa sora,” anodaro Foya.

Foya anokurudzira vamwe varimi kuti vakoshese mbeu yefodya yavanofesa sezvo ichibatsira pakuti vawane chirimwa chemhando yepamusoro pamwe negoho rakanaka.

“Kubva mukurima kwangu kose, ndakadzidza kuti mbeu yemhando yeKRK26 ndiyo inonyatsoita mudunhu randinorima ndiri. Varimi vanofanira kurima fodya inoenderana nematunhu avo uye votsvagawo mazano pamusoro pembeu inokodzerana nematunhu avo,” anodaro.

Foya anosiyanisa mbeu dzaanorima mumunda gore negore sekuti akarima chibage gore rino, rinouya orima soya bhinzi mumunda mumwe chete uyu nekuzorima fodya kuitira kuvandudza ivhu rake.

Soya bhinzi nechibage chikafu chinodiwa zvikuru saka Foya anozvitengesawo achizviwanira imwe mari.

Kunze kwekurima, Foya anoita basa rekuvaka zvakasiyana zvakare munharaunda yake kana muguta reHarare zvichienderana nebasa raanenge awana. Foya anokurudzira varimi kuti vashandise magrower’s numbers avo kuitira kuti vange vachibatsirika nekuwana imwe mari yepamusoro yeexport incentive kana vachinge vatengesa fodya yavo.

Kuti munhu anyorese semurimi wefodya, anongoda chete kuti ave nechitupa, gwaro rinotaridza kuti munda waari kurima ndewake, tsamba inobva kune veAGRITEX ne$10 yekunyoresa.

Apo mwaka wefodya uri kufambira mberi, varimi vanoyeuchidzwa kuti kunyoresa kurima fodya mumwaka unotevera kwakatotanga uye vanokurudzirwa kuti vanyorese musi wa31 Gunyana 2017 usati wadarika kuitira kuti vasazobhadhariswa imwe mari pamusoro mushure mekunge vanonoka kunyoresa. Ruzivo urwu rwakakosha kuitira kuti murimi ange achikwanisa kuronga basa rake. Kunyoresa kunogona kuitwa kumahofisi eTIMB akatekeshera kumisika inotengeswa fodya kana kumahofisi TIMB.

TIMB iri kufamba zvakare ichinyoresa varimi kumatunhu akasiyana kwavanorimira. Varimi vanokurudzirwa kuti varidzire nhare kumahofisi eTIMB ari kumatunhu avo kuitira kuti vagoziviswa mazuva avachange vachishanyira kumatunhu aya vachivanyoresa.

Varimi vakanyoresa mwaka wadarika, vanogona kunyoresa zvakare zvemwaka unouya neEcoCash vachishandisa nhamba yeTIMB Biller code inoti 41986.

Kuti munzwe zvakawanda ridzai nhare kumahofisi eTIMB panhamba dzinoti 08677004624-6, 0772145166-9, 0279-22082-21982, 025-3439, 067-24268-29246, 0277-2700, 064-7280 ne0271-6772.

Munogona kutibata pamanhamba etoll-free zvakare anoti 08006003/ 0731999999 / 0712832804.

Kana padandemutande rinoti: [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>