Kurima fodya zvine pundutso

21 Aug, 2014 - 09:08 0 Views
Kurima fodya zvine pundutso

Kwayedza

FODYA YAKUKOHOWA IMG_4103MAVHIKI mana adarika, tanga tichitarisa pamusoro pekusarudza mbeu yekurima, mhando yevhu pamwe neenzaniso pakati pekurima kuchishandiswa mvura yekunaya  neyekudiridzira.
Zvisinei, chinoita kuti murimi abudirire mukurima kwake kudyara nenguva, kuisa fetereza ine mwero unodiwa pamwe nezvimwe zvose zvinosanganisira kukohwa nenguva.

Sangano reZimbabwe Tobacco Seed Association rinoda kuti murimi azive zvimwe zvinoita kuti pave nemusiyano mukuru wekuve negoho guru nerakaderera zvakanyanya.

Chekutanga chinoita kuti pave nemusiyano mukuru mubasa revarimi kuvepo kwemadiridziro kana kushaikwa kwawo.

Zvinozivikanwa kuti murimi anodiridzira zvirimwa zvake anokwanisa kuwana goho rinodarika matani mana pehekita kubva pambeu dzakaita seKRK26, KRK64, KRK66, T71 kana T72.

Zvakadaro,varimi vamwe chete ava vanogona kuwana goho riri pakati pemakgs 600 – 1 000 pahekita kana vakarima kuburikidza nemvura yekunaya.

Chikonzero ndechekuti fodya inonyanyoda kurimwa panzvimbo yakati omei uye kana mvura ikanaya yakawanda zvinoita kuti goho ridzikire.

Zimbabwe Tobacco Seed Association inoshanda pamwe chete nesangano reSeed & Water Allianz mukubatsira varimi kuti vakwanise kuita madiridziro emvura inofamba nepasi pachishandiswa mari ingangosvika $3 500 – $ 4 000 pahekita. Chimwe chinhu chinoita kuti goho nemhando yefodya zvinge zvakanaka kubvisa madungirwa panguva yakafanira sezvo anogona kuita kuti goho ridzikire nemakgs 300 kusvika 600 pahekita nekuda kwekuti anenge achitorawo fetereza nekumwe kudya kunenge kuri muvhu.

Zvakakoshawo zvakare kuziva nguva yekuisa fetereza muchirimwa nekuti kana ikaiswa panguva iyo mvura inenge yakawanda zvinoita kuti goho ridzikire.

Mhando dzembeu dzinoda kututsirwa fetereza dzinoti KRK64, KRK29 neT72 uye murimi anofanira kungwaririra kana akarima mbeu idzi asi asingawane fetereza imwe yekuzotutsira pamusoro uye zviri nani kuti arime KRK26 neKRK66.

Makohwerwo nekuomeswa kwefodya akakoshawo zvakare uye mbeu yeKRK26 ndiyo yega inokwanisa kuomeswa ichiri neruvara rwegreen.

Varimi vanogona kuwana rubatsiro pamusoro pemakohwero nekuomeswa kwefodya kwakanaka kubva kusangano reTobacco Research Board iro rine kabhuku kanovapanga mazano.

Zvakadaro, kana varimi vachida kuziva zvimwe zvakawanda pamusoro pekurima fodya zvine pundutso vanogona kuridza runhare panhamba dzinoti 0773 361 637 kana kunyorera kudandemutande rinoti [email protected]

Share This:

Sponsored Links