Kurima kwematsutso kwosimudzirwa

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

SANGANO reFood and Agriculture Organisation (FAO), kuburikidza neboka reUnited States Agency for International Development (USAID), rosimudzira mabasa ekurima mumwaka wematsutso kumatunhu akasiyana enyika.

Mumwe ari kubatsirwa pasi pechirongwa ichi cheConservation Agriculture (CA), VaDimusani Sibindi vekuMatebeleland North, vanoti chauya panguva yakanaka apo nyaya dzekurima dziri kudzorerwa kumashure nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze.

“Mumakore adarika, mhuri zhinji dzaikwanisa kuzviriritira kuburikidza nekurima vachikohwa pakuru mukupera kwemwedzi waKukadzi naKurume asi nekuda kwekusanduka kwemamiriro ekunze zvinhu zvangove manyama amire nerongo,” vanodaro VaSibindi. Vanoti kuburikidza nekurima kwemumatsutso, varimi vazhinji mudunhu mavo vari kutarisira kuwana goho guru rezvirimwa zvakadai sechibage, mabhatanati nematomatisi.

Vanoti zvakakosha kuti varimi vashandise nzira itsva mukurwisa kusanduka kwemamiriro ekunze kuti vange vachiwana pundutso mukurima kwavo. “Kurima kwemumatsutso kunobatsira zvikuru varimi vadiki kuti vange vachirwisa nzara.

Kurima uku kwakoshera kuti ivhu harirambi richikanganiswa. Ivhu harikukurwe nemvura nyore uye murimi anokwanisa kurima kwegore rose achichinja mhando dzezvirimwa zvinoita kuti ivhu rigare riine kudya kwakakwana kwezvirimwa uye kunobatsira mukuchengetedza nharaunda,” vanodaro VaSibindi. Vanoti mishonga yekuuraya twumbuyu muzvirimwa  inofanira kunge isingazokuvadze twumwe twupukanana twunorarama muvhu nekuti twunobatsira mukuvandudza ivhu kuti rive nekudya kune utano kuzvirimwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>