Kurima mavise ePrime Seed Co

11 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Kurima mavise ePrime Seed Co

Kwayedza

Silas Mutota —
KUKAMBANI yePrime Seed Co tine mbesa dzezvirimwa zvakawanda kubva kune dzinonyatsoita muchando kusvika kune dzinoita munguva yekudziya. Sezvo tave kupinda munguva yekudziya, ndinoda kutaura nezvechirimwa chinoita mumwaka uyu.

Mavise chirimwa chinoita zvakanyotsonaka nguva yekupisa yatava kupinda.

Chero hazvo pava nehunyanzvi hwemagreen house hwunoita kuti ukwanise kuita mibhedha munguva yechando uye nekurimawo kana muchando, vise rinobuda zvakanaka kana ukatanga kudyara nguva ino yekupera kwechando zvichienda mberi.

Asiwo pane nzvimbo dzakaita seMiddle Sabi dzinogara dzichidziya nguva yechando, uko kunowanikwa kuchidyarwa mavise nguva yechando.

KuPrime Seed Co kune mhando dzembeu dzemavise dzakasiyana-siyana dzinosanganisa Cremson Sweet, Charleston Grey, Congo nemhando yepamusoro (hybrid seed) inonzi Kito.

Regai ndikupakurirei nezve Kito F1 rinova vise ranetsa pakutengwa nekuda kwemakuriro, nekubereka kwaro uye manakiro arinoita.

Kito F1:

Kito F1 ivise remhando yepamusoro (hybrid) rinoshingingiri zvirwere zvakawanda.

Kito F1 rinobereka zvakanyanyisa zvekuita vana vashanu padzinde roga-roga uye rinonakisa rakatsvuka kuti piriviri mukati maro.

Anorema 8-12 kgs. Pahectare imwe unowana gohwo rinoita matani 150. Mavise anonzi Kito anotora mazuva anokwana 70-80 kuti aibve mumunda. Mavise anowanikwa mumhuri imwe chete nemanhanga.

Kito rinodyarwa kubva muna Nyamavhuvhu kusvika kutanga kwaChivabvu. Mavise anotora nguva inoita iyo 80-125 ari mumunda kubva nguva yokudyarwa kusvika kukohwa. Anoda kudziya kwekunze kuri pakati pe17 kusvika 20 degrees celcius.

Ivhu rinokuridzirwa pakurima Kito, nderiya rinofamba mvura nemhepo zvakasununguka (well drained soil) uye richichengetedza mvura zvakafanira (good soil retention moisture). Ivhu racho rinofanira kuva nekakuvavirira nekakutapirira kepH 6.5-7.0.

Pakudyara panodikanwa fetireza yepasi ( Compound D) inoita iyo 600-800kgs pahekita imwe chete. Kana ari manyowa, panodikanwa 50t pahekita.

Kana uchidyara mavise unoisa mhodzi mbiri kana nhatu mugomba. Mazuva ano vamwe vanotanga vaita zvenesari vozodyarurura kuenda mumunda mushure memavhiki matatu mbeu yava nemashizha anoita iwo matatu kana mana.

Kana tichidyara mumunda mavise anoparadzaniswa 60cm mumutsara ne150 cm pakati pemitsara. Kito F1 inodyarwa mumabhesini, mariji kana mumuforo. Kito anodiridzirwa zvakaparadzana sekuti pamazuva mapfumbamwe oga-oga muvhu rinochengetedza hunyoro hunosvika 2,5cm. Ruzivo urwu rwunowanikwa kumadhumeni enyu ePrime Seed Co.

Pakurima mavise murimi anofanira kugadzirira mishonga yekuuraya nhata netumwe twumbuyu twunobururuka twunonzi white fly kana kuti pumpkin fly.

Kito inokohwewa paanenge ava kuda kuibva kuitira pakuzoendesa kumusika achiri akanaka.

Kana uchinge watenga mbeu yako kuPrime Seed Co, zivisa murimisi wako wePrime Seed Co upakurirwe ruzivo zvizere maererano nemarimiro echirimwa ichocho zvigokupa gohwo rakanakisa. Iva murimi akarongeka, tenga Kito F1 yePrime Seed Co upuhwe ruzivo tivandudze upfumi hwenyika.

Mari iri muvhu, mari iri mumbeu dzePrime Seed Co. Kuti Prime Seed Co ndokuti mbeu.

Rambai makatarisa panzvimbo ino mudzidze zvakawana kubva kuna mazvikokota wePrime Seed Co.

-Silas Mutota ndiSales and Marketing Manager kuPrime Seed Co uye sunungukai kumubata panhare dzinoti: 0731 473 948

Share This:

Sponsored Links