Kurima minda muchando

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Mudhumeni Mukuru Ivan Craig

CHIRIMO ndiyo nguva inodyarwa zvirimwa zvakati wandei zvinoshandiswa kuzadzikisa donzvo rechirongwa cheHurumende, cheZimAsset.Ichi chirongwa chekutsvaga kugutsa mhuri pamwe nenyika zvichisanganisira utano hwakanaka kuburikidza nekudya chikafu chakasiyana-siyana.Asi kuti tibudirire munyaya iyi, tinofanira kubata gohwo rinokurudzirwa kuti munge muchiwana mudunhu renyu. Matunhu atinorima ane gohwo rakatarwa kuti rinowanikwa asi kuti gohwo ribatike, zvava kumurimi kuti aita basa rose nemazvo.

Rimwe basa rinobatsira kuti ubate gohwo remudunhu mako kugadzirira minda muchando, iya yainzi winter plough nemadzisekuru edu.

Kugadzira minda munguva yechando (winter plough) inobatsira zvakawandisa. Ngatitangei taziva kuti ipo pasi pacho panenge pakambomira sei. Pasi pane hunyoro hwekusarira, pane tumbuyu twuri kurarama imomo, masora nemashanga zvinosarira muvhu uyezve mune hudyo hwemafetiriza pamwe nemanyowa zvinenge zvasariramo.

Nekuda kwekuti muvhu mune hunyoro, izvi zvinoreva kuti muvhu umu hamunetsi kurima, nekudaro chedu kungopinda mumunda torima pasina ziya.

Kupinda mumunda tichingopedza kukohwa (winter plough) tinoona kuti gejo rinodzika kusvika patinoda zvisina kutyora simbi dzakawanda, uye zvisingapedze simbi. Nekuti pasi panyoro, tinoona kuti tarakita haipedzi matai (tyres) nekuti mavhiri anenge asingatendereri panzvimbo imwe chete, dhiziri nema oiri (diesel and oils) zvinoshandiswa zvishoma nokuti tarakita inenge isingashandisi samba rakawanda. Kana dziri mombe kana madhongi zvimwe chetezvo. Kumombe nemadhongi zvipfuyo zvinenge zvichingobva muZhizha mune chikafu chakawanda nekudaro zvinenge zviine simba rakawanda saka hazvinzwi kuneta. Izvi tinoona zvichipa kuti purofiti (profit) ickure.

Kana tichinge taita winter plough zviri kureva kuti tatobata mwaka, uyezve ndicho chikamu chekutanga chekugadzirisa gohwo repamusoro zvichizopa kuti tibudirire. Pane akambozvibvunza here kuti varimi vekare vakange vaine upenyu hwakanaka kudarika hwatinahwo nhasi sei? Dambudziko riri pakuti sevana vakadzidziswa nemari yekurima takakanganwa kuti mari yakatiendesa kuzvikoro yakabva mukurima, kubva taenda kumabasa tichisiya kurima.

Tikafunga shure tobva tazvigadzirisa, chokwadi tinoona tichibudirira. Pakurima kwatinenge tichiita tinenge tichifusira masora nemashanga muvhu, izvo zvichazoora ivhu roworera mafetiriza oshanda zvakanaka zvirimwa zvotipa gohwo repamusoro rinoenderana nematunhu atinorima tiri. Masora anofusirwa anenge aine mhodzi dzinozomera muzvirimwa dzichiita sora rinozotidhurira nekusakura. Saka kana tichinge tadzirimira pasi zvinorewa kuti dzimwe dzacho dzichawora sora rotapudzika, pamwe chetepo tinenge tachengetedza mwando muvhu.

Pane hunyoro nechikafu sora rinomera. Sora iri richashandisa mvura yatachengetedza muvhu kuti rikure uyezve rinenge richidya chikafu chakasarira muvhu. Nekudaro sora kana richinge ramera rinoda kubva rabviswa kuitira kuti tichengetedza hudyo huri muvhu pamwepo nemwando.

Chinhu chikurusa chatinohwina mukuita winter plough ndechekuti tatobata mwaka, tinongoti panonaya mvura yeutanga inobva yakurumidza kubatana neyatakachengetedza pasi, kuchibage munenge mava kuda mamirimita gumi neshanu (15mm) zvichikwidza kuti chimere. Hamuone kuti menege matobata mwaka? Kurudziro yangu varimi ndeyekuti ngatibatei mwaka nekuita winter plough.

Share This:

Sponsored Links