Kurima ngakuve bhizimisi: Kanhanga

23 Apr, 2015 - 15:04 0 Views
Kurima ngakuve  bhizimisi: Kanhanga

Kwayedza

 Malven Mugadzikwa
VARIMI vefodya vakakurudzirwa kutora basa ravo sebhizimusi uye kushanda pamwe chete nemakambani anovatsigira nedonzvo rekuti vabure goho repamusoro zvinozoitawo kuti zvirimwa zvavo zvitengwe nemari inovapa pundutso. Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera nemutevedzeri wegurukota rebazi rezvekushanyirwa Retired Brigadier-General Walter Kanhanga avo vanove zvakare mumiriri weGuruve North mudare reNational Assembly apo vaitaura pagungano revarimi kupurazi reOna Mapeto, kuGuruve.

Gungano iri, iro raikotsverwa nekambani yePremier Tobacco Auction Floors, rakaitirwa pamusha pemumwe murimi mukuru mudunhu iri, VaEdward Daira.

“Varimi vanofanira kupa kutenda kumakambani akaita sePremier Tobbaco anouya kuvanhu achivadzidzisa kuti vangarima sei fodya inopa mari yakawanda. Varimi kupfurikidza neruzivo rwavari kupihwa nekambani iyi vanofanira kutora kurima fodya sebhizimisi.

“Pese murimi paari kurima pamwe chete nekutengesa zvirimwa zvake, kunyanya fodya, ngaafunge kudzokera mumunda zvakare mwaka unotevera aine zvikwanisiro zvake zvekushandisa pamwe chete nembeu yakakwana,” vakadaro.

Rtd Brig-Gen Kanhanga vanoti vamwe varimi vanochema-chema vachiti mitengo yefodya yakaderera asi vasingacherechedzewo kuti fodya yavo inenge iri yemhando yapasi-pasi.

“Vamwe vavarimi vakadai ndivo vanozochema nemakambani anotenga fodya vachiti tiri kutengerwa fodya yedu nemari yakaderera. Chinoita kuti mari iwande pafodya kunaka kwefodya,” vakadaro.

Vakazokumbira zvakare makambani akasiyana kuti apote achibatsirawo mukusimudzirwa kwenharaunda dzaanoshandira.

“Zvakakoshawo kuti vemakambani vapote vachidzoka kunharaunda dzine vanhu vavanoshanda navo vachiita zvirongwa zvinovabatsira pasina mubhadharo,” vakadaro Rtd Brig-Gen Kanhanga. Mumiriri wePremier Tobacco Auction Floors, VaTendai Mavhu avo vanova Chief Starter,  vakati imwe fodya yevarimi yakange isiri kutengwa nemutengo wakanaka nekuda kwekuti ndeyemhando yepasi-pasi. Varimi vefodya vazhinji vane dambudziko rekuti pakutengesa fodya vanosanganisa zvinozoita kuti fodya yavo isatengwa zvakanaka uye vasazowana mari yavanenge vachitarisira. Varimi vanofanira kuzivawo kuti fodya inoiswa muzvikamu zvakasiyana maererano nekukura kwemashizha acho pamwe chete nerudzi rwemashizha. Zvese izvi zvinoda kucherechedzwa kana murimi ava kuuya nefodya yake kumusika,” vakadaro.

Vanoti kambani yavo ine chirongwa chekubatsira varimi nezvekurimisa nechikwereti checontract  farming.

“Pasi pechirongwa ichi, tiri kubatsira varimi vane minda inotangira pahekita imwe chete kusvika pamatatu. Tine vamiriri vedu vanenge vari kunharaunda dzatinenge tabatsira nezvekurimisa izvi vanenge vachivadzidzisa pachidanho chimwe nechimwe kuti voita sei pafodya yavo kuitira pakupedzisira kuti vazobuda nefodya yakanaka,” vakadaro.

Vanoti zvakare kambani yavo ichatsigira chirongwa chekudyara miti mudunhu iri nedonzvo rekutsiva iyo iri kuparadzwa nekuda kwekuitiswa mabasa akasiyana ayo anosanganisira kupisa fodya.

Zvakadaro, varimi vari kuchema-chema nemutengo wefodya uyo vanoti wakaderera zvikuru sezvo parizvino iri kutengeswa nemari yepakati nepakati inosvika US$2,76 pakg kana zvichienzaniswa ne$3,03 pakg yemwaka wadarika.

 

Share This:

Sponsored Links