Kurima sugar beans neSeed Co

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Kurima sugar beans neSeed Co Mbeu yeSugar beans inoda kurimwa pakadzika 25-30cm kuitira kuti midzi yembeu ikure zvakanaka igokwanisa kutora chikafu nehunyoro.

Kwayedza

Philip Matombo

TINOKUKWAZISAI nomufaro varimi vose. Tasanganazve vhiki rino pabandiko redu reSeed Co MUDHUMENI MUKURU apo tichakurukura nekudzidzisana nenyaya dzekurima. Nhasi takanangana nechimwe chezvirimwa chiri kupa varimi pundutso chinova sugar beans.Semurimi, kana wafunga kurima sugar beans chiritora sebhizimisi wotenga zvose zvinodiwa wobva waridyara nemazvo uye nenguva kuitira kuti mari yawaisa mumunda idzoke igobereka imwe yakawanda uye kurima kugotapira nekuenderera mberi.

Mhando dzembeu (Varieties):

Chekutanga sarudzai mbeu yakauchikwa inozokupa goho guru uye inotivirira zvirwere. KuSeed Co tine mbeu mbiri dzakanaka samare zvekuti mukadzirima hamuzodi kudzirega. Mbeu yekutanga yatakakuuchikarai inonzi Sc Bounty. Iyi imbeu inopa goho rinodarika 2t pahekita imwe kana ukairima nemazvo uye nenguva.

Inotora mazuva 85-115 kuti ikohweke zvichisiyana nekwawairimira uye inotivirira zvirwere zvakawanda zvinobata sugar beans .

Sc Bounty inonaka ikabikwa semuriwo uye pakudya kwemangwanani nechingwa. Sc Bounty yakanakirazve kuti inokurumidza kuibva pakubika. Sc Sharp imbeu ichangoburwa zvekuti pamusika yava kutowanika izvozvi. Ine goho guru rinosvika pa2t pahekita kana kudarika.

Mbeu iyi inoti kurumidzei kuibva sezvo ichitora mazuva 80 kusvika 100 kuti mutange kuikohwa uye inotivirira kuzvirwere zvakawanda zvinobata sugar beans uye inorimika muivhu gobvu ( red soils) kana mushapa (sand soils).

Kurima minda:

Mbeu yeSugar beans inoda kurimwa pakadzika 25-30cm kuitira kuti midzi yembeu ikure zvakanaka igokwanisa kutora chikafu nehunyoro. Kana pasi pakaoma, tinogona kutanga tapadiridza kuti gejo ridzike uye mavhingwa aite mashoma. Vanoshandisa mombe pakurima tinogona kupwanya mavhinga nekaharrow kaya kanodhonzwa nemombe kuitira kuti sugarbeans dzimere zvakanaka.

Kudyara:

Sugarbeans hadzikuri zvakanaka muchando saka tinokukurudzirai kuti mutange kudyara kutanga kwaNdira kusvika muna Kukadzi kana muchirima nemvura yemudenga, mozodyarazve kupera kwaChikunguru nemuna Nyamavhuvhu.

Pakudyara tinogona kushandisa maplanter, kuisa mitsara nemombe, vanhu vachishandisa tambo. Mitsara yedu inofanira kudzika 4-5cm uye kubva pamutsara kusvika pane mumwe 45cm-60cm (row spacing), kubva pashanga kusvika pane rimwe shanga mumutsara 10cm (inrow spacing).

Tinotarisira kuwana madzinde 220 000 pahekita imwe ichida 80-100kgs dzembeu.

Ngatiisei fotereza mumutsara tichitarisira kuisa 150-200kgs pahekita imwe asi tinokukurudzirai kuti titange taongororesa ivhu redu kunanamazvikokota. Ngatifushirei fetireza kuti isabatane nembeu sezvo ichipisa mbeu kana zvikabatana.

Pane mushonga unonzi Apron Star wamunosanganisa nawo mbeu isati yadyarwa kuitira kudzivirira mbeu kuzvirwere nezvipukanana kwemavhiki maviri kusvika kumavhiki matatu mbeu yamera. Kana maita izvi, chidyarai mbeu mofushira netuvhu tune udzamu husingadariki 3cm mushure kwava kuzodiridza nekuisa mushonga wesora unoiswa mbeu nesora zvisati zvamera.

Uyu mushonga unotichipei kudarika patinozoisa mushonga wesora Sugar beans dzamera.

Kutengesa sugar beans:

Tinokukurudzirai varimi kuti musati madyara tangai kutsvaga kwekuzotengesera musazotambura. Asi Sugar beans hadziori uye hadziwanzonetsa kutengesa sezvo dzichidiwa kuzvikoro zvemabhodhingi, kumakambani nekumisika yakaita sekuMbare Musika.

Tinotarisira mari inoita $1 200.00 kana kudarika patani imwe zvichirewa kuti pahekita imwe chete unogona kuwana $2 400.00 iwe washandisa $600-$800 pahekita. Izvi zvinoreva kuti murimi anogona kuisa $1 800 muhomwe seprofit pahekita imwe chete.

Apa vana vangatadze kuenda kuchikoro here? Kuti Seed Co Ndookuti Mbeu . . . Kuti Mbeu Ndookuti Seed Co. Vane mibvunzo kana pamusina kunzwisisa ridzai nhare dzinoti 0772 572 497

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey