‘Kurimwa kwechibage ngakutsigirwe’

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
‘Kurimwa kwechibage ngakutsigirwe’

Kwayedza

SANGANO reZimbabwe Commercial Farmers Union rinoti goho rechibage mwaka uno rinogona kuderera zvikuru nekuda kwekudhura kwezvekushandisa zvakaita sefetereza.

SANGANO reZimbabwe Commercial Farmers Union rinoti goho rechibage mwaka uno rinogona kuderera zvikuru nekuda kwekudhura kwezvekushandisa zvakaita sefetereza.

Muchaneta Chimuka
ZIMBABWE iri kutengesa chibage chayo nemari iri pamusoro kana zvichienzaniswa nemisika yekune dzimwe nyika zvisinei nekuti budiriro yechirimwa ichi kuvarimi vemuno iri kuramba iri pasi, nyanzvi dzinoona nezvekurima dzinodaro. Hurumende yakadzika mutengo wechibage kuti unge uri paUS$390 patani mushure mekunge patariswa zvinhu zvinoshandiswa mukurima pamwe nemitengo yechirimwa ichi kubva kune dzimwe nyika. Mashoko akabva kusangano reZimbabwe Commercial Farmers Union anoti mitengo yechibage kumisika mikuru pasi rose yakaramba iri paUS$150 US$200 patani kubvira mumwedzi waChikumi 2014 kusvika pari zvino.

Mutungamiriri wesangano iri, VaWonder Chabikwa, vanoti kunyangwe zvazvo mitengo yemumo iri pamusoro pane yemisika mikuru varimi vemuZimbabwe vari kunetseka nekuda kwekudhura kwezvinhu zvekushandisa.

“Kunyangwe mitengo yakanaka, varimi vanoramba vachinyunyuta nekuda kwekudhura kwezvekushandisa. Vamwe varimi vari kune dzimwe nyika vanorerukirwa nekuti Hurumende dzavo dzinovarerutsira kuburikidza nenzira dzakadai sekuvabvisirwa chikamu che30 percent pamitengo yezvinhu zvekushandisa,” vakadaro.

VaChabikwa vanoti mari inowanzodiwa mukurima chibage inosvika US$1 000 pahekita apowo varimi vazhinji vachiwana matani matatu pahekita.

“Goho redu richakaderera zvikuru, murimi anenge awana goho rematani gumi anokwanisa kuwana purofiti ine chikamu che20 percent,” vakadaro.

Mukuru wesangano reZimbabwe Indigenous Women Farmers Association Trust, Mai Depinah Nkomo, vanotiwo kuderera kuri kuita upfumi hwenyika kuri kukanganisa zvakare buridiro yekurima munyika.

“Varimi vechibage vemuno vanoda rutsigiro rwakanyanya nekuti US$390 patani iyoyo itori shoma kwazvo, tinoda kuti chibage chedu chinge chichitengwa nemari yadakarika apa nekuti zvekushandisa mukurima idambudziko guru kwatiri,” vakadaro.

Nyanzvi munyaya dzezvekurima, VaPeter Gambara, vanoti kunyangwe mitengo yechibage munyika muno iri pamusoro haisi kufadza varimi sezvo vachitora nguva ndefu kuti vange vachiwaniswa mari yavo mushure mekutengesa zvirimwa zvavo.

“Mitengo yakadzikwa neHurumende yakanaka chose asi kuti varimi vari kunonoka kuwaniswa mari dzavo. Vamwe varimi havasati vawaniswa mari dzavo dzegorosi iro ravakaendesa kudura guru reGrain Marketing Board makore mashanu adarika.

‘‘usabhadharwa nenguva uku kwave kuita kuti varimi vazhinji vange vachisarudza kurima fodya nekuti vanopihwa mari dzavo pakare kumisika,” vakadaro.

VaGambara vanotiwo mwaka uno varimi vazhinji vakadzorerwa kumashure zvekare neGMB nekuda kwekunonoka kuwaniswa mari yavo.
“Tinoda kuti Hurumende itsigire, varimi vari kune dzimwe nyika vari kubatsirwa zvekuti havaponi nezvinhu zvinobva kune dzimwe nyika sezviri kuitwa muno apo magonyeti anogaroonekwa achipinda nezvinhu zuva nezuva.

‘‘Somuenzaniso, nyika dzakadai seBotswana neSouth Africa hadzitambiri zvirimwa zvinobva kune dzimwe nyika pamabhodha adzo,” vakadaro.
“Zvitoro zvedu zvizere nezvirimwa zvinobva kune dzimwe nyika zvisinei nekuti tine varimi vakawanda vanorima miriwo, mbatatisi, makarotsi, matomatisi nezvimwe kunzvimbo dzakadai seMutoko neMurewa.”

Vakanyunyuta nekuda kwekushomeka kwemisika yezvirimwa zvemuno vachiti zviri kukanganisa bhizimusi rekurima.

Share This:

Sponsored Links