Kurimwa kwedonje kwodzikira

18 Dec, 2014 - 08:12 0 Views
Kurimwa kwedonje kwodzikira

Kwayedza

KURIMWA kwedonje munyika kuri kuramba kuchidzikira zvichitevera kuderera kwerutsigiro rwaimbopiwa varimi nemakambani akasiyana uye izvi zviri kukonzerwa nekuda kwemutengo wepasi-pasi wechirimwa ichi.

Kambani yeCargill yakavhara apo yeCottco iyo yaimbotsigira varimi kuti vange vachirima nenzira yemakondirakiti iri kusangana nematambudziko zvinova zviri kuita kuti inge ichikundikana kuvatsigira nezvekushandisa.

Mukushi wemashoko kusangano reCotton Council, VaGarikayi Msika, vanoti kurimwa kwedonje muZimbabwe kuri kudzikira zvakanyanya.

“Mwaka uno varimi vedonje vachatotsvaga rubatsiro rwemari pachavo sezvo makambani aimbovatsigira nezvekushandisa akaderedza rutsigiro rwavo nekuda kwekuderera kwakaita mitengo yedonje kumisika mikuru.

Cargill yakatovhara apo Cottco iri kukundikana kushanda zvakanaka nekuda kwekusaita purofiti zvinova zvave kuisa murimi wedonje panguva yakaoma zvikuru, kunyanya avo vane ivhu risingaenderani nezvimwe zvirimwa,” vakadaro.

Vanoti varimi vedonje havasati vawana rubatsiro rwezvekushandisa kusvika parizvino nokudaro vari kutarisira kuwana goho rakaderera mwaka uno sezvo mamiriro ezvinhu achaita kuti varime mahekita mashoma.

Vanoti makambani mashoma asara ari kutochema-chemawo nekuda kwekusafamba zvakanaka kwezvinhu.

Zvakadaro, VaMsika vakaramba nyaya yekuti kutengesa kwaiita vamwe varimi donje ravo nerweseri risingaendi kumakambani aivapa makondirakiti ndiko kwave kudzorera indasitiri yedonje kumashure.

“Nyika yeChina ine donje rakawanda saka yakasarudza kuritengesa zvinova zvave kukanganisa mitengo. Asi izvi hazvingadzoreri varimi kumashure zvakanyanya nekuti kune vamwe vakagara vakagadzirira zvekushandisa,” vakadaro.

Vakanyunyuta zvekare nekunonoka kuturuka kwemvura vakati kunogona kukanganisa chirimwa ichi.

Indasitiri yedonje yave nenhoroondo yekugara yakakanganiswa budiriro yayo nekuda kwemitengo yakaderera zvinova zviri kuita kuti varimi vazhinji vange vachitizira mukurima fodya inova ine mari iri pamusoro mumisika.

Mwaka wapera, donje raitengwa nemutengo waive pakati pe$0,30 ne$0,50 pakg yoga-yoga unova mutengo wainzi nevarimi hauna pundutso.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>