Kurimwa kwegorosi kovandudzwa

17 Nov, 2017 - 10:11 0 Views
Kurimwa kwegorosi kovandudzwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
HURUMENDE yakatanga chirongwa chikuru chekuvandudza pamwe nekutsigira kurimwa kwegorosi munyika nedonzvo rekuti muve nezvekudya zvinokwanirana.

Gurukota rezvekurima nekuvandudzwa kwemishina yemadiridziro Dr Joseph Made vanoti chirimwa chegorosi kudya kukuru kunokosha munyika muno.

“Zvichitevera ongororo yakaitwa nechikamu cheDepartment of Research and Specialist Services, mamwe makambani anouchika mbeu akadai seSeed Co ave kutotanga kuita ongororo yekuti ange achiuchika mbeu yegorosi. Tinoziva kumamisha vazhinji vakanga vari kurima mupunga asi tava kuda kuvandudza chirongwa ichi kuti tinge tichirima gorosi rekutenga mumisika mikuru. Takaona kuti varimi vadiki vakanga vari kuita basa guru mukurima chirimwa ichi vanhu vachiwana kudya asi tave kuda kuti chitibatsire mukubura mari zhinji,” vanodaro.

Dr Made vanoti vanotenda zvikuru Hurumende yeChina nerutsigiro rweongororo yakaitwa iyi vachiti munguva inotevera nyika ino ichange yava nenyanzvi dzinoona nezvekurimwa kwegorosi.

“Tine nyanzvi dzinoona nezvekurimwa kwegorosi dzakabva kunyika kweChina idzo dziri kushanda nebazi redu kubvira makore mana adarika. Tine zvakare hurukuro dzatiri kuita nemumiriri wenyika yeJapan muno apo tiri kusimudzira zvirongwa zvemadiridziro kuNyakomba kudunhu reManicaland kuti tione kuti tingasimudzira sei mabhindauko ekurimwa kwegorosi. Tiri kurima zvakare gorosi paArda Jotsholo Estate nekuTsholotsho kuMatabeleland North,” vanodaro.

Vanoti mabhindauko emadiridziro eGwayi Shangani Dam achabatsira zvikuru mukurimwa kwegorosi, kusanganisira kunzvimbo dzinowanzotambudzwa nemafashamu dzakadai seTsholotsho neTokwe Mukosi.

“Kune mamwe matunhu anosanganisira Mashonaland East neMashonaland West, zvikuru sei kuMhondoro-Ngezi, Midlands neMasvingo uko tinogona kurima gorosi tichitobudirira kunyanya kunzvimbo dzakaderera. Dura guru reGrain Marketing Board (GMB) richange ragadzirira kutambira gorosi rakawanda iri saka tichiri kuita hurukuro kuti ringatengwe nemarii,” vanodaro Dr Made.

Mwaka uno, Zimbabwe iri kutarisira kukohwa matani egorosi anosvika 200 000 kubva pa10 000 emwaka wapera.

Nyika ino inoda matani egorosi ari pakati pe400 000 ne450 000 kuti ange achikwanira nezvinodiwa gore rose.

Share This:

Sponsored Links