Kuripa nembwa zvinoita: N’anga

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
Kuripa nembwa  zvinoita: N’anga VaFriday Chisanyu

Kwayedza

NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti kuripa ngozi nembwa zvinotenderwa sezvo mweya wemufi uri iwo unotsanangura maripirwo anofanirwa kuitwa.

Mukuru wesangano rinomiririra maporofita nen’anga, reZimbabwe National Practitioners Association, VaFriday Chisanyu, vanoti kuripwa kwakaitwa ngozi iyi nembwa zviri pachena kuti munhu akauraiwa uyu aiva muvhimi.

“Mhuri idzi dzakatevedza zvaitaurwa nemufi kuti aida imbwa, havaikwanisa kupokana nemweya. Hazvirevi kuti kuripa nembwa uku kushora mufi kwete. Chionai mweya wakazoti waida nhava nerekeni izvo zvaifamba nemufi zvakare, ndinoti vakagona,” vakadaro VaChisanyu.

Vanoti ngozi inogona kutaura kuti inoda pfuti iyo inofanira kutobviswa.

“Kunze kwaizvozvo, tine vamwe vanoda imbwa kudarika vanhu saka mufi uyu aiva nechido nembwa zvinoratidza kuti aiva neshavi rehuvhimi. Ngozi yemunhu akadai inopedza mhuri nekuti anenge aine simba rakadarikidza kuburikidza neshavi raaiva naro. “Munofunga munhu anorwisana nenguruve kana shumba ichifa mungamutsipike mukamukwanisa?” vakadaro.

Vakapa muenzaniso wevachena vavanoti vane chido nembwa kudarika vanhu, vachiti mweya yavo inomukawo sezvinoita yevanhu vatema kana vaine zvavakakanganisirwa.

“Imbwa idzi dzakaendeswa kuhama yemufi uyu dzinotova nemashavi padziri. Munogona kutoona dzichinobata mhuka dzoga musango dzichiuya nenyama kumba nekuti dzakatogarwa nemweya wemufi. Asi dzikakanganiswa dzinogona kuruma vanhu kana kutouraya vepadzigere saka vanhu ngavangwarire,” vakadaro.

VaGeorge Kandiyero, avo vakafanobata chigaro chemukuru wesangano reZinatha, vakatsinhira nyaya yekuti munhu anogona kuripwa nembwa.

“Munoona kuti mufi anogona kutaura kuti ndinoda maturi angu, tswanda dzangu, makate, huni, matura nezvimwe zvinova zvimwe chete nezvakaitwa nengozi iyi. Hakuna anokwanisa kupikisa ngozi asi kuti inoda kukumbirwa ichibvuma,” vakadaro VaKandiyero.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>