Uncategorized

Kurohwa seri nokuseri sengoma yesvondo

15 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

KURANGARIRWA chinhu chakakosha. Mumwe muverengi anonzi Gora akabvunza mupepeti weKwayedza kuti, “Ko Mukwende akashaya zvekutidzidzisa kani svondo rapfuura?”

Zviripiko mwanawe, dzimwe nguva unenge wakasonwa nechichi nechocho zvokuti unotadza kuziva kuti musoro kana makumbo zviri kupi.

Mumwe akazondiseka akati yawapindana nayo iyi Mukwende, kumagumo kwayo kune nyaya. Akatiwo ndiyo yatinoti kana tiri kusvondo kwedu, “Kurohwa seri neseri sengoma yemaZiyoni, inoti uku yakakochekerwa muhuro, apawo yakagadzikwa padumbu remuridzi wengoma, nerimwe divi iri kuridzwa zvokuti hapana kwainotizira.”

Ndakati inga iyi ihama ine madimikira anodudzira kuti ndiri parumananzombe nokuti mukukura, taive nadzo hama dzaipinda kereke yeZiyoni, uchiona munhu achisvetuka kutamba, iyo ngoma iri muhuro ichirohwa zvedi.

Kunyange iri tsanangudzo yaitaura zvakange zvandiwira (mifungo yakadzama), asi, ndaonawo kuti mumuenzaniso iwoyu pane zvatingaonesane.

Handiti ndataura zita rekereke? Kune vaya vanokurumidza kugumbuka, ndatoburana navo nokuti vafunga kuti vatsoropodzwa. Ndivo vanhu vatinoti, ndashaya wanditi tokonye, ndiwane matangiro!

Ehe, kune vamwe vanhu vane musambo wokungotsoropodza vanhu namakereke avo, vasina chavanowana pazviri, asi kana vakatura befu vakanyatsotsenga mashoko aya nokuamedza, vachaona kuti haana kunanga kutuka kereke yeZiyoni, asi kuti mashoko akagukuchira kuoma nokurwadza kunoita zvimwe zvinhu muupenyu.

Munhu anonzi munhu chete anotombosangana nezuva raanonzwa kunge ngoma yakakakwa kwese seyeZiyoni, zvokuti kunyange ikada kutiza, haina matiziro kunze kwokunge tambo yadambuka, yodonhera pasi.

Chiregai ndidzokere kunyaya yokutsoropodzana. Zvirokwazvo varipo vasina kuti ikereke ipi. Unongoona vachingosvora chete. Ukavabvunza kuti masvorei, wonzwa vachiti, “machechi emazuvano anongoshatirisa. Basa rave rekungotorera vanhu mari”, asi ivo hapana yavo mari yatorwa.

Kana zvaitwa nemachechi mashoma munyika izere nemakereke, zvoita kunge zviri kuitwa nechechi dzese. Ndosaka upeyu huchinge kurohwa seri neseri sengoma yemaZiyoni, inoti uku yakakochekerwa muhuro, apawo yakagadzikwa padumbu remuridzi, zvokuti hapana kwokutizira. Asi, inozopedzisira yatsemukawo!

Mazuva esarudzo ari kuswedera. Zvizhinji zvinoitika panguva dzakafanana nedzidzi. Hazvina kutanga gore rino, asi ndizvo zvinoita mwaka yesarudzo pasi rese.

Ndosaka zvichinzi panozoda vana mutongi gava vanotaura kuti zvimwe zvapinda mwero wokuda kutsvaga vatsigiri. Uyewo mavhu namarara ezvinhu zvatichasangana nazvo hazviwanikwi kuZanu-PF kana kuMDC chete. Munhu wese anotsvaga vatsigiri anotsvaga mhindu.

Zvinodaro, nokuti zvinonzi rume risinganyepi hariwani. Asiwo, pane mwero wepokutangira nepokugumira. Pane zvinhu zvataifunga kuti vanhu takazvisiya kare kare, asi tiri kuona kuti munharaunda dzezvamatongerwo zviri kutukunyudza.

Nyaya dzamarudzi dzave kutsvagei zvakare munyaya dzezvamatongerwo enyika? Dzinovaka hunhu nenyika here kana kuti dzinotidzorera shure?

Ndirwo rumananzombe rwandataura pokutanga nokuti ndiri kuramba ndichizvibvunza kuti handizvo here zvakaita kuti tigarwe matunduru nevapambepfumi, vakazviona sokunge rudzi rwavo rwechichena rune ruzivo neungwaru zvakapinda vanhu veganda dema?

Ndichizeya nyaya iyi, ndakatanga kuona matambudziko awira nyika dzakawanda muAfrica, matambudziko okuti vanhu havazvioni kuti zvizvarwa zvenyika iyoyo zvine kodzero dzakaenzana, asi kuti vanotanga kutarisana kuti uyu ndewerudzi rupi, uyu ndewokupi.

Endai kuCentral African Republic, Democratic Republic of Congo, Burundi, Nigeria, South Sudan nedzimwe nyika munoona zvakakonzerwa nemafungiro iwaya.

Iye zvino kuKenya unonzwa vanhu vachiita makakatanwa okuti VaUhuru Kenyatatta vachakunda musarudzo nokuti rudzi rwavo rwechiKikuyu rwakawanda kupinda maLuo aVaRaila Odinga.

Africa yave namakore makumi matanhatu yawana kuzvitonga kuzere zvatangwa neGhana, asi nhasi uno muna 2017, tichiri kuda kuti rupawo rwunotivenganisa rwakashandiswa navapambepfumi rwurambe rwakaita mutsimba nesu, tofunga kuti kuve muManyika, muKaranga, muZezuru, muTonga, muNdau, muChangani nemamwe marudzi zvakakosha kupinda kuve mwana weZimbabwe.

Kubirwa rudzii kwokuti tinoramba kudzima zvinhu zvinounza ruvengo pakati pedu, zvinhu zvisina pundutso, isu tiri vanhu vanotsvaga budiriro? Hapana makore 23 ropa raerera sehova munyika yeRwanda, nokuti vakasimudzira marudzi avo echiHutu nechiTutsi vakapondana.

Panopondwa vanhu vanosvika mirioni imwe mumwedzi mumwe chete hapasi pokutamba napo.

KuRwanda nokune dzimwe nyika, vakatadza kuona chakavanzika chokuti kunzi chizvarwa cheRwanda chakakura kupinda kuve muTutsi kana muHutu.

Vakatadza kunzwa chirevo chiri murumbo rwechiKatorike rwunoti: Yeuka munhu, nhaiwe munhu/Munhu yeuka, uri huruva/Yeuka, uri huruva. Wakauya usina nechinhu/Munhu yeuka uri huruva/Yeuka uri huruva? Unodzokera usina chinhu/Munhu yeuka uri huruva? Yeuka, uri huruva!

Chinorwadza panoitika zvakadai muAfrica ndechokuti patinofa nerwaMwari kunyange rwehondo, mukuvigwa kwedu, ivhu haritirambe nokuti tiri vorudzi rwokuti kana rwakati.

Hazvina basa kuti uri muRungu, muChina, muIndia kana rumwewo rudzi, kana wafutsirwa muvhu, wadzokera kwawakabva kusina zvamarudzi. Hama neshamwari dzasara, dzinenge dzave kutotyira mweya wako chete kuti unoperera kuGehena here, kana kuti unoenda kudenga kuna Musiki.

Saka VaGora nemi vaverengi mese, izvi zvinodya mwoyo nokuti chandinoziva nokukoshesa ndechokuti ndiri mwana wevhu, mwana weZimbabwe.

Ndosaka zvakataurwa negamba Cde John Nkomo zvichisungirwa kutaurwa zvichibva pasindimuko yomwoyo mumunhu wese kuti: “Peace begins with me; peace begins with you; peace begins with all of us.”

Hapana chokwadi chinokunda ichochi!

Share This:

Sponsored Links