Kuronga mhuri: Sarudzo ndeyako

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views
Kuronga mhuri: Sarudzo ndeyako

Kwayedza

KUNE nzira dzakasiyana dzekurera mhuri idzo madzimai nevarume vabva zera vanogona kushandisa zvichienderana nesarudzo yavo.

Nzira dzekurera mhuri dzinowaniswa kune veruzhinji kana vachinge vashanyira zvipatara nemakirinika ari pedyo navo kusanganisira kanzuru inoona nezvekurerwa kwemhuri, yeZimbabwe Family Planning Council (ZFPC).

Madzimai anenge aguma ura (menopause) havakodzeri kushandisa nzira dzekurera mhuri nekuti mikana yekuti vaite pamuviri inenge yava mishoma.

Kuguma ura kunowanzoitika kuvanhukadzi vari pakati pemakore 45 kusvika 55 ekuberekwa asi zvisinei, vamwe vanogona kupfuura apa. Kuguma ura kunoreva zera rekumira kutevera kana kuzvara.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group, rinoti kuronga mhuri isarudzo inoitwa nemubereki kana kuti vabereki maringe nehuwandu hwevana hwavanoda.

Zvakanakira kurera mhuri:

Kurera mhuri kunobatsira murume nemukadzi kuti vaone nguva yakakodzera kuita vana nekupatsanurwa kwavo.

Kuita vana munhu usati wabva zera kunopa mikana mizhinji yekuzvara vana vasina kunyatsokura zvakanaka uye mikana yekurasikirwa neropa rakawanda kana kuvhiiwa nekuti muviri unenge usati wanyatsosimba.

Kukasika kuita pamuviri kunokanganisa dzidzo yemwanasikana.

Kuita pamuviri pasina kurongeka ndiyo zvakare mviro-mviro yekuwanda kwenyaya dzekubviswa kwemimba nekuraswa kwevana avo vanozopedzisira vave vanachenzira.

Kuwandisa kwevana kunoita kuti vakundikane kuwana kudya, dzidzo kana rutsigiro rwakakwana mukurarama kwavo.

Vana vanofanira kupatsanurwa mukuzvarwa kwavo nemakore matatu kuitira kuti amai vawane nguva yekusimba.

Varume nekurera mhuri:

Nyaya dzekurera mhuri hadzingorerekeri kuvanhukadzi bedzi asi kuti varume vanofanira kunge vachitsigira zvakasimba.

Murume nemukadzi vanofanira kuita hurukuro maringe nenyaya dzekurera mhuri dzakakodzerana navo vachitsigirana.

Varume vanokwanisa kunochekwa duriro (vasectomy) kuitira kuti vasakwanisa kupa madzimai pamuviri. Zvisinei, vachiri vashoma vari kutora danho iri muZimbabwe nekuda kwezvikonzero zvakaita sekutya kuvhiiwa, kutya kurasikirwa nesikarudzi kana kusekwa nevamwe takatarisa nyaya dzechivanhu idzo dzinoti murume chaiye anofanira kugona kupa madzimai pamuviri.

Dzimwe nzira dzekurera mhuri:

Kuverenga mazuva kwemudzimai ayo aasingabate pamuviri. Kazhinji zvinotora mazuva 12 kana kuti 14 mushure mekutevera kuti munhu ange achibata pamuviri.

Nzira iyi yakanakira kuti hapana mishonga (hormones) inoshandiswa inogona kutadza kuwirirana nemuviri wemukadzi.

Zvisinei, pane mikana yekukundikana kurava mazuva zvakanaka izvo zvinogona kuzopa kuti munhu abate pamuviri asingatarisire.

Pamusoro peizvi, nzira iyi haina dziviriro kuzvirwere zvepabonde zvakadai seHIV nezvimwe.

Kurasira mbeu yesikarudzi kunze (withdrawal method): Iyi ndeimwe nzira yekurera mhuri apo murume anorasira mbeu kunze asi inokwanisa kukundikana kana mbeu ikarasikira muchibereko zvichizoita kuti mukadzi abate pamuviri.

Pamadzimai 100 ari kushandisa nzira iyi, 18 vavo vanobata mimba.

Kondomu: Iyi ndeimwe nzira inobatsira mukurera mhuri kana ikashandiswa zvakanaka uye inogona kudzivirira zvirwere zvepabonde.

Makondomu ari kuwanikwa ari paviri, emadzimai neevarume zvinopa mikana yekuti vanhukadzi vange achizvidzivirirawo pachawo.

Mishonga inouraya mbeu dzababa (spermicides): Iyi mishonga inopfekwa nevakadzi kusikarudzi vasati vatangisa bonde kuti inge ichiuraya mbeu yababa.

Zvisinei, mishonga iyi yakaipira kuti inogona kukonzera utachiona muzvibereko zvemadzimai uye haidzivirire kubva kuutachiona hweHIV.

Mapiritsi ekurera mhuri anonyanya kushandiswa nevanhukadzi vakawanda asi zvinoda kuti munhu ange achiyeuka kuanwa zuva nezuva nenguva dzimwe chetedzo. Mapiritsi anopa dziviriro yekubata pamuviri nechikamu che99.9%. Zvisinei, kushandiswa kwemapiritsi aya nevanhu vari kutora mimwe mishonga yakaita seyepfari kana rurindi kunogona kuita kuti asashande nemazvo.

Mapiritsi ekurera mhuri ari pamhando mbiri dzinoti progesterone — ayo anotorwa nevanenge vachiyamwisa kuchizoti anonwiwa nevasingayamwisi, emacombined oral contraceptives.

Kune mamwe zvakare anonzi emergency contraceptive anonwiwa nemukadzi anenge akoshiwa kushandisa dziviriro senzira yekuti asabate pamuviri. Mapiritsi aya anofanira kunwiwa mukati memaawa 72 ekuita bonde asi haafanire kugara achinwiwa nekuti anogona kumutsa zvigozhero zvekuwanda kwemahomoni mumuviri. Kunze kwazvo, kune rimwe jekiseni rinonzi depo-provera rinobaiwa mukadzi uye rine mahomoni akangofanana neanowanikwa mumapiritsi ekurera mhuri. Jekiseni iri rakakoshera kuti rinoshanda kwemwedzi mitatu uye hapana basa rekutora mapiritsi zuva nezuva. Nzira yejekiseni iri haidzivirire kuHIV uye haifaniri kushandiswa nevakadzi vane zvirwere zvakaita seBP, chiropa negomarara remuzamu.

Implant Norplant: Ndeimwe nzira yekurera mhuri inotora makore mashanu. Twumiti twepurasitiki twuviri twunoiswa munyama necheparuwoko rwemukadzi twunenge twuine mahomoni anodzivirira kubata pamuviri. Nzira iyi yakakoshera kuti inopa dziviriro kwenguva refu uye inokwanisa kuzobviswa apo munhu anoda kubata mimba.

Intrauterine contraceptive device (ICUD) kana kuti Loop: Kamuti zvakare kepurasitiki kane simbi dzecopper kanopfekerwa muchibereko uye kanogona kugara kwemakore 10 kana mukadzi achiri kuda dziviriro. Zvisinei, kasimbi aka kanogona kungobuda pane ipi zvayo nguva uye hakadzivirire kubva kuHIV.

Kune dzimwe nzira dzekurera mhuri kweupenyu hwese dzakaita sekuchekwa kweduriro remurume (vasectomy) kana kuchekwa kwemachubhu kwanaamai (tubal ligation).

Nzira idzi dzinofanira kuitwa kana munhu achinge adzamisisa pfungwa dzake kuti haachada kuita vana zvachose nekuti hadzigadzirisike kana dzichinge dzangoitwa.

Share This:

Sponsored Links