Kurova shumba nembama

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
BELINGTON Nyamadzawo wekuMvurwi akatema Mambo Makope nedemo nekuti vakanga vamutsiura kuti asateme muti. Kutema mambo nedemo? Maihwe, uku ndiko kunonzi kurova shumba nembama! Kupinda muPolice Station uchiputa mbanje.

Nyika haitongwe nekutema mambo nedemo. Kana ukatema mambo nedemo, uchazodzidza kuti hasha dzako dzingapise zvakadii, asi hadzigone kubika mazondo akaibva. Jee ijee zvaro, asi dzihwa harigochwe.

Nhamo inhamo zvayo, amai havaroodzwe, uye mukuru mukuru, hanga haigare pfunde. Neniwo ndiri kutsvaga mashoko anotema kunge demo, kuti nditeme nekusanzaura Belington asina matyira, anotema mambo nedemo.

Ndinozviziva kuti munyika mune mbavha, varoyi, mhondi asi chandinoziva ndechekuti kuzvininipisa nekuziva mutemo, nekuremekedza vakuru kunodiwa. Mambo mutariri akagadzwa kuti achengetedze vanhu, mhuka, ivhu, nzizi nezviwanikwa zvese. Kutema mambo nedemo kutema nyika, nekuti mambo akapihwa simba neBumbiro reNyika (Constitution).

Kutema mambo nedemo kutema Hurumende nekuti mambo ihurumende inotonga neHurumende. Kutema mambo kutema Mwari, nekuti Bhaibheri rinoti Mwari ndiye anogadza nekubvisa madzimambo.

Nhaimi wee, ko munhu aitya nekuremekedza mutemo akaenda kupiko? Ko iko kusimudza demo uchitema munhu hakusi kusatya Mwari here akati, “Usauraye?”

Chete nezvimwe zvandakazonzwa zvichitaurwa namambo kuti munhu uyu munguva dzekumashure akambotema matanda emiti yemagetsi akaenda kunoaita huni kumba kwake, ndinoona sekuti paita murwere wepfungwa apa.

Kana asingarware nepfungwa, munhu uyu haafanire kugara munyika ine vanhu, asi musango mune nyoka, marize nezvimwe zvikara zvine hasha zvakaita sembada, shumba nemakava. Nekuti hakuna munhu akadaro. Chete chave kunetsera nyika yatave kugara ndechekuti tiri kusekerera mapenzi ari kunwa muto vamwe vachida kuseva.

Vamwe vechidiki vave nemweya wehasha, kuita madhisinyongoro zvekuti unoshaya kuti sei tichiri kuvati vanhu. Imi munoti nekuwanda kuri kuita nhubu dzinenge vatyairi vemakombi, mahwindi anorembera, nezvidhakwa, nyika yamangwana ichange iri nyika here?

Belington akatadza kutadza kune nyanga nemuswe! Anoda kubatsirwa, asi chekutanga anofanira kubvuma kuti ane dambudziko guru. Haisisiri nyaya yekuti timuitire chibhende nekuti hunhu hwake ndehwemhuka. Belington afanana nemhuka dziri muHarare dzinodhiraivha mota dziri kudivi risiri iro.Afanana nemadhiraivha emakombi anozvimanikidzira pasina nzvimbo kusvikira vanga vachifamba zvakanaka vavadziurira nekuti vanozviti ihurumende yepamugwagwa.

Asi kana zvinhu zvatinonyatsoita tichiziva kuti tiri kukanganisa zvasvika apa, Mwari vanoti ndizvo zvivi. Mwari pavakabvunza Adam naEve kuti sei vakanga vasina kuvateerera, vakatanga kunakurirana mhosva. Nyangwe Aroni haana kubvuma mhosva paakagadzira chimwari chemhuru yendarama. Akati, “Vanhu vakandipa ndarama, ndikaikanda mumoto, muchibva mabuda mhuru iyi.”

Handizive kuti Belington achapomera ani mhosva yekutema mambo. Pamwe achati mweya yetsvina, kana yengozi — asi kufanana nemadhiraivha emakombi asina hunhu, mweya yetsvina nemweya yengozi ndiwe. Munhu anoregererwa ndiye anobvuma mhosva, uye kana abvuma mhosva oratidza kuti ave munhu kwete dhumukwa! Mapenzi ari kuramba achiwanda munyika zvekuti kana tikasagadzirisa zvinhu, mumakore anotevera nhubu dzichange dzave nenyembe semasoja.

Munhu munhu nevanhu, uye munhu wese ane hama. Hama dzaBelington muri kutiwo kudii nehunhu hwemumwe wenyu? Hamuna kumudzidzisawo here kuti baba vanoremekedzwa uye amai vanoyera?

Hamuna kumuudzawo here kuti nyika yega yega ine varidzi nevatariri vakagadzwa naMwari.

Share This:

Sponsored Links