Kurunga mutauro

19 Jan, 2018 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
Hwaro hwechirongwa kana chiumbwa chese hwakange hwakasimba zvinoreva kuti mudhuri wacho hauzombofa wakadhirika. ChiShona chedu chinofa nekuti isu tinoda kuzoita karikiriki nacho kana nguva chete yekunonyora bvunzo yasvika.

Nguva zhinji tinenge tichiita zinyekenyeke nayo.  Ngatitore mukana uno kuti tigadzire hwaro hwedu hwakasimba kuitira mberi kwatichaenda. ChiShona hachimbonetsa kugadzira hwaro hwacho nekuti kune zvinhu zvinongoda kusimbiswa nekuitwa nemazvo kuitira kuti zvigare mundangariro.

Kuti chiShona chedu chitange zvakanaka, tinofanirwa kutanga nekugona kuchitaura zvakatsetseka. Kutaura zvakanaka kwandinoreva ndekwekunzwisisa sungawirirano mukuvaka zvirevo zvinoerera zvisingatyorwi.

Zvinoita sokuti ndizvo zvinokodzera kana vanhu vajairira kutyora chiShona munharaunda mavo vose vachitaura zvakafanana asi zvisiri izvo. Vanotaura nezvemandiro kana kuti shangu dzitema muzvirevo zvavo vachitadza kungoti ndiro kana kuti shangu nhema.

Zvinonyorwa zvichinzi “Mamango anga akati warakata pasi” panze pekuti “Mango dzanga dzakati warakata pasi.” Kutadza sungawirirano kunobva kwauraya mutauro zvachose zvoita sokunge vanhu vanobva kune dzimwe nyika nyambisirwa zvizvarwa zvemuno zvinongoshaya hanya nekutaura chiShona chamandorokwati nguva dzose.

Kana togona kutaura chiShona chakaerera tinenge toda zvino kuchiita zvidavado nemutauro apo unenge woitwa zvokurungwa semarungirwo anoitwa husavi kuti hutapire. Kurunga husavi hakusi kwekungoti munyu kandei kwete.

Kune zvakawanda zvimagodzamuto zvinoita kuti husavi ihoho hugoita bhwasvisvi chaiho. Ndizvo zvinongoitwawo mukutaura chiShona nekuti chinorungwawo chigotapira samare. Chine zvinochirungawo zvakawandawanda. Tinongofanirwa kuziva kuti zvinorungwa zvine mwero. Muchikamu chino tinotarisa mhando dzezvirungamutauro dzatingashandisa.

Mhando huru yekutanga yekurunga nayo mutauro ndeye kushandisa tsumo. Kushandisa tsumo kunoita kuti mutauro udzame uye uratidze hungwaru hwemunhu anenge achitaura mutauro wacho. Kune tsumo dzinobata kwakasiyana kubvira mukuraira kana kuti kurovera masoro, kutondedza kana kurumbidza.

Mukurunga mutauro netsumo pane zvatinofanirwa kutanga tadzidza nekugona kuti tigoita marungiro emhando yepamusoro. Tinotarisirwa kugona kutsanangudza tsumo kuti dzinorevei. Tinofanirwa zvakare kugona kudoma tsumo dzinoreva zvimwe chete. Pamusoro peizvozvo, tinofanirwa kugona kudoma tsumo dzinopesana nedzakapiwa.

Nemhaka yekuti bvunzo redu rine pepa rekutanga rinoda kuti tsumo dzizadziswe, vana vanofanirwa zvakare kuti vagone kuzadzisa tsumo zvakakodzera. Vana vanofanirwa kugadzirirwa hwaro hwetsumo kusvika pakugona kudoma tsumo inoenderana netsanangudzo inenge yakapiwa

Tinogona zvakare kurunga mutauro tichishandisa madimikira. Madimikira anoita kuti vanhu vaite chihwandehwande mumutauro uye zvinoda kunge munhu achikwanisa chose kududzira madimikira iwayo kuti anorevei.

Madimikira anoda hunyanzvi hwekuanzwisisa nekuti kutaura kusingaburitsi pachena mashoko chaiwo anonzwisisika zvirinyore. Kubudikidza nemadimikira, munhu anogona kukodza mutauro zvinokwezva vatereri. Imwezve nzira inogona kushanda kurunga mutauro kushandisa nyaudzosingwi. Nyaudzosingwi mazwi anotaura mamiriro ezviito.

Zvirungamutauro zvenyaudzosingwi zvinoita kuti mutauro unyerekedze nekunakidza. Hunyanzvi hunodiwa apa kugona chete kusarudza nyaudzosingwi dzinokodzera. Fananidzo inodiwa zvakare seimwe nzira yekurunga mutauro nayo. Fananidzo inoita kuti muono nemaonerwo ezvinhu kuti tambanukei.

Muenzaniso bonga ndiro rimwe zita rinodaidzwa fananidzo. Fananidzo dzinopa muverengi mufananidzo chaiwo wezvakaitika.

Share This:

Sponsored Links