Uncategorized

KuSa zviriko zvekubirwa vhudzi

24 Oct, 2014 - 00:10 0 Views

Kwayedza

TSVAKURUDZO yakaitwa neKwayedza padandemutande inotaridza kuti nyaya dzevanhu vanobatwa nembavha vachigerwa mhotsi dzavo, idzo dzinozotengeswa, dziri kukurumbira zvikuru kunyika yeSouth Africa.
Jack Maseko, uyo anove chizvarwa chemuZimbabwe asi achishandira kuSouth Africa, anonzi nguva yadarika akabatwa huruweki nembavha nhatu idzo dzaida nharembozha yake pamwe chete nemhotsi dzaainge achengeta kwemakore matatu. Anoti vakamubata vakamugera nechigero apo vainge vakamunongedza banga.

Mhotsi dzinogona kutora nguva yakareba kuti dzirebe nokudaro vanhu vazhinji havana moyo murefu wekuti vadzichengete kusvika dzareba. Izvi zvinonzi ndizvo zviri kuita kuti vanhu vanoda mhotsi dzakareba vawande pamisika yemikoto kuSouth Africa. Mbavha dzinoita izvi nekuchimbidza uye dzimwe nguva dzinoita zvehutsinye dzichishandisa banga, chigero kana bhodyera rakapwanyika kuveura musoro wemunhu.

Nguva zhinji, vanenge vabirwa mhotsi vanonzi vanotadza kunomhan’ara kumapurisa nekuti vanofunga kuti havana rubatsiro rwavangawana.

Mhotsi dzinosvika pamafudzi dzinotengeswa neR200 kusvika paR700 uye dzakareba kusvika kumusana dzinonzi dzinogona kutengeswa nemari inokwana R2 000. Muzvinabhizimisi wekuSouth Africa, uyo ari mubhizimisi remucheno wevhudzi, Jabu Stone, akamhura tsika inoitwa nevamwe vanhu yekuba mhotsi.

“Kugera munhu asingade kumbunyikidza kodzero dzake uye vanoita izvi havatarise kuti munhu anenge apedza nguva huru achichengetedza vhudzi rake. Tsika yacho haikomborere,” akadaro Stone.

Zvakadaro, shasha yekugadzira musoro muguta reHarare, Thabo Zinto, anoti nyaya yekuti vanhu vanobirwa mhotsi haisati yatsviridza muZimbabwe.

Anoti mhotsi dzakareba kusvika pamafudzi muno munyika dzinotengeswa nemari inobvira US$100 zvichikwira. Mazuva ano, vamwe vanhu vave kufarira kuchengeta mhotsi senzira yemucheno.

Share This:

Sponsored Links